Shangwe: Bible for Acts, Ephesians, Jude, Luke, Mark

Formatted for Translators

©2022 Wycliffe Associates
Released under a Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License.
Bible Text: The English Unlocked Literal Bible (ULB)
©2017 Wycliffe Associates
Available at https://bibleineverylanguage.org/translations
The English Unlocked Literal Bible is based on the unfoldingWord® Literal Text, CC BY-SA 4.0. The original work of the unfoldingWord® Literal Text is available at https://unfoldingword.bible/ult/.
The ULB is licensed under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License.
Notes: English ULB Translation Notes
©2017 Wycliffe Associates
Available at https://bibleineverylanguage.org/translations
The English ULB Translation Notes is based on the unfoldingWord translationNotes, under CC BY-SA 4.0. The original unfoldingWord work is available at https://unfoldingword.bible/utn.
The ULB Notes is licensed under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License.
To view a copy of the CC BY-SA 4.0 license visit http://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0/
Below is a human-readable summary of (and not a substitute for) the license.
You are free to:
The licensor cannot revoke these freedoms as long as you follow the license terms.
Under the following conditions:
Notices:
You do not have to comply with the license for elements of the material in the public domain or where your use is permitted by an applicable exception or limitation.
No warranties are given. The license may not give you all of the permissions necessary for your intended use. For example, other rights such as publicity, privacy, or moral rights may limit how you use the material.

Mark

Chapter 1

1Ndikokuvamba kwevhangeri rajesu kirisitu,mwanakomana waMwari.Sezvakanyohwa nemuporofita, 2''Tarirai,Ndirikutumira mutumwa pamberi pekumeso kwenyu,uyo achakugadzirirai nzira yenyu. 3Inzvi reuyo anorira mugwenga,gadzirai nzira yaMwari,twasudzai nzira yake''4Jonhi akauya,achiombeka mugwenga nekupaidzira ruombeko rwekutendeuka pakuregerehwa kwezvitadzo. 5Nyika yose yeJudhiya nevanhu vose veJerusarema vaenda kwaari.Vakaombekwa naye mumuronga weJorodhani,vachipupura zvivi zvavo. 6Johwani anga afeka bhachi remakushe engamera netambo yedehwe muchiuno make,asija mhashu nehuchi7Akanga asiparidza,asiti'Pane asauya mumasure mangu anesimbakudarika inini',Tambo dzeshangu dzake handikwanise kudzivhisa kana kudzisunungura. 8Ini ndakakuombekai nemvura ,asi iye achakuombekei nemweya mutsvene.9Zvakaitika pamazuva iwayo Jeso paakauya asivha Nazereta muGararariya,Ipopo akaombekewa naJohani mumuronga weJorodhani . 10Apo Jeso asifumhuka kuvha mumuvhura,akaona denga risivhurika Mweya mutsvene usidzika pamusosoro pake senjiva. 11Dzinga rakabuda risivha kudenga,''Iwe ndiye Mwanakomana wangu wandine farira .Ndinendifadziwa newe zvakanyanya12Zvino Mweya wakamumanikidza kuenda mugwenga.Ainge arimungwenga kwemazuva gumi nemana,ndokuedzewa naSatani. 13Akanga anemhuka dzesango uye ngirozi dzamupa chekuja14Apo kuvha Johani paakasungiwa Jeso akauya asivha Gareri asitaura shoko raMwari. 15Akati ''Nguva yazadzikiwa,humambo hwekudenga wavapanduze.Tendeukei mutende shoko16Paaifamba mumbari mbari meGungwa reGareri,akaona Simiyoni naEnduru mukoma Simiyoni vasikandiria ndangara mugungwa,nekuti vainge vari vabati vehove . 17Jesu akati kwavari,''Huya,unditevere,ndichakuita mubati wevanhu. 18''Ipapo vasiya ndangara dzavo vakamutevera.19Apo Jesu asifamba kachinhambo,akaona Jemhusi mwanakomana waZebhedhi naJoni mukoma wake; vainge vachigadzira ndangara muchikepe. 20Akavadaidza ndokusiya baba vavo Zebhedhi nevamwe varanda vavakanga vadaidza,ndokumutevera.21Vakabva vauya kuKapenauni,apo raiva zuva resabata,Jeso akaenda mu sinagogu asidzidzisa. 22Vakashamisika nekudzidzisa kwake,nekuti waidzidzisa semunhu anemasimba kwete sevanyori.2326Apo paiva nemurume mumaSinagogu avo aiva nemweya wetsvina akazhamba , 24achiti ,'' Chini chatingaite nemi, Jeso weNazareta?Mauya kuzotiparadza na!'' Jeso akatsiura mweya akati,''Nyarara uhve kwaari! 25'' Mweya wakaipa wakamukandira pasi ukavha kwaari achizhamba nenzvi riri pamusoro.27Vanhu vese vakadzika ,vakavhunzana kune mumwe nemumwe,''Ndechiyiko chakarechi? 28Dzidziso itsva inesimba!Anoraira kunyangwe nemweya yakaipa ichimutetekera!'' Nhau dzezvake dzakanzvikiwa kose kose Mugareriya.29Paakaburika kunze kweSinagogu,vakapinda mumba maSimiyoni naEnduru,pabodzi naJemusi naJoni. 30Pakerepo amezvara vaSimoni vakanga vakaenzera nedenda rekupisa muviri, vakavha vataudza Jeso nezvazvo. 31Pakerepo akauya akamutora nemanja ake, ndekumutsimutsa;denda rekupisa muviri rakavha kwaari,akatanga kuvabatsira.32Madeko akereyo zuva risangodoka,vakawiisa vose vaihwara nevanga vakazodzewa nemweya yetsvina. 33Guta rose rakaungana pamusuwo. 34Akaporesa vose vaihwara nehosha dzakasiyanasiyana nekutandaidza mamhepo ose,aiva akagara muvanhu,mamhepo ose haana kuvhumidziwa kuti ataire aimuziva.35Vakamukira mausukusuku,kwakasviba;ndokuenda mumasango ikoko akanamata. 36Sayimoni nevakanga vainavo vakamutsvaga. 37Vakamuwana vakavha vamuti ''Vanhu vose varikukutsvaga.38Akati ngatiendei kose,kunze kune mamwe madhorobha akapoteredza,kweakuti ndiparidzire kwaari,ndosaka ndabudikira kwarekuno'' 39.Akapinda nemukati meGareriya asiparidza nemumasinagogu 'nekutandaidza mamhepo.40Anemapare mbudz akauya kwaari akakumukumbira; akamufugamira ndekumuti,''Kana usida, ndichese''. 41Akachovhera kwaari nerudo,Jeso ndokumusvikira neruoko ndekumubata ndekuti kwaari,''Ndinoda. Chichena''. 42Pakerepo ,maperembudz akavha kwaari,akavha achenesewa.43Jeso akamuyambira zvakanyanya pasisna kundikana ivha pano 44enda. Akati kwaari ''Asawana chaunetaudza chero munhu, asi enda, unatondedza mupurisita ,unopa chipo chekuchenesewa chamakarairwa naMozesi,sechipupuriro kwaari''45Asi iye akabuda pachena ndokutanga kushevedzera pachena ndokutanga kushambadzira shoko,zvakanyanyisa,zvekuti Jeso anga asakusapinda mudhorobha zvinoonekwa asi aigara kunze kwemadhorobha. Asi vanhu vakaramba vasiuya kaari kuvha kosekose.

Chapter 2

1Apo Jeso paakauya asivha kuCapernaum kwapera mazuva mashoma , zvakanzvika kuti aripo pamusha. 2Vadewanda vakawungana pakarepo zvekuti pakanga pasisinabo nzvimbo, kana pausuwo, uye akataurashoko kwavari.3Zvino varume vakawuya vairese murume aderemara; vanhu vana vakanga vademusenga. 4Pavakatadzirira kusvika padhuze naye nokuda kwevanhu vazhinji, vakabisa denga raiva pamusoro pajeso, mushure mekuzarura kanzvimbo, vakabisa rainge rakasegesewa murume aderemara.5Jeso akati asiona kutenda kwavo, jeso akasiti kumurume aderemara,"mwanakoman, wakangamwihwa zvitadzo zvako." 6Zvino vamwe vevanyori vakanga vagere pakarepo, vaifungisisa mumoyo yavo, 7"Murume uyu anetaurireni asidai? anesora! Ndiyaniko anegona kuregerera zvitema asi mwari woga?"8Pakarepo Jeso akaziva mumeya wake zvavaifunga pachavo. Akati kwavari, "Sei musifunga zvakadaro mumoyo yenu. 9Chiniko chakareruka kuyi kune akafa mutezo, zvako zvaregerehwa,' kana kuti,'simuka simudza bonde rako uye famba'?10Asi kuti muzive kuti mwanakomana wemunhu anesimba panyika kuregerera zvitema, 11"akati kuchirema, "I ndineti kwauri, simuka, tora bonde rako, enda kumba kwako. 12"Akasimuka pakarepo akatora bonde rake ndokuburika pamberi pevanhu vese, zvakuti vese vakashamidzika vakapa mbiri kuna mwari vakati, hatinhu tawona zvidedai."13Akaburika zvakare akange aripadhuze nedziva, gurususu ravanhu rakauya kwaari, akvadzidzisa. 14Paaingopindawo nepo, akaona Levi mwanakomana waAlphaeus agere paneteresehwa akati, "Nditovere". Iiye akasumuka akmutovera.15Jeso waija ari mumba maLevi uye vateresi nevatadzi vakawanda pabodzi vaija naye nevadzidzi, vaiva vakawanda vakamutevera. 16Apo vanyori, vaiva vaFarisi, pavakaona Jeso asija nevaiti vezvakaipa uye vateresi, vakati kuvadzidzi, anejireniko nevateresi nevatadzi17Jeso akati asizvinzva akti kwavari," Vanhu vadegwi pamiviri yavo havatsvagi murapi,' asi vanehwara ndevanemuda. handina kuuya kuzodanidza vatsvena asi vatadzi.18Zvino vadzidzi vaJoni navaFarisi vakanga vakazvinyima kuja. vamwe vanhu vakauya kwaari ndekuti, seiko vadzidzi vaJoni nevadzidzi ve vaFarisi vasizvinyima kuja, asi venyu vasingazvinyimi kuja. 19Jeso akati kwavari, "zvino vanenge vauya kumuchato vangazvinyime zvekuja here chikomba chisiripo? kana vasinge vasine chikomba havangazvinyime zvekuja.20Asi mazuva asasvika chokomba pachisavhisiwa kwavari, nemazuva akareyo vasazvinyima kuja. 21Hapanabho munhu anesonera chigamba chitsva pachifeko chakudhara. dzimwe nguva chigamba chineparuka kubva kwair,i itsva kubva chichitsaru paneparuka zvakanyanya.22Hakuna munhu anedira maburo matsvene muhomwe sharu. nekuti maburo aneparura homwe, zose maburo nehomwe zvinetaika. Saka maburo matsvene aineisiwa muhomwe tsva."23Musu we Sabata Jeso akati asipinda nemuminda, vadzidzi vake vakatanga kunhonga hura dzetsanga pavaipinda. 24Vafarisi vakati kwaari, "nangara, vaneitireiko zvinhu viri kunze kwemutemo musi wesabata?"25Akati kwavari, "hamuna kuverenga here zvakaitiwa naDhavhiti wakanga ashaiwa uye aine nzara-iye nevamwe varume vaakanga anavo- 26kuti akapinda sei munyumba yamwari, apo Abhiatari ari mupurisita mukuru, akaja zvingwa zvekutaridza, zvakangz zvisina kutendehwa kujiwa naani zvake kunze kwemapurisita chete, akazopawo vaakanga anavo"27Akati kwavari, sabata yakaitiwa munhu, munhu haana kuitihwa sabata. 28Naizozo mwanakomana wemunhu ndiye Ishe,kana kuti weSabata."

Chapter 3

1Zvakare Jeso wakanguna musinagogu, paiva nemurume anehwanja hwakakombama. 2Vamwe vanhu vakamunangarisisa vasida kuona kuti asamuporesana nezuva resabata kuti vamupamire mhosva.3Jeso wakati kumurume wanga ane hwanja hwakakokonyara, "simuka umire pakati pevanhu vese." 4Pakarepo akati kuvanhu, "zviripamurawo here kuita zvakanaka musi wesabata kana kukuvadza; kuramurira upenyu kana kuuraya?" Asi vakanyarara.5akanangara kwavari vese akaipihwa, nekuahupika mumoyo make nekuda kwehukukutu hwemoyo yavo, ndekuvha ati kumurume, "tambanudza hwanja hwako." Akahutandavadza hwanja, husivha toroka. 6Vafisi vakabuda panze nekasvasvi ndekutanga kumurongera nechikwata chaHerodhi nzira dzekumuuraya nadzo.7Zvino jeso, nevadzidzi vake, vakayenda kugungwa, gurususu revanhu richitevera kuvha kuGareriya nekuJudhiya 8nekuJerusarema nkuIdomiya nekumberi kwejodhani nemunharaunda yeTiyera neSidhoni. Pavakanzva nezvaiita, gurususu guru rakauya kwaari.9Akataudza vadzidzi vake keva hwato diki kumugadziriranekuda kwegurususu yevanhu, kuti varege kumudzvinyidzira. 10nekuti akaporesa vakawanda, munhu wese aiva nezvirwere akada kusvika paari kuti amubate.11Pese mweya ideipa payaimuona , yaidonhera pamberi pake nekurira zvikuru isiti,"Uri mwanakomana wamwari." 12Aitsindidzira kuti vasaite kuti azivikamwe.13Akakwira pamusoro pegomo, uye akadanidza vaaida, vakauya kwaari. 14Akatondeka vane gumi nevaviri (vaakateedza kuti vaposotori) vaakaitiraasinge ainavo zvakare asivatuma kufambisa shoko, 15zvakare kuti vave nesimba rekutandaidza mweya yakaipa. 16Akatondeka vanegumivanegumi: Simoni uyo waakateedza kuti Pita;17Jemusi mwanakomana waZebhedhiya, naJoni mukoma waJamusi, vaakatedza kuti Bhonagesi, avo vaakateedza kuti Bhanan'ana; 18naEnduru,Firipi,Bhetonomiyo, Mateyo,Tomasi,Jamusi mwanakomana waArufiyasi Tandiyasi, Simoni weshungu 19na Judhasi Sikariyoti, akazomutengesa.20kadzokera kumusha , gurususu rakaungana zvakare ,zvekutivakatadza kana kuja chambwa. 21Mhuri yake payakanzvazvi Vakaenda kunamutora, nekuti vaiti ava,"ava kupenga." 22Vanyori vakaburuka vasivha kuJerusarema vakati, "Akazadziwa nemweya waBheruzabheri" zvakare "nemutungamiri weadeipa anetandaidzira kure mweya ideipa."23Jeso akavasheedza kwaariiye ndokuvha ati kwavari nemadimikira, "Zvingaite sei kuti satani angatandanidziwe seyi nasatani? 24Kana umambo hukauya muzvidimbu zvidimbu, husingawirirane pachaho, umambo uhu haumiri. 25Kana imba inezvidimbu zvidimbu zvisingawirirane pachazo, imba iyoyo haikwanisi kumira.26Kana satani azvimukira pachake nekuzvipasanura, haangamire, asi anevha aperehwa. 27Hakuna kana mubodzi angapinde nyumba yemurume anesimba weba midziyo yake, asati atanga kusungirira muridzi wenyumba kana ozoparadza nyumba yake.28Chokwadi ndeeti kwamuri,zvitadzo zvese zvevana vemunhu zvisaregerehwa, zvisinei nemashiko adeipa avanetaura, 29asi aneshora mweya mweya mutsvene aazoregerehwi, asi ane mhosva isingaperi." 30Jeso akataurazvi asiti nekuti vaiti, "ane mweya udeipa."31Pakarepo amiyake nevanike vake vakauya vakamira panze, vakamutumira munhu, kunemudana. 32Chaunga chevanhu chakanga chigere chakamukomberedza chikati, "Amiyako, nevanike vako nehanzadzi dzako vari panze, varikukutsvaga."33akavapindura asiti, " ndiyani amiyangu nevanun'una vangu?" 34Wakanangara nangara pane vakanga vagere vakamukomberedza akati, "Nangareni pano ndepana amiyangu nevanun'una vangu! 35Nokuti uyo anoita kuda kwamwari, munhu iyeyo ndiyemukoma wangu, kana hanzadzi yangu ndiye amiyangu."

Chapter 4

1Pakerepo akatanga kudzidzisa arimu mbari mbari megungwa,Gurususu rakamukomba akanguna muchikepe changa chari mugungwa akagara pasi. Gurususu revanhu rangariri kumbari mbari kwegungwa. 2Akadzidzisa zvinhu zvizhinji nemifananidzo akati kwavari pakudzidzisa kwake.3Teyeredzeni ! Murimi akaburukira kuno mwaya mbeu dzakawira kunze kwenzira,shiri dzakawuya dzikaja. 4Pakumwaya ,dzimwe mbeu dzakawira kunze kwenzira,shiri dzakauya dzikaja. 5Dzimwe mbeu dzakawira paruware pakanga pasina ivhu rakakwana.Pakerepo dzakatanga kutsva nokuti pakanga pasina ivhu rakakwana.6asi rakati rabuda zuva, mbeu dzaoma nekuti dza dzikanga dzisina mudzi dzakavha dzaoma. 7Dzimwe dzakawira pamunzva.Munzva wakakura ukavhurika mbeu,dzikatadza kubereka.8Dzimwe mbeu dzakawira pavhu dzvene dzikaberka dzika kura ,dzisiwedzera mukoho,zvakapetwa,zvimwe makumi matatu zvimwe matanhatu kusvikira kuzana. 9Zvino wakati''Chero ani ane nzeve dzekunzva ngaanzve.''10Apo Jeso akati ari woga,avo vakanga vakamupoteredza nevadzidzi vakamuvhunza nezvemifananidzo. 11Akati kwavari,'' imi makapsiwa zvakahwanda zvehumambo hwaMwari.Asi kune vari kunze zvese zviri mumifanidzo. 12Kuti pavanonangara, vanangare, asi varege kunangarisisa.nepavanonzva vanzve asi verege kunzvisisa,nokuti Mwari anga varegerere pakungasisa kwavo.13Zvino akati kwavari hamunzvisisi here mufananidzo uyu,musanzvisisa seiko yose mifananidzo iyi? 14''Mukushi anekusha mashoko. 15Ava ndive kunze kwenzira, kune mwaiwa shoko.Pavanonzva shoko, satani pakerepo anewuya nekutora shoko rakanga ramwaiwa maari.16Zvakare iyi ndiyo mbeu yakawira paruware;ndivo ,vanoti vanzva shoko pakerepo vanoritambura nemufaro. 17Asi venenge vasina mudzi maviri,ndovaya vechinguva chidiki.vanoti vakasangan nematambudziko kana kutambudziwa nekuda kweshoko,vanovha vasiya pakarepo.18Chiko ndodzimwe dzine mwaiwa pakati pemunzva.ndovaye vanonzva shoko, 19asi zvido zvemunyika nehunyengeri hwefuma yemunyika nekukungurira zvezvimwe zvinhu zvichipinda nekuuraya shoko, uye hazvina zvibereko. 20Kune idzo dzine pavhu rakanaka ndevaye vanenzva shoko, verigamuchira robereka zvibereko, zvakapetewa makumi matatu makumi matanhatu kana zana.21Jeso akati kwavari,'' unnga ngune nemwenje mukati menyumba woyisa pasi padengu kana pasi pewuriri here?Unetora woyisa pachigadziko chemwenje 22.Hapana chakavanzika chisingazozivikaniwe,zva kare hapana chakavanzika chisinga zobude pachena 23.Kana pane anezneve dzekunzva ,ngaanzve!''24Akadaro kwavari, '' Teeredzeni pane zvamunonzva ,mapimiro aunoita navo vamwe usayerewawo nacho,uye zvizhinji zvicha wedzerewa kwauri. 25Nekuti uyo anacho,kwaari zvichawedzerewa,uyu asina ,kunyangwe nezvaanazvo zvichatorewa.''26Wakati ''Humambo hwekudenga hwakafananidziwa nemurume anejara mbeu pavhu. 27Akarara husiku akamuka masikati,nembeu dzine mera dzokura,kunyangwe asinga zvizive kuti zvirikuitika kudini. 28Nyika inebereka zvibereko pachayo; shizha rekutanga, kotevera chikwapa ndekuzeyivha. 29Zvino mbeu dzakazeti dzayivha. Vakurumbidza kutumira jeko nokuti kukohwa kwakanga kwasvika.30Zvakare akazeti tinga hufananidze neyiko humambo hwaMwari kana kuti munanidzo upi watingashandise kuti munzvisise. 31Zvakaita sembeu yemasitadhi ine ita mbeu diki diki pambeu dzose dziri panyika. 32Asi uneti ukajariwa unekura kudarika mbeu dzose dzemubindu, uye uneita mamhazi makuru,kuti shiri dzedenga dzinozovaka zvisakirira zvadzo pamirimvuri yawo.'''33Nemifananidzo mizhinji seyakadai akataura shoko kwavari,mizhinji sekunzvisisa kwavaigona kuita, 34hapana zvaaigona kutaura navo pasina mifananidzo. Asi paakazeva wogani akavatsanangurira kuvadzidzi vake zvose.35Pazuva rakarero, panguva dzema deko deko, akati kwavari ,'' Ngatiendeni kune imwe mhiri'''. 36Vakasiya gurususu, vakaenda naJeso ,sezvaanga angori,muchikepe.Paiva nezvimwe zvikepe zvaenda pamwe chete naye. 37Pakerepo duta rakasimuka, mahape akatanga kupinda muchikepe zvekuti chikepe chakanga chava padhuze nekuzara mvura.38Asi jeso akanga ari kumashure kwechikepe ,akaenzera patsago.Vakamumutsa vakati ,''Mudzidzisi, hamuna hanya nesu takuda kufa?'' 39Akamuka, akatsiuura mhepo,akati kugungwa,''Rugare! rambawakadaro!''Ipapo Bepo rakanyarara,pakava nekudzikama kukuru.40Akati kwavari ,'' Seiko muchicha? Hamusati mave nekutenda nazvino? 41Vakazara nekucha kukuru vakati kune mumwe nemumwe,Zvino uyu ndianiko,nekuti kunyangwe mhepo kana gungwa zvino mutetekera.

Chapter 5

1Vakauya kune imwe mhiri yeGungwa, kunzvimbo yeGerasenesi. 2Jesu paabuda kuvha muChikepe, murume wakanga ane mweya wakaipa wakauya kwaari kuvha kumakuva.

Chapter 6

1Akaburika kunze pakarepo ndekuenda kuguta rekumusha kwake, pakarepo vadzidzi vake vakamutovera. 2Musi sabata wasvika akadzidzisa musinagogu. Vanhu vazhinji vakanzva zvaitauhwa vakashamidzika. Vakati, " Akaiwanayi dzidziso yakadayi?" "ko manoyi akapiwa iye? "Ko zvishamisoyi zvishamisoyi zvanoita nemanja ake?" 3"Ko haasi muvezinayu, mwana wamariya nemukoma waJemusi na Joses, na Judha, naSimon? Hanzadzi dzake hadzibo pano nesuna? Vakanyetedzewa na jeso.4Zvino Jeso akati kwavari, "Muporofita haangashaiwi kuremekedzwewa , kunze kwemuguta rekumusha kwaanegara nekuhama dzake nepamusha pake 5"Haangagone kubata basa resimba kune kwekuisa manja pamusoro pevaihwara vashoma nekuvakapora. 6Akashamisika nekusatenda kwavone. Akazunguruka mumisha achidzidzisa.7Akadana vane gumi nevaviri, ndokutanga kuvatuma vari vaviri vaviri, ipopo akavatambidza simba remweya mutsvene rekukurira mweya 8yakaipa uye akavaraira kuti vasatore kana chinhu chemunhu chibodzi parwe ndo rwavo, kunze kwemudonzo, kwete chekuja, kana chigwebe, nemari mumagwebe avo- 9asi vafeke shangu, vasafeke nguwo mbiri10Akati kwavari, "pamusapinda mumba ,ivaipo pakarepo kusvika mazoyenda. 11Chero guta rikasakutambira, kana kukuteererai, kana mevha pakarepo, kuhuumureni huruva mutsoka rive chapupu kwamuri."12Vakaburika vakanoparidza kuti anh vatendeuke. 13Vaka burdisa mweya yakaipa yakawanda, vaihwara vakavazodza vakapovaporesa.14Mambo Herodhi vakanzva nezvaJeso, Zjta rake rakavha razivikaniwa. Vamwe vaiti, "Joni mubhabhatidzi akamuka kuvha kunevakafa, ndesaka zvishamiso zvine simba zvaakushanda maari." 15Vamwe vaiti, "NdiHerija," nazvino vamwe vaneti "Miporofita,iye muporofita sevamwe vekudhara."16Asi Herodhi paakanzva izvi akati, "Joni, wandadimura musoro wakapengenuka." 17Nekudaro akatuma vanhu kunasunga joni kuti amuise mutirongonekuda kwemhosva dzaHerodias (mukadzi wemukoma wake Firipi), nekuti akanga amuroora.18Nekuti Joni akanga ati kuna Herodhi, "hazvetendehwa kuti ugare nemukadzi wemukoma wako," 19Herodiasi akamunyeterera zvekuda kumuwuraya, akamutadzirira, 20nekuti Herodhi waanga asichaJoni; nekuti aimuziva ari murume wakarurama, aneera, akamuchengeta zvakanaka. Kuteerehwa kwaakaita kwakamushamisa zvikuru, izo akamunzva asifara.21Zvino mukana wakawanika wekuti vaite mhemberero dzezuva raakazvariwa, akaitira mahiko makorokota ake nevatongi vekugareriya. 22Zvino mwanasikana waHerodhi pachake akapinda ndekuvatambira , akafadza Herodhi nevaenzi vake, mambo ndekuti kumusikana, "ndiudze chauneda ndikupase."23Akamupikira asiti, "chese chauchakumbira, kwandiri ndisakupa, kusvika pachipisi chehumambo hwangu. " 24Akaburika panze akati kuna mai vake, "Chini chandingamukumbire kuti andipaseni?" " musoro waJoni mubhabhatidzi." 25akadzokrea mumba nekujurumbidza akaneti, "Ndeda kuti iye zvino mundipase musoro waJohn mundiro yemuti."26kunyange Mambo zvakavashupa; havana kuzviramba zvakanga zvaakakumbihwa nekuda kwekupika pamwe nevayenzu vake. 27Zvino mambo wakatuma umwe muuto kuvha kuvachengettedzi vake kuti varese musoro waJoni. Muchengetedzi akaenda kutirongo ndokunodimura musoro waJoni. 28Akawuyisa musoro mundiro akautambukidza kumusikana, musikana akanotambidza mai vake. 29Vadzidzi pavakanzva izvi vakasvika vakatora mutumbi wake vakakanouviga muguva.

Chapter 7

1Vafarisi navanyori vanga vavha kuJerusarema vamuunganira.2Zvinovafarisi navanyori vanga vavha kuJerusarema vamuunganira. Zvino vakaona kuti vadzidzi biyake vanga vaja vasina kushamba manja. 3(Nekuda kwekuti vafarisi nevaJudha havafanire kuja kana kushamba avone aina kuchena nekuti ndomutemo wavone. 4Kana vafirisi vadzoka kuvha kunzvimbo yekutengesera, havaji kusvikira vashamba manja5Vafarisinevanyori vakavhunza Jaso seiko vadzidzi vako vasinga fambe mutsika dzevakuru asi vaneja vasina kushamba mhanja6Asi akati kwavari'' Isaya wakaporofita zvitsvene pamusoro penu imi vanyengeri. Sezvakanyorewa Vanendiremekedza pakutaura asi moyo yavo iri kurefu neni. 7Pasina vanendinamata, vasidzidzisa murairo yevanhu sedzidziso dzavo.'8Makasiyan murairo waMwari mukabatirira patsika dzevanhu.'' 9Akati zvakare kwavari muneramba zvakadi murairo waMwari kuti musichengeta tsika dzake. 10Nekuti Mozesi akati kwavari remekedzeni baba venyu namai venyu,akati, Uyo anetaura zvakaipa pamusoro pababa vake kana mai vake zvechokwadi achasvika pakuuraiwa,'11Asi imi muneti,'Kana munhu akati kuna baba vake kana mai vake,''Chipi nechipi chaungawane chine kuyamura kuvha kwandiri iKabhoni (ndekuti ,'Chipo'), 12saka humusamuvhunidza kuti aitire chimwe chinhu baba vake namai vake. 13Murikutorera shoko raMwari simba nekuda kwetsika dzenu dzamakaisira vanhu.Nezvimwe zvinji zvamuneita''.14Akadana chaunga zvakare akati kwavari, ''Teeredzeni kwandiri,mose,munzvisise. 15Hakuna chingavhe kunze kwemunhu chingamusvibise kana chikapinda maari.Chinovha mukati memunhu ndicho chine musvibisa. 16''Kana pane anzeve, nganzve.17Zvino Jeso paakabva pachaunga ndokupinda muba,vadzidzi vake vakamuvhunza mayererano nemifananidzo 18.Jeso akati,''Hamusati mavekunzvisisa nemiwo. Hamuzivi here kuti chipi nechipi chinepinda mumuviri wemunhu hachimusvibise, 19nekuti hazvipinde mumoyo make, asikuti zvinepinda muwura wozozvibuditsa?''Nechitawuhwa ichi Jeso akazotemera kuti chekuja chose chakachena.20Akati ndeicho chinevha mumunhu chine ipisa. 21Nokuti mukati make munhu,kunze kwemoyo,aneremba anemufungo wakaipa, 23kuhura, kuba, kuuraya, hufeve, godo, huipi, kunyengera, manzviro, godo, kunyepa, kuzvikudza, makuhwa. 22Zvose zvakaipa izvi zvinevha mukati, ndizvo chaizvo zvinoipisa munhu.24Akaburika pakerepo kunyika yeTire neSidhoni.Kwakereko akanguna mumba, anga asingade kuti vazive anga arikup,asi pakerepo zvanga zvasagoneka kuti vanhu vamu hwandise. 25Zvino mukadz wakanga ari muGiriki wechi Sayirofeni.Akakumbira kwaari kuti avhisewe dhimoni kuvha kumwanasikana wake. 26Iye akati regera vana vatange vapihwa chokuja.Nokuti hazviite kuti titore chokuja chevana tokandira kumbwa. ''27Iye wakati kwaari ,''Siya vana vatenge vapihwa chokuja.Nokuti hazviite kuti titore chekuja chevana tokandira kumbwa.'' 28Asi akadavira kwaari, ''Hongu ,Ishe,kunyangwe nembwa dzija mafufu anedonhera pasi petafuura yevana wani''.29Akati kwaari ,''nokuda kwezvawataura,wasununguka kuenda.Dhimoni rvha kumwanasikana wako''. 30Akadzokera kumba kwake akawana mwanasikana wake akanga azvambarara panhovo,Dhimoni ravha raenda.31Akabuda zvakare akayenda kunyika yeTire,akafuura nemuSidhoni kugungwa reGareri kusvikira kumusoro kwenyikaye Dhekaporisi. 32Vakawuyisa kwaari nemumwe akanga asinganzvi uyeachinetsakana nekutaura, vakakumbira kuti aturike ruoko rwake pamusoro pake .33Akamutora akataramuka panhu vazhinji kaverevere,akaisa chigumwe chake munzeve dzake,akasvipa mate ndokubata ndokubata rurimi hwake. 34Akatarira kudenga ,akati ndokugomera akati,''Efata'' ndekuti'' Vhura'' 35Pakereponzeve dzake dzkabva dzvhurik.Chisungo cherurimirwke chakaregedzewa, akatanga kutaura zvitsvene.36Jeso akaraira kwavari kuti asaudza vasaudzechero ani zvake.Iye paayinyanyisa kuvaraira ndipowo zvakarepavainyanyisa kushambadza. Vakashamisika zvakanyanya. 37''Aita zvinhu zvaka zvakanaka.Anoiyita vasinganzve vanzve zvakare vasingataure vataure''.

Chapter 8

1Pamazuva iwayo, pakanga paine gurususu revanhu ,vakanga vasina chokuja. Jeso akadaidza vadzidzi vake akati kwavari.'' 2Ndine mutsa negurususu revanhu nekuti varikuramba vaneni kwamazuva matatu asi havana chokuja 3.Ndikavati vaende mumisha yavo vasina chokuja, vanowa hwire vari munzira kuenda kumusha. Vamwe vvha parefu''. 4Vadzidzi vake vakamupindura, tewana kupi zvingwa zvekwana gurususu revanhu vakadai muma tongo kuti tiva gutise?''5Akavavhunza ''mune zvingwa zvingani ?'' Vakati , ''Zvishanu.'' 6Akaudza chaunga kuti chigare pasi. Akatora zvingwa zvishanu nezviri akazvinamatira, ndokuzvimwavaura. Akazvipasa kuvadzidzi vake kuti vaise pamberi pavo, vakazviisa pamberi pechaunga.7Vangawo vanetukove tudiki, mushure mekunge atunamatira, akaraira vadzidzi kuti vapase vanhu zvakare, 8Vakaja vakaguta, vakanhongerera zvidimbu zvakanga zvasara, mabhasikiti mashanu nemaviri makuru. 9Pakanga pane vanhu vaisvika zvuru zvina. Akavati vaende. 10Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake akaenda,kunyika yeDhaumanuta11Vafarisi vakauya vakatanga kupikisana naye. Vachitsvaga kwaari chitondedzo chaivha kudenga, kuti vamuedze. 12Akatura chiya mukati memweya wake akati, Sei vanhu vemukore uno vasitsvaga chitondedzo? Chokwadi ndeti kwamuri ,hakuna chitondedzo chichapihwa kuchizvahwa chino.'' 13Akavasiya, akapinda muchikepe zvakare, akavha akaenda kune imwe mhiri.14Vadzidzi vaJesu vakangamwa kutakura zvingwa. Vakanga vasina kana chingwa chibodzi chavanga vanacho muchikepe. 15Akavavaraira kuti, ''rambai makanangarisisa uye murinde kuvha kumbiriso yavaFarisi nembiriso yevaHerodhe''.16Vadzidzi vakatanga kupikisana panyaya yekushaya chekuja. 17Paakanzvisisa izvi akavavhunza , ''Seiko murikupikisana pamusoro pechingwa? Hamunhu makuona kana kunzvisisa? Mune moyo yakaoma naa?18Mune meso, asi hamuone ? Mune nzeve asi hamunzve? Hamuyerekani naa? 19Pandamwavaura zvingwa zvishanu, matengu mangani ezvimedu amakatakura mukaenda nawo? Vakati kwaari ''Makumi nemaviri''.21Pandakamwavaura zvingwa zvishanu nezviviri, pavanhu zvuuru zvina , makatakura mabhasikiti mangani ezvidimbu zvezvingwa? ''Vakati kwaari ''Mashanu nemaviri''. 20Akati hamusati manzvisisisa naa?''22Vakauya kuBhetisaidha. Vanhu vako vakamuwunzira bofu vakakumbira Jeso kuti amubate. 23Jeso akabata bofu riye mumanja akabuda naye kunze kwemusha. Paakamusvipira kumeso nokuturika manja ake pamusoro pake, akamuvhunza , ''Urikuona chimwe chunhu naa?24Akanangara mudenga, akati ''Ndiri kuona vari kufamba semiti''. 25Zvakare akazomubata nemanja ake pamusoro, murume akavhura meso ake, akatanga kuona zvakanaka. 26Jeso akamudzosa kumusha kwake akamuti, '' Usapinda mumamisha''.27Jeso akayenda navadzidzi vake mumusha weSizariya Fripi. Arimunzira kudaro akavhunza vadzidzi vake, '' Vanhu vaneti Ndini ani ?'' 28Vadzidzi vakamupindura vasiti, ''Joni mubhabhatidzi, vamwe vaneti, 'Herija; vamwewo vasiti, 'Umwewo weporofita''.2930Akavavhunza asiti, ''Imi mefunga kuti ndini ani?'' Pita akati kwaari, ''Ndiwe kirisito''. Jeso akavayambira kuti musataudze chero ani kuti ndini ani.31Akatanga kuvadzidzisa kuti Ishe anofanira kutambura, acharambiwa nevakuru vakuru vevapirisita nevanyori, asauraiwa asizomuka kwapra mazuva matatu. 32Akataura mashoko aya pachena. Pakerepo Pita akatanga kumutsiura.34Asi Jeso akanangarara kuvadzidzi vake achitsiura Pita akati, ''Buda musure mangu, Satani! Hausi kukoshesa basa raMwari asi kuti zvido zvevanhu''. 33Ipapo akadana chita chavanhu nevadzidzi vake vos akati kwavari '' Kuna ani aneda kunditevevera. Anofanira kuzviramba, wotakura muchinjikwa wake wonditevera.35Nekuti ani naani anoda kuchingeta hupenyu hwake achataikihwa nahwo, ani naanianotaikihwa nehunyu hwake nokuda kwe vhangeri achahuchengeta. 36Zveyamureni kuti munhu aziviwe pasi rose asi assitengesa hupenyu hwake? 37Munhu anowenei pakutengesa hupenyu hwake.38Ani naani anondinyara nemashoko angu muchizvahwa chehuyipi nehupombwe, Mwana komana woMunhu achamunyara paachasvika pakubwinya kwaBaba vake nengirozi tsvene''.

Chapter 9

1Akati kwavari, Chokwadi ndineti kwamuri, pane vamwe venyu vaakamira pano vasiri kuzoravidza rufu vasati vaona humambo hwekudenga huchiuya nesimba.'' 2Kwapera mazuva mashanu neribodzi, Jesu akatora Pita naJemhusi naJo akaenda navo pamusoro pegomo, vari vogani. Ipapo akasanduka pamberi pavo. 3Hembe dzake dzikaoneka kupenya, dzikachenesa, kuchenesesa zvekuti hakuna zvinosuka zvepano panyika zvaikwanisa kudzisuka zvekudzichenesa kudaro.

Chapter 10

1Jeso akavha panzvimbo iyi akenda kudunhu reJudhiyauye kunzvimbo iri mberi kwemuronga unenzvi Jodhani, vanhu vazhinji vakauya zvakare kwaari. Aivadzidzisa zvakare, sezvaagara asiita.2Zvino vafarisi vaka kwaari vasida kumuedza vakamuvhunnza vasiti, "Zviri pamurawona kuti murume arambe mukadzi wake?" 3Akapindura asiti, "Mozesi akakutaudzeni kudini?" 4Vakati, "Mozesi akvhumira murume kuti anyore gwaro rekurambana wobva amutandaidza. "5"Kuda kwehukukutu hwemoyo yenu kwakaita kuti anyore murawo uyu," Jeso akvataudza asidaro. 6Asi kuvha pakutanga kwekusikwa, 'Mwari akavaita murume nemukadzi.'7'Nekuda kwechikonzero ichi murume asasiya baba namai asinabatana nemukadzi wake, 8uye vaviri vaneva nyama ibodzi.' 9Nekudaro zvabatanidzwa namwari, hapafaniri kuwana anezvipatsanura."10Pavakanga vari munyumba, vadzidzi vakamuvhunnza zvakare nezvazo. 11Akati kwavari, "uyo aneramba mukadzi asinaroora umwe mukadzi anepara mhosva kumukadzi wake. 12Kana mukadzi akaramba murume wake asinarorewa nemwe murume, anopara mhosva yeupombwe."13Ipapo vanhu vakarese vana vavo vaduku kwaari vasinangarira kuti avabate, asi vadzidzi vakavadzivisa. 14Asi jeso asiona izvi, akavanyeterera akati kwavari, "Vhumidzei vana vaduku vauye kwandiri, musavarambidze, nekuti humambo hwamwari ndehweavovakaita seivo.15Chokwadi ndineti kwamuri asashaihwa humambo hwamwari asiri mwana muduku haasi kuzohupinda zvachose." 16Zvino akatora vana akavabata mumanja ake asivha avakomborera paakaisa manja ake pavari.17Paakatanga hwendo hwake, umwe murume akadurunha kwaari akafugama pamberi pake akvhunza asiti , "Mudzidzisi akanaka, chiyi chandingaite kuti ndiwane upenyu husingapere?" 18Jeso akati, "sei usiti ndakanaka? Hakuna munhu akanaka kunze kwaivo mwari voga. 19Unoziva mirawo gumi: "Usauraye, usaite choupombwe, usabe, usapupure zvenhema, usaite hukoronyera, kudza baba namai vako,"20Murume akati, "Mudzidzisi, zvese zvinhu izvi ndazvutevedzera kuvha ndiri mukomana wechidiki." 21jeso akamutarisa akamuda. Akati kwaari, "Chimwe chinhu chausina. Unofanira kutengesa zvese zvaunazo upewo varombo, uye usazviunganidzira fuma yekudenga. saka huya, nditevere." 22Nekuda kwekutaura uku akataridza kusafara asivha avha ipapo asina mufaro nekuti aive nefuma zhinji23Jeso akanangara nangara paakanga ari akati kuvadzidzi vake, "zvakaomera zvakadii kune avo vakafuma kuti vangune humambo hwamwari!" 24Vadzidzi vakashamisika nemashoko ake. Asi Jeso akati kwavari zvakare, "vana vaduku, zvakaoma zvakadii kuti vangune muhumambo hwamwari! 25Zviri nyore kuti ngamera ingune nepaburi renariti pane kuti mufumi angune muhumambo hwamwari."26Vakava nekushmisika kukuru uye vakatawura pachavo vasiti, "saka ndiyani angaponesewe?" 27Jeso akavanangara akati, "nevanhu hazvegoneka asi kwete namwari, namwari zvinhu zvese zvinegoneka." 28Pita akatanga kutaurakwaari asiti, "Onai tasiya zvese takutoveren."29Jeso akati, "Chokwadi ndeeti kwamuri, hapana kana mubodzi asiya nyumba kana vakoma kana hanzadzi kana amayi kana baba kana vana kana minda nekuda kweni kana shoko. 30Nekuti ndiyani asinhu azvinzva kanopinda kazana mukukura kwenu kose uku:dzumba nevakoma nehanzadzi navana amai nevana neminda nekupondewa, zvakare munhambwe inotevera, pave nehupenyu husingaperi. 31Asi vazhinji vari pamberi vasava vekugumisira."32Vaiva munzira vasienda kuJerusarema uye Jesu waiva pamberi pavone. Vadzidzi vakashamisika uye vaitovera vakakacha. Pakarepo Jeso wakatora vane gumi nevaviri pambari zvakare akavataudza zvisaitika munguva fupi. 33"Wonayi tirikuenda kuJerusarema, mwanakomana wemunhu asapasiwa kumupurisita mukuru nevanyori. vasamushuvira rufu uye vasamupa kuvatadzi. 34Vasamusverudza, vasamusvipira, vasamurova zvakare vasamuuraya. Asi musure memazuva matatu asamuka."35Jemusi naJoni, vanakomana vaZebedee, vakasvika kwaari vakati, "Mudzidzisi tineda kuti mutiitire chese chatisakukumbireni." 36Akati kwavari, "chini chameda kuti ndikuitireni?" 37Tivhumireni tigare nemi mukubwinya, umwe ari kuruji kwenu umwe ari kuruzende."38Asi Jeso akavapindura, "Hamezivabo zvamevhunza. Mungagone kumwa mukomechi yandinemwa kana kuwombekwa nemuwobekehwo wandisaita?" 39Ivo vakati, "teegona," Jeso akti kwavari, "Komichi yandisamwa, musamwa, uye ruwombeko hwandakawombekwa naho. 40Asi asagara kuruji kana kuruzende handisini ndisazvitaura, asi ndezvevavo vakazvigadzirihwa."41Vamwe vadzidzi gumi pavakanzva izvi, vakatanga kunyetera zvidepindiridza pamusoro paJemusi naJoni. 42Jeso akavadana kwaari akati kwavari, "muneziva avo vanhu vanetohwa sevatungamiri vekuroverera vakurireni, nevakuru vakuru vavo imi ivai nesimba guru pavari.43asi hazvifaniri kuita saizozo pakati penu. Anekungura kuva mukuru pakati, penu, anofanira kuva muranda wenu, 44Uye asava neshungu yekuva wekutanga pakati penu anofanira kuva nhapwa yenu mese, 45nekuti mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzeponesewa, asi kuzeponesa nekupa hupenyu hwake sehusina maturo kuvazhinj."46Vakapinda muJeriko. Asiburika muJeriko nevadzidzi vake gurususu revanhu,mwanakomana waTimaeus,bartimaeus, bofu raikumbira, wakanga agere pambari penzira. 47Paakanzva kuti ndiJeso weNazareta, aktanga kudanidzira asiti, "Jeso mwanakomana waDhavhiti, ivai netsitsi neni!" 48vazhinji vakadzivisa bofu vasitimuti anyarare. Asi iye akadanidzira zvidepindiridza, "mwanakomana waDhaviti, iva netsitsi neni!"49Jeso akamira akakomekedza kuti adaniwe. Murume bofu akadaniwa, asinzvi, "shivirira! Simuka,! Arikukudanidza." 50Akakanda pambari bhachi rake, aksimuka, akasvika pana Jeso.51Jeso akamupindura asiti, "uneda kuti ndikuitireniko?" murume bofu akati, "Mudzidzisi, ndineda kuona." 52Zvino Jeso akati kwaari,"Enda. Kutenda kwako kwakuporesa." Pakarepo akatanga kuona, asivha akumutevera kwaaiyenda.

Chapter 11

1Zvino pavakasvika paJerusarema, vakanga vavepadhuze neBetifeji neBetani Pagomo reOrivhi, Jesu akatumira vadzidzi vake 2akati kwavari ''Endai mumaruwa ari kumhiri kwedu. Panguva iyoyo yamunupinda ,muchawana dhongi risina kumbovhira rakagadhiwa. Risinungureni muriwiyisa kwandiri. 3Kana ani naani akati kwamuri , 'Seiko murikuita izvi? Munofanira kuti , Ishe arikuda uye ticharidzosera nekukurumbidza pano '''4Vakaenda ndokuwana dhongi rakasungiwa pagonhi kunze kwemigwagwa vakarisunungura. 5Vamwe vanhu vanga vakamira pakarepo ndekuti kwavari Murikuiteniko , murikusunungura dhongi iro?'' 6Ndokutaura navo sezvanga vaudziwa naJesu , vanhu vakasiyiwa vasiyenda.7Vakawuyisa dhongi kuna Jesu ndekukandira zvekugarira zvavo kwariri ndokugara pariri. 8Vanhu vazhinji vakawarira machira munzira vamwe vachiwarira mamhazi evanga vatema mumunda. 9Avo vainge vari pamberi pake nevainge varikumashure kwake vakadaidzira '''Hosana ! Akaropa fadzwa uyo ane uya nemuzita raIshe. 10Hwakaropafadziwa humambo hwababa vedu Dhavhidhi uyo uchazouya! Hosana kudenga denga!11Pakarepo Jesu akapinda muJerusarema ndokuenda munyumba yaMwari ndokutarisa kose kose kwaiva nezvinhu. Pakarepo nguva yanga yapera , akaenda kuBetani negumi nevaviri. 12Rimwe zuva vachivha kuBhetani,anga ane nzara.13Akawona muti wemukuyu asiri kurefu wanga une mashizha , akaenda asinetarisa kuti angawana muchiro kuvha kwauri , akawana pasina muchero asi mashizha oga , nekuti yangaisiri nguva. 14Akataura kwauri ,'' Hakuna munhu asaja muchero kuvha kwawuri zvakare '''.Vadzidzi vake vakazvinzva.16Vakauya kuJerusarema, akapinda munyumba yekunamatira akatanda vatengesi nevatengi munyumba yekunamatira.Akasandura matafura evachinjisi vemari nezvigara zvigaro zvevatengesi vekwirimba. 15Anga asingavhumidza kuti vanhu vatakure chipi nechipi chinotengesewa munyumba yekunamatira.17Akavadzidzisa akati ''Hazvina kunyorewa na, 'Nyumba yangu ichanzi nyumba yekunamatira kumarudzi ose '? 18Vakuru vava pirisita nevanyori vakanzva zvaanga ataura , vakatsvaga nzira yekumuparadza. Vakamucha nekuti ruzhinji rose rakashamisika nedzidziso yake. 19Madeko paakasvika vavha vabuda muguta.20Pavaifamba makuseni ,vakaona muti wemuonde wakasvava kusvika pamudzi wawo. 21Pita akarangarira akati, ''Mudzidzisi ,Tarira! Muti wemuonde wamaktukana waoma.''22Jesu akavapindura akati, ''Ivai nekutenda muna Mwari. 23Chokwadi ndineti kwamuri kana munhu akati kugomo iri , ' Buda uzvikandira mugungwa ; kana ukasanyunyuta mumoyo mako asi ukatenda kuti zvaataura zvichaitika ,ndizvo zvinoita Mwari.2426Nekudaro ndineti kwamuri: Zvose zvamunenamatira nekukumbira,tenda kuti watozvigamuchira, pakerepo chinezeva chako 25.Paunomira usinamata, unofanira kuregerera chipi nechipi chawakatadzirana nemumwe , kuti Baba varikudenga vakuregerereniwo kudarika kwenyu''27Vakauya kuJerusarema zvakare .Zvino Jesu paayifamba munyumba yekunamatira, vakuru vavapirisita, vanyori navakuru vakauya kwaari. 28Vakati kwaari , ''Nesimba raaniko raunoita zvinhu izvi,uye ndiani akakupa simba rekuzviita ?''29Jesu akati kwavari , ''ndichakuvhunzei muvhunzo mubodzi. Ndiudzei neniwo ndichakuudzai kuti nesimba raani randinoita naro zvose zvinhu izvi. 30Rubhabhatidzo rwa Jowani,rwavha kudenga here kana kuti kumunhu? Ndipindureni.''31Vakakurukudzirana pachavo vakapikisana vakati, 32''Asi kana tikati, 'Kuvha kumunhu;... . ''Vaicha vanhu, nekuti vese vanga vakugutsikana kuti Jowani anga arimuporofita. 33Pakerepo vapindura Jesu vakati, ''Hatizivi.'' Jesu akati kwavari, ''Saka handingakudziyi kuti nesimba raani randinoita zvinhu izvi.''

Chapter 15

1Makuseni seni, vakuru vavapirisita nevanyori negungano rose rava Judha vakavhunzana pabodzi. Ipapo vakasunga Jesu vakamutungamirira kure. Vakamuisa kuna Pirato. 2Pirato akavhunza, '' Uri mambo wavaJudha here?'' Akamupindura, ''Ndozvawataura''. 3Vapirisita vakuru vamupamira zvinhu zvakawanda.4Pirato zvakare akamuvhunza, ''Haupindure?Tarisa kuti zvinhu zvingani zvaurikupamiriwa nezvazvo!'' 5Asi Jesu haana kuramba achipindura Pirato,izvo zvakamushamisa.6Zvino pnguva yemitambo, Pirato aiwanzo kuvasunungurira musungwa mubodzi, musungwa wavanenge vakumbira. 7Paiva nemurume ainzi Barabhasi mutirongo nevapanduki vakanga vauraya vanhu panguva yekupandukirana. 8Chaunga chakauya kuna Pirato vakatanga kumukumbira kuti avaitira zvaimboyita nakare.9Pirato akavapindura akati, ''Munoda here kuti ndikusunungurirei Mambo wavaJudha?'' 10Nokuti aiziva kuti vapirita vakuru vakanga vamuendesa kwaari nokuda kwegodo. 11Asi mukuru wavapirisita vakanyandura chaunga kuti chinyanye kudanidzira kuti Barabhasi ndiye aifanire kusunungurwa12Pirato akavapindura zvakare akati, ''Zvino ndeteniko zvakare neMambo wavaJudha?'' 13Vakadanidzira zvakare, ''Ngaarovehwe!''14Pirato akati kwavari, ''Aita chakaipa cheiko?'' Asi vakaramba vachidadzira kazhinji, ''Murovereni.'' 15Pirato aida kugutsa ruzhinji, Nekudaro akavha avasunungurira Barabhasi. Akamurova Jesu ndokumuendesa kwavari kuti arovehwe.16Mauto akamutungamirira mukati maruvanze (munova mumuzinda mukuru wehurumende), vakadanidzira pamwe chete chikwata chose chemauto. 17Vakaisa mucheka wevhumbu pana Jesu, vakamonyorosa pamwe chete korona yemunzva vakaisa pamusoro pake. 18Vakatanga kumumhoresa vachiti, ''Kwaziwayi .Mabo wava Judha.20Vairova musoro wake neshamhu yetsanga vachimisvipira . Vakaenda nemavhi avo vachiukotamira pamberi pake. 19Vapedza kumuseka, vakatora chifeko chake chevhumbu ndokufekedza chifeko chake, ndokumutungamiririra kunze kunoromuvera. 21Mumwe murume, Sayimoni Siyirini, Aipinda kuvha munyika (akanga ari baba waArekezanda naRafasi), ndokumumanikidza kutakura muchinjikwa wake.

Luke

Chapter 1

1Vazhinji vakaedza kurondedzera mashoko ezvinhu zvakaitika pakati pedu, 2sezvavakatipa ivo vakazviona nemeso kuvha pakutanga ,nevaiva varanda veshoko. 3neniwo zvakandinakira nekuti ndakafeya zvinhu zvose kuvhira pakutanga , kuti tikunyorereni zvokuita,zvakanyanya kunaka Theophius. 4Saka munefanira kuziva kuti mashoko amaka didzisiwa ndeechokwadi .5Mumazuva aHerudhe mambo weJudia paiwe nemuPirisita ainzi Zakaria aivha kurudzi hokwa Abija,mukudzi wake Elizabeth waiva muzukuru waAroni. 6Vaiwa pabodzi pakururama pamberi paMwari ,vasifamba nemitemo nezvakarurama zvose zvamambo,vasina chavanga pomehwe. 7Asi vakanga vasina mwana nekuti Elizabeth waisazvara,zvakare vakange vachembera.`8Zvaita sekudaro kuti Zakaria akang ari muhupo hwaMwari ,achiita basa rehupirisita. 9Zvichienderana nemitemo nzira dzekusarudza mupirisita asazebata basa,anesarudziwa nevakawanda vaneyenda mutemberi yaMwari kunepisa zvinenhuwira. 10Vanhu vazhinji vose vakange vasinyengetera panze nenguva yekupisa zvinenhuwira.11Ipapo mutumwa waMwari wakawonekewa naiye amire kuruji aritari. 12Zakaria paakamuona,akatambudzika,akadonha. 13Asi mutummmwa akati ,'Usatya,Zakaria, nekuti munamato wako wanzviwa,mukadzi wakoElizabeth achava nemwanakomana wako, zita rake John.'14Usava nemufaro, nekufarisisa, vazhinji vasafara pakuzvariwa kwake. 15Nekuti iye asava mukuru pamberi paIshe. Haafanire kumwa waini kana zvinodhaka, zvakare asa zadziwa nemweya mutsvene kuvha padumbu raamiyake.16Zvizvahwa zvizhinji zve Izirairi vasadzoserewa kuna Ishe Mwari wake. 17Asaenda pamberi paIshe mumweya nemusimba raErayija, kuti adzosere moyo yemadzibaba kuvana nevasingateerere kune vakangwara vekururama- kuti aita kuti vanhu vagadzirire kusangana naIshe''.18Zekariya akati kumutumwa, Zvino ndinozviziva sei izvi? Nekuti ini ndiri murume achembera nemukadzi wangu akura. 19Zvino mutumwa akapindura akati, ''Ndini Gabhureyeri, iye anogara muhupo hwaMwari. Ndatumiwa kuti nditaure newe, kuti ndikuvire mashoko akanaka. 20Nangarauone! usanyarara, usingagone kutaura, kusvika zuva rekuzadzisiwa kwezvinhu izvi. Nekuda kwekuti hauna kutenda mashoko angu, iwo achazadzisiwapanguva yakafanira.''

Chapter 2

1Zvino nemazuva iwayo chirevo chakaitiwa naKesari Augusto,kuti nyika yose inyorewe mazita. 2Uku kwaive kuverengewa kwekutanga Quirinius iva mubati weSiriya. 3Munhu wese akaenda kunenyorewa muguta rake.4Josefa wakavha kuGararia muguta reNazareta ,akaenda kuJudea,kuguta raDavida,rinonzi Betrehema ,nekuti aiva wenyumba yaDavida. 5Akaenda pabodzi naMaria uyo waaava nechitsidza uye waiva nepamuviri.6Zvino akati mazuva ekuzvahwa kwemwana asvika. 7Akatumbuka mwana mukomana,dangwe rake,akamuputira nemicheka mirefu,akamurarisa mudanga nekuti pakanga pasina nzvimbo mudzimba.8Zvino kwakanga kuine vafudzi munzvimbo iyoyo vaigara muminda,vachikengeta makwai masiku. 9Mutumwa waMwari wakaonekwa kwavari, kubwinya kwaMwari kwakaratidza kwavari,vakapindwa nekutya kukuru.10Mutumwa akati kwavari,'' musacha nekuti nakuretereni nhau yakanaka ichaunza mufaro kuvanhu. 11Nhasi mununuri wazvariwa kwamuri muguta raDavida ndiKirisitu mambo! 12Ichi chiratidzo kwamuri : muchawana mwana akaputihwa nemechira ari mudanga''.1314Ipapo waive pedyo nemutumwa gurusvusvu raivha kudenga, rainamata Mwari risiti, ''Mwari ngaarumbidzwe wekumusoro15Zvakaitika ipapo ngirizi padzakaenda kudenga ,vafudzi vakaudzana kuti,''hendeni kuBetrehema tinenangara chinhu chakaitika chakagadziwa naMwari kuti tizive. 16Vakamhanyira ikoko vakawana Maria,Josefa nemwana vakaenzera mudanga.17Pavakapedza kumunangara vakaziva zvakanga zvarehwa nezvemwana. 18Vese vakanzva zvakavashamisa zvavakataurihwa nevafudzi. 19Asi Maria wakachengeta mashoko iyawoaakanzva,asima chengeta mumoyo make. 20Vafudzi vakadzokera,vachirumbidza Mwari pne zvese zvavakanzva nekuona,sezvavakanga vaudziwa.21Pakarepo mazuva masere,pavakachecheudziwa,vakatumidza zita rakeJesu.Zta rarkrpiwa nemutumwa asati ava mudumbu raamai vake.22Zvino mazuva ekucheneswa adarika,zvichienderana nemutemo waMosesi,vakaenda naye mutemberi yaiva muJerusarema kuti vamuise pamberi pashe. 23Sezvazvakanyohwa pamutrmo washe,''murume wese anozurura chibereko anogara nashe,'' 24Vakapa chibairo zvichienderana nemutemo waShe,'' njiva mbiri kana hangaiwa diki mbiri.''25Paivapo nemurume muJerusarema wainzi Simioni, murume uyu waiva wakarurama akazvipira Aiva akamirira kunyaradziwa kwevaIsrairi, nemweya mutsvene waiva paari. 26Iye ainge atondedzewa nemweya mutsvene kuti haaizoona rufu asati aona Kirisitu mambo.27Kutungamirihwa nemweya, Simioni akauya kutemberi, vabereki vakauya nemwana Jesu, kuti aite naye nenzira yemutemo. 28Akamutora akamuisa mumanja akarumbidza Mwari, akati, 29''muranda wenyu ngaaende nerugare, Ishe,zvichienderana nemeshoko enu.30Nekuti meso angu aona ruponiso hwenu. 31Hwama gadzira pamberi pavanhu vese: 32Chiedza chechizaruro kuvemarudzi nekubwinya kuvaIsrairi.''33Baba namiyake vakashamisiwa nezvakarehwa pamusoro pake. 34Simioni akavaropafadza akati kuna Maria miyake ,'' nangaramwana akaisihwa kuwa nekumuka kwevanhu vemuIsrairi nechiratidzo chakarambwa- 35uye munondo uchabaya moyo wako-kuti mufungo yemoyo yako izaruhwe.''

Chapter 7

1Jeso wapedza zvose zvayitawura vanhu vasinzva, akavha apinda muCapenamu.2Ipapo wezana wakanga ayina muranda waidisisa fani;uye ayihwara ayida kufa. 3Apo wezana paakanzva nezvaJesu, akatuma vakuru vechirudzi chamaJudha kwaari, asi mukumbira kuti awuye kuzorapa musevenzi wake. 4Apo vakasvika kuna Jesu, vakamukumbira zvepasa tsitsi,vasiti, ''akafanira kuti mumubatsire, 5Nekuti aneda nyika yedu,uye ndiye akativakira Sinagogu''.6Naizvozvo Jesu wakaenderera nehwendo navo. Asi apo asiri kure nenyumba wezana wakatuma shamwari kuti ati kwaari, ''Tenzi ,musazvinetsa ,nekuti handina kodzero yokuti muuye kunyumba kwangu. 7Nepamusana pezvo handina kuona zvakodzera kuti ndiuye kwamuri, asi taureni shoko benzi muranda wangu anepora. 8Nekuti neniwo ndiri murume ane simba, nemauto ari pasi pangu. Ndineti kune uyo ,'Enda ; uye aneenda, uye kune umweHuya; uye aneuya, uye kumusevenzi wangu, Ita izvi anezviita.''9Apo jesu paakanzva izvi, akashamisika naye, uye asinganangara kuchawunga chaimutevera akati, '' Ndineti kwamuri nyangwe kuIzirairi handisati ndamboona kutenda kwakadai''. 10Apo vakanga vatumwa vadzokera kunyumba, vakawana muranda ane hutano.11Pakarepo asangopedza, Jesu wakaenda kuguta rainzi Naini, navadzidzi vake negurusvusvu revanhu rakaenda naye. 12Paakasvika padhuze pemusuwo weguta murume ainge afa wakanga wakatakuhwa vasibuda, mwanakomana mubodzi wamai (chirikadzi), uye gurusvusvu revanhu vaivha muguta makaremo vaiva naye. 13Apo Tenzi wakamuona wakabatika kana chaizvo nekumunzvira tsitsi ''Usachema''. 14Pakarepo akasimuka ndokubata chevezewa chechimuti chaakanga akatakurihwa nacho, avo vakanga vakachitakura vakaramba vakamira. Akati, '' Mwanakomana, Ndineti kwauri, simuka.'' 15Murume wakanga akafa akasimuka ndokutanga kutaura, Jesu ndokumupa kuna mai vake.16Zvino vese vakavha vabatiwa nekucha, ndekuramba vasirumbidza Mwari, vasiti, ''Muporofita mukuru azvariwa pakati pedu'' uye '' Mwari varangarira vanhu vake''. 17Mashoko aya epamusoro paJesu akafamba chaizvo muJudhiya rose neNharaunda dzakakomberedza,18Vadzidzi vaJohani vakamutaudza zvose zvinhu izvi Johani akadana vadzidzi vake vaviri 19uye akavatuma kuna Tenzi, '' Ndiwe here urikuzouya, kana kuti ndinangarire mumwe asauya?'' 20Pavakauya padhuze naJesu, varume vakati, Johani mubhabhatidzi watituma kwauri kuti, '' Ndiwe here wazouya, kana kuti tinangarire mumwe?''21Panguva iyoyo wakaporesa vanhu vazhinji vaihwara nekutambudzika nemweya wakaipa, uye kumapofu mazhinji akama penyesa. 22Jesu akapindura akati kwavari, ''Mushure mekunge maenda nenzira yenyu, muno udza Johani zvamaona nekunzva. Mapofu arikupenya, zvirema zvirikufamba, vanemaperembudzi vakuchenesewe, matsi dziri kunzva, vahu vakafa varikumuka kuhupenyu, uye varombo varikudziwa mashoko matsvene. 23Munhu asingamira kutenda mandiri nekuda kwemabasa angu akaropafadzwa.''24Nhume dzaJohani dzaenda, Jesu wakatanga kutaura kukuchawunga nezva Johani, ''Makaenda kunze kugwenga kunoonei? Tsanga yaizunguziwa nemhepo? 25Asi makaenda kunoonei? Nangarei, Murume akafeka zvigogo zvakanaka uye vane gara pamutefetefe varikumuzinda wambo. 26Asi makaenda kunze kunooneyi? Muporofita? Hongu, ndeneti kwamuri, uye anodarika muporofita.27Uyu ndizvo zvakanyohwa, 'Maona, Ndirikutumira munyai wangu pamberi penyu,iye achagadzira nzira pamberi penyu. ' 28Ndineti kwamuri, pakati pe avo vakaberekewa nemunhukadzi hapana anokurira Jonhi. Asi uyo mudiki kuumumbo hwaMwari mukuru kufuura iye.''29(Vanhu vose pavakanzva izvi, Kusanganisira vateresi, vakavhumirana kuti Mwari ndiye mutsvene, nekuti vakabhabhatidziwa nerubhabhatidzo hwaJonhi. 30Asi vaFarisi navazivi nemutemo vakaramba nzira yakashandisiwa naMwari kwavari, nokuti vakange vasina kubhabhatidziwa naJonhi.)31Kuchii, zvino, Ndingfananidze here chizvahwa chino? Kuti chakadiniko? 32Vakafanana nevana vadiki vaotamba mumusika, vanogara vachidaidzana kune umwe neumwe uye vasiti, 'Takakurudzira chipendani, asi hauna kutamba. Takayimba nziyo dzemariro, asi hauna kurira.'33Asi Jonhi mubhabhatidzi wakauya asije chambwa kana kumwa maburo, asi uneti, 'Ane Dhimoni.' 34Mwanakomana waMwari wakauya asija uye nekumwa, uye muneti, 'Nangarei, murume anokara uye anekorewa, shamwai yevateresi uye vatadzi!' 35Asi huchevhu hunoonekewa nevana vake vose.''36Pakarepo umwe wevaFarisi wakadana Jeso kuti aje naye. Nekudaro Jesu apinda munyumba yemuFarisi, akazembera patafura kuti aje. 37Nangarei ,pakanga pane mukadzi muguta makaremo waiva mutadzi. Mukadzi paakaona kuti Jesu akanga akazembera patafura munyumba yemuFarisi, akauya nemukombe wemafuta anonhuwirira. 38Paakamira kumasure kwake padhuze nemakumbo ake, asirira, wakatanga kunyorovesa tsoka dzake nemisodzi yake, uye akaapukuta nevhudzi rake uye akatsoda tsoka dzacho uye akazora mafuta anonhuwirira.39Apo Mufarisi uyo wakanga wadana Jesu aona izvi wakafunga pachezvake, asiti ''Kana dai murume uyu ari muporofita, uye aiziva kuti ndiyani uye kuti imhandoyi yemukadzi arikumubata, kuti mukadzi uyu mutadzi.'' 40Jesu wakapindura uye wakati kwaari, Sayimoni, ndine chinhu chandeda kutaura kwauri.''41Jeso wakati, ''Umwewo wevanhu vanopa zvikwereti zvemari wakanga anevakwereti vaviri. Umwe akanga akakwereta mazana mashanu emadhinari, uye umwe makumi mashanu emadhinari. 42Apo vakatadza kubhadhara wakavaregerera vaviri ava. Naizvozvo, ndiyani pakati pavo achamuda kudarika umwe?'' 43Sayimoni wakamupindura uye asiti, '' Ndefunga uyo waakaregerera aine chikwereti chikuru''.44Jesu wakazunguruka akati kumukadzi ndokutiiwo kuna Sayimoni, ''Unoona mukadzi uyu.Ndapinda munyumba yako. Hauna kundipasa mvura yemakumbo angu, asi wanyorovesa makumbo angu nemisodzi yake uye akapukuta nevhudzi rake. 45Hauna kunditsoda, asi kuvha ndapinda haana kumira kutsoda tsoka dzangu.46Hauna kuzora musoro wangu nemafuta, asi azora tsoka dzangu nemafuta anenhuwirira. 47Pamusana, pechikonzero ichi ndineti kwamuri, zvitadzo zvake, zvakanga zvakawanda, zvaregerehwa - nepamusana perudo. Asi uyo aneregerehwa zvishoma, anerudo rwuushomawo.''48Ipapo wakati kwaari, '' zvitadzo zvako zvaregerehwa,'' 49Avo vakanga vakazembera patafura naye vatanga kutawura pachavo, ''Ndiyani uyu zvake anoregera zvitadzo?'' 50Ipapo Jeso wakati kumukadzi, '' Kutenda kwako kwakubetsera. Enda murunyararo.

Acts

Chapter 1

1Chiitiko chandakanyora ,Thiyoferasi , akataura zvose Jesu zvaakatanga kuita nekudzidzisa, 2Kusvikira zuva raakatorewa kudenga, mushure mekunge arayirihwa nemweya mutsvene kuva positora vaakanga asarudza. 3Mushure mekutambudzika kwake, akazviratidza kuti mutano kwavari nezviratidzo zvizhinji zvaigutsa. Nekuti akazviratdza kwavari kwemazuva gumi mana, ndokutaura pamusoro pehumambo hwaMwari.4Paaisangana pamwe chete navo, akavaudza kuti vasabuda muJerusarema, asi kuti vamirire vimbiso yababa, iyo yaakataura, ''Makanzva neni kuti 5Jonhi viye akawombeka nemvura, asi musahewombekewa nemweya mutsvene mumazuva mashoma.''6Pavakaungana pabodzi vakamuvhunza, ''Ishe iyi ndiyona yamusadzorera humambo kuvaIzirairi?'' 7Akati kwavari, ''Hazvisi kwamuri kuti muzive nguva kana mwaka izvo baba vangu zvakagadzira nesimba ravo. 8Asi musagamuchira simba kana mweya mutsvene wauya pamusoro penyu, muchava vapupuri vangu kose kuJerusarema neJudhiya rose neSemariya, kusvika kumapeto kwenyika,''9Apo Ishe Jeu paakataura zvino izvi, pavainangara mudenga, gore rakamuhwandisa kuvha kumeso avo. 10Pakarepo vasiri vakanangarisa kudenga paayiyenda, pakarepo, varume vaviri vakamira navo vane vakafeka hembe chena. 11Vakati, ''Imi varume veGareri, seiko makamira pano makatarisa kudenga? Jesu uyu wakavhisiwa kwamuri kuyenda kudenga, asadzoka zvakare nenzira ibodzi yamamuwona asaenda nayo kudenga''.12Zvino vakadzokera Jerusarema vasivha kugomo rainzi Orivhi, riri padhuze neJerusarema, hwendo hweSabata. 13Pavakasvika, vakakwira kuchikamuri chechina, apo pavaigara. Vavari vana Pita, Jonh, Jemusi, Enduru, Firipi, Tomasi, Batoromiyo, Matewo, Jemusi mwanakomana waArufasi, sayimoni muziroti, naJudhasi mwanakomana waJemusi. 14Vose vakatanga kunamata chinangwa chibodzi,pabodzi nevakadzi, naMariya amai vaJesu nemadzikoma ake.

Chapter 10

1Ipapo pakanga pane mumwe murume muguta reSizariya,Koneriyasi, zita rake, wezana vaidaidziwa kuti vechi Itari Boka reMasoja. 2Akanga ari murume wakarurama, murume aicha Mwari nemhuri yake yose, waipasa zvipo zvakawanda kuvanhu, uye asinamata kunaMwari nguva dzose.3Panguva yechifumbamwe yezuva, akaona chiono chengirozi yaMwari isiwuya kwaari. Ngirozi yakati kwaari, ''Koniriyasi!'' 4Koniriyasi akatarisa kungirozi akachisiwa nazvo chaizvo wakati, ''Chiniko nhaimi, vanoremekedzewa?'' Ngirozi yakati kwaari, ''Minamato nezvipo zvako zvakwira kudenga sechirangaridzo chezvipomuhupo hwaMwari. 5zvino chituma vanhu kuJopa vandivigire murume anonzi Sayimoni anonziPita. 6Anogara nemugadziri wenyatera anonzi Simoni, nyumba yake iri padhuze nenyanza.''7Pakayenda ngirozi yataura naye, Koniriyasi akadana varanda vaviri. 8Koniriyasi akavataudza zvese zvakanga zvaitika ndokuvatumira kuJopa.9Pakarepo pazuva rakatovera nenguva dzetanhatu, pavakanga vava pahwendo hwavo uye vanga vakutarisana neguta, Pita akakwira pamusoro penyumba kwaanata. 10Akanga zvino wave nenzara wakuda chekuja, pavakanga vobika chekuja chiedza chakauya kwaari, 11akaona denga risivhurika, chimwe chunhu kunge jira guru chichidzika panyika, chichidzika nemakona mana. 12Mayiri makanga mune mhuka dzose dzemakumba mana nezvinhu zvaikambaira panyika, neshiri dzedenga.13Zvino inzvi rakataura naye: ''Simuka, Pita,uraya uje.'' 14Asi Pita akati, ''Kwete kudaro, Ishe; nekuti handina kuvhira ndakaja chikasvibisisiwa kana chisina kuchena.'' 15Asi inzvi rakauya kwaari zvakare kechipiri: '' Mwari chaakaita chakanaka, haufaniri kuchiita chakasvibisiwa.'' 16Izvi zvakaitika katatu ; pakarepo chimudziyo chiya chakavha chatorewa kuenda kudenga.17Zvino Pita asirikuvhiringidzika nekua kwechiono chaanga aona kuti chaireveni, nangarei, murume anga atumiwa na Koneriyasi amire pamberi pemusuwo, musure mekunge vavhunza nzira yekunyumba. 18Vakadanidzira vakavhunza kozvino Simoni, iye aimbonzi Pita, waigara kwakareko naa.19Pakerepo Pita asiri kufunga nezve chiono, mweya wakati kwaari, '' nangarawuone, varume vatatu varikukusvaga. 20Simuka uenda zasi uyende navo. Usingache kuenda navo,nekuti ndavatuma. 21''Zvino Pita akaenda kuvarume akati, ''Ndini wakareyo yamurikusvaga. Seiko mauya?''22Vakati, ''Wezana iye anenziKoniriyasi, murume wakaruramazvakare asicha Mwari, uye anetauriwa zvakanaka nezvake nemarudzi ose evaJudha, akarairiwa nengirozi tsvene kukutumira kwauri kuti uuye kunyumba yake, nekudaro unogona kutetekera shoko rinevha kwauri.'' 23Zvino Pita akavakoka kuti vapinda vagare navo. Makuseni aitevera akamuka akayenda navo, nedzimwe hama kubva kuJopa vakamususikidza.24Musi wayitevera vakaenda kuSizariya. Koniriyasi anga akavamirira, wakanga wadana hama dzake neshamwari dzepadhuze pamwe chete.25Zvakasvika pakudai apo Pita paakapinda, Konoriyasi wakasangana naye ndokuwira patsoka dzake kuti amunamate. 26Asi Pita akamubatsira, asiti, ''Simuka! neniwo zvakare ndiri munhu sewe''.27Pita asiri kutaura naye, wakaenda akawana vahu vazhinji vakaungana. 28Akati kwavari, ''Imi muneziva kuti hazvibo pamutemo kuti muJudha atandare kana kuvhakachira mutoha asiri muJudha. Asi Mwari wakandiratidza kuti handifanire kutaura chero munhu kuti wakanyangara kana kuti wakasviba. 29Ndosaka ndauya pasina mhikiso, pandakatuimiwa. Zvino ndakukuvhunzai kuti komakanditumirei''.30Koniriyasi wakati, ''pamuzuva mana afuura panguva yakadai, ndainamata panguva ye fumbamwe munyumba yangu; ndokuona, murume akamira pamberi pangu nehemb dzaipenya. 31Akati, 'Koniriyasi, minamato yako yanzviwa naMwari, nezvipo zvako zvarangaridza Mwari nezvako. 32Nekudaro tumira mumwe munhu kuJopa, okudanira munhu anenzi Sayimoni waPita. Arikugara munyumba yemugadziri wematehwe anenzi Sayimoni, mumapeto menyanza. ''Zvino paaneuya asataura kwauri. 33Zvino ndatumiwa kwauri nekukurumbidza. Waita zvitsvene ukauya. Zvino tose tiripo muchionioni chaMwari kuti tinzve zvese zvawaraihwa naJehovha kuti utaure''.34Zvino Pita akashama akati, ''Zvechokwadi ndinenzvisisa kuti Mwari haazi wechidimbu. 35Asikuti, rudzi woga woga unemucha nekuita zvitsvene anehugamuchira.36Muneziva shoko rakatumiriwa kuvanhu veIzirairi, apo pakataura nhawu dzitsvene pamusoro kugarika kubudikidza naJesu Kirisitu, aneva iye Ishe wezvose- 37iwe uneziva zviitiko zvakaitika, zvakaitika Judhiya yose,zvakatangira kuGarariya, mushure meruombeko hwakatawuhwa naJowani; 38zviitiko mayererano naJesu weNazareta, kuti Mwari vakamuzodza zvakadii nemweya mutsvene uye nesimba. Akaenda asiita zvakanaka nekuporesa vose vaimanikidziwa naDhiyabhorosi, nekuti Mwari waiva naye.39Tirizvapupu zvezvinhu zvese zvakaitiwa naJesu, zvose munyika yevaJudha nemuJerusarema. Vakamuuraya nekumuturika pamuti, 40asi Mwari wakamumutsa nezuva retatu akaita kuti awonekwe, 41kwete nevanhu vose, asi kuzvapupu zvakasarudziwa naMwari- nesu takaja nekumwa naye mushure mekunge amuka kuvakafa.42Wakatiraira kuti tidanidzire kuvanhu neku pupura kuti uyu ndiye akasarudziwa naMwari kuti ave mutongi wevapenyu pabodzi nevakafa. 43Pamusoro pake vose maporofita vanepupura, kuti wose anetenda kwaari anegamuchira kuregerehwa kwe zvitadzo kuburikidza nezita rake44Pakarepo Pita asiri kutaura zvinhu izvi, mweya mutsvene wakawira kune vose vaimuteerera mharidzo yake. 45Kuvanhu avo vaizviti iboka revakadzingisiwa revatendi- vose vauya kuna Pita -vaishamisika, nekuda kwechipo chemweya mutsvene chakanga chadururiwa zvakare nekuvaHedheni.46Nekuti vakanzva zvinhu izvi zvekutaura nendimi nekusimudzira Mwari. Zvino Pita wakapindura, 47''Pane here angavharire vanhu ava mvura yekuti vawombekewe , vanhu ava vakagamuchira mweya mutsvene sesu?'' 48Pakarepo akaraira kuti vawombekewe nemuzita raJesu Kirisitu. Ndokuvakumbira kuti vagare naye kwemazuva

Chapter 11

1Zvino vaapositora nedzimwe hama vamwe vakanga vari paJudhiya vakanzva kuti vaHedheni vakanga vagamuchira shoko raMwari. 2Pita paakasvika paJerusarema, kune avo vechikwata chezvekuchekuruhwa chakamupikisa; 3vakati, ''Unetandara nevarume vasina kuchekuruhwa usija navo!''4Asi Pita akatanga kutsanangura chinhu kwavari nemonemo, asiti, 5Ndainamata muguta reJopa,mukucha ndakaona chioni chemudziyo chichidzika, sebiza guru richiburuka kuhva kudenga nemakona mana. Rakadzika kwandiri. 6Ndakarinangarisa ndokufunga nezvaro. Ndikaona mhuka dzine makumbo mana dzepanyika, zvikara zvesango, zvinhu zvaikambaira, neshiri dzedenga7Zvino ndakanzva inzvi risiti kwandiri, Simuka, uraya uje!' 8Ndikati kwete kudaro, Ishe; nekuti hapana chakaipa kana chakasviba chakambopinda mumuromo mangu.' 9Asi inzvi rakapindura zvakare risivha kudenga, 'Icho Mwari chaakaita chitsvene haufanire kuchiita chakasvibisiwa.' 10Izvi zvakaita katatu, zvino zvhu zvose zvakavha zvatohwa kuenda kudenga zvakare.11Nangara, pakarepo pakanga pane varume vatatu vakanga vakamira pamberi penyumba pataiva; vakanga vatumiwa kwandiri kuvha Sizariya. 12Mweya wakandiraira kundiyenda navo, uye kuti handaifanira kuzovacha. Hama nomwe idzi dzakaenda neni, ndokupinda munyumba memurume. 13Akatiudza nezvekuona kwakaita nako mutumwa akamira munyumba make asiti, 'Tumira varume kuJopa undivigire Sayimoni anonzi Pita. 14Asataura kwamuri shoko richaponesewa naro-imi pabodzi nevedzumba dzenyu.'15Pandakatanga kutaura navo, mweya mutsvene wakauya pamusoro pavo, sezvawakaburuka pamusoro pedu pakutanga. 16Ndakarangarira mashoko a Ishe, apo paakati, 'Jowani chokwadi akawombeka nemvura; asi imi muchawombekewa nemweya mutsvene.'17Zvino kana Mwari vakavapa zvipo sekupa kwaakaita kwatiri patakatenda munaIshe Jesu Kirisitu, zvino ini ndaiva chiniko, zvekuti ndingapikise Mwari?'' 18Pavakanzva zvinhu izvi, hapana chavakapindura, asi vakakuza Mwari vasiti, ''Zvino Mwari vapa kutendeuka nekuvaHedheniwo zvakare.''19Zvino kune avo viva vamwaikidzidzana nekuda kwetambudzika kwakanga kwasimuka panaSitivhini kwakasvika kwese kuFonisiya, Sayipurasi, neAndiyoki, asingotaura shoko chete kuva Judha. 20Asi vamwe vacho varume vaivhaSayipurasi neSayirini, vakauya kuAndiyoke ndokutaura zvakare kuvaGiriki, vasishevedzera ivhangeri raIshe Jesu. 21Hwanja hwaMwari hwakanga hunavo; mhomho yakadzikinuriwa vamwe vakadzokera kuna Ishe.22Guhu nezvavo rakasvika munzeve yekereke yepaJerusarema, ndokutumira Bhanabasi kuAndiyoki. 23Paakauya akaona nyasha dzaMwari, akafara akakuridzira vose kusara naIshe vanechinangwa mumoyo. 24Nekuti waiva murume mutsvene azere nemweya mutsvene nekutenda, vanhu vazhinji vakawedzerewa kuna Ishe.25Bhanabhasi ndokuenda kuTasasi kunonatsotsvaga Sauro. 26Paakamuwana, akauya naye kuAndiyoke. Zvakasvika pakudai, kuti kwegore rose vakaungana pabodzi nekereke nekufundisa vanhu vazhinji. Vadzidzi ndivo vakaita vokutanga kunzi Makiritu muAndiyoke.27Zvino pamazuva akareya vamwe vaporofita vakadzika vasivha Jerusarema kuenda Andiyoki. 28Mumwe wavone, wainzi Agabhasi, wakasimuka ndokuratidziwa nemweya kuti nzara huru yaizovapo munyika yose. Izvi zvakaitika mumazuva aKiraudhiyasi.2930Zvino vadzidzi, sekukwanisa kwemubodzi nemubodzi, ndokutsidza kuti vatumire zvinhu zvaizobatsira hama dzekuJudhiya kuvha kunzara. Vakaita izvi; vakatumira mari kuvakura iri mumaoko aBhanabhasi naSawuro

Chapter 12

12Zvino panguva yakareyo Herudhe mambo akaisa maoko kune vamwe vaiva vekereke kuti avawomborodze. 2Ndokuuraya Jemusi mukoma waJowani nefumo.3Pakawona kuti izvi zvakafadza maJudha, wakanderera mberi kusvikira pakuurayaPita zvakare. Yaiva nguva yemazuva echingwa chisinambiriso. 4Mushure mekunge vamusunga, akamisa muchitokisi, ndokuisa kumasoja mana kuti vamuchengete; aitira kuti azomuendesa kuvanhu kana mutambo weKufuura wapera.5Zvino Pita akachengetewa muchitokisi, asi munamato wakatiwa vakapererera kuna Mwari asinamatiriwa nevakanga vari mukereke. 6Panguva yehusika Herudhe asati ayenda kunomubuditsa kuti atongewe, Pita waiva wakarara pakati pemasoja maviri wakasungwa nemahanisi, vamwewo zvakare varindi pamberi pemusuwo vairamba vakatarisa chitokisi.8Nangarawuwone, mutumwa waIshe wakazviratidza kwaari, chiedza chakavheneka muzvikamuri zvechitokisi. Wakarova Pita parutivi ndokumumutsa ndokuti, ''Simuka nekukurumbidza, ''mahanisi akawa mumaoko. 7Ngirozi ikati kwaari, zvisunge usimire nyatera dzako. ''Pita akaita sekukadaro.Ngirozi yakaiti kwaari, ''Simira hembe yako yekunze unditevere.''9Zvino Pita akatevera mutumwa ndokubuda. Haana kuziva kuti zvaitiwa nengirozi chaiva chokwadi. Akafunga kuti aiwona chiratidzo. 10Pavakafuura panemuchengeti wokutanga newechipiri, vakapinda nesuwo resimbi raibudira kuguta; ndokuvhurika rega. Vakabuda ndokudzika nemugwagwa, ngirozi ndokumusiya pakarepo.11Pita wakadzoka pachazvake, ''Zvino ndave kuziva chokwad Ishe vakatumira ngirozi dzikandinunura kuvha kumaoko aHerudhe, kuvha kuzvinhu zvose vanhu vechiJudha vaitarisira. 12Paakafunga izvi, wakaenda kunyumba yaMeri amai vaJowani,zvakare vainzi Maki, apo vanhu vanji pavakanga vakaungana zvakare vachinamata.13Paakagogodza pamusuwo wegonhi, muranda sikana wainzi Rhodha akauya kuzopindura. 14Paakaziva inzvi raPita, nekuda kwekufarisisa muskina akakundikana kuvhura gonhi; asikuti, wakatouya asimhanya muchikamuri; ndokutaura kuti Pita wakanga wakamira pamusuwo. 15Ndokuti kwaari, ''Urikupenga'' Asi wakaramba singodaro kuti ichokwadi. Ndokuti, ''ingirozi yake.''16Asi Pita wakaramba achigogodza, pavakavhura gonhi, vakamuona ndokushamisika. 17Pita ndokungofambisa hwanja hwake asivati vanyarare,nokuvakurukudzira pamusoro pekuditsiwa kwaakanga aitiwa naIshe kuvha muchitokisi. Akati, ''Taura zvinhu izvi kunaJemusi nedzimwe hama.'' Ndokuvha akayenda kune imwe nzvimbo.18Zvino paakasvika masikati, hapapa kutombova nekunyonganisana pakati pemawuto nekuda kwezvazvaitika pana Pita. 19Mushure mekunge Herudhe amusvaga zvakare amushayira, akavhunza varindi ndokurira kuti vauraiwe. Zvino Herudhe wakadzika kuvha Judhiya wakananga Sizariya ndokugara kwakereko.20Zvino Herudhe wakanyetera chaizvo nekuda kwevanhu vemuTire neSidhoni. Vakaenda kwaari nechinangwa chibodzi, mushure mekunge vakwezva Bhurasitasi, mubatsiri wamambo,kuti avayamure, vakakumbira runyararo nekuti nyika yavo yakanga yawana chekuja kuvha kuna mambo wavo. 21Pakunyura kwezuva Herudhe wakazvisimidza muhembe dzitsvene ndokugara pachigaro; ndokutaura shoko kwavari.22Vanhu vakadaidzira, ''Iri ndiro izvi ramwari kwete remunhu! 23Pakarepo ngirozi yaIsheyakamurova, nekuti haana kupa kupenya kuna Mwari; wakajiwa neminyoka akafa.24Asi shoko raMwari rawanda nekuwedzerewa. 25Zvino Bhanabhasi naSauro vapedza hwendo hwavo, vakadzoka kuvha Jerusarema, vakatorawo zvakareJowani wakwaana Mako.

Chapter 15

1Vamwe varume vakavha Judhiya vasiyaenda Anitiyoki zvakare vachidzidzisa hama, vasaiti ," Kana musina kuchechewudziwa netsika yaMosesi, hamungaponesewe''. 2Izvi zvakaita Pauro naBanabasi vakapesana kwazvo nazvo , nekuita nharo navo, vakazowirirana kuti Pawuro naBhanabhasi vayende Jerusarema kuva apositora navakuru pamusoro pemubvunzo uyu.3Naizvozvo vakaperekedzwa nekereke, vakadambudzira nemuFenikiya neSamariya vakatawura zvekutendewuka kwevaHedheni. Vakawuyisa mufaro kuhama dzose. 4Zvino vakati vasvika Jerusarema , vakatambiriwa nakaereke navaapositora nevakuru, vakatawudziwa zvese zvakanga zvaitiwa naMwari kwavari.5Asi vamwe varume vakange vatenda , vakange varipabodzi neva Farisii, vakasimuka vasiti , " Vanofarira Kuchecheudziwa nekudzidzisiwa kuti vachengete mutemo waMosesi. 6Ipapo vapositora navakuru vakawungana kuti vatawure pamusoro penyayayi.7Zvino vakati vapikisana zvakanyanya , Pita akasimuka akati kwavari , "Hama ,imi munoziva kuti kuvha kudhara Mwari akandiketa pakati penyu, kuti kuburikidza nemuromo wangu vaVahadheni vanofanira kunzvawo zvakare shoko revhangeri, nekuritenda. 8Mwari, vanoziva moyo, vakavapupurira akavapasamweya mutsvene, sezvaakaita kwatiri. 9Haana kupambura pakati pedu navo, akavasuka moyo yavo nkutenda.10Zvino koseiko musida kuyedza Mwari, musiyisa joko pamitsipa yevadzidzi rakangagoni kutakuhwa nemadzibaba yedu kana nesu? 11Asi tinotenda kuti isu tisaponesewa nenyasha dza Ishe Jeso, nenzira ibodzi navo''12Gurusvusvu rakanyarara rese vakateeredza vana Bharabhasi naPawuro vasivatawurira zvitondedzo nezvishamiso zvakayitiwa naMwari pakati paHedheni.13Zvino vakati vepedza kutawura , Jemusi wakapindura, asiti, ''Hama, teeredzei kwandiri. 14Sayimoni akawura Mwari matangiro avakaita nenyasha dzavo kubetedza vaHedheni kuti vavhise kwavari vanhu nezita rake.15161718Mashoko evaporofita anowirirana nazvo, izvozvo, sezvakanyorewa, 'Kupera kweizvi zvose ndisadzoka, ndivake nyumba inoyera yaDhavhidhi, yakawa, ndisimudza nekudzosera zvakare apo pavakaparadza, kuti vanhu vakasara vatsvage Ishe, kusanganisira vaHedheni vose vachadanidziwa nezita rangu.' Izvi ndizvo zvinotawuriwa naIshe akaita zvinhu zvese. 18Kuzikaniwa naMwari mukuzienda nakuenda ndiwo mabasa ake ose.19Nekudaro, ndasarudza kuti ngatisashungurudzayi vaHedheni avo vakadzokera kuna Mwari. 20Asi tichavanyorera kuti vanofanira kuzvichengetedza kure nezvimipunzo, kuvha kuchihure, nekuja mhuka yakafa nekudzipiwa pahuro, nekumwa musiya. 21Nekuti Mozesi akazvitaura muguta roga roga kuvhira pachizvahwa chakudhara zvakare arikuparidzwa mumaSinagogu Sabata yoga yoga.''22Naizvozvo zvakafarihwa navaApositora nevakuru, nekereke yose, kuti vasarudze Judas ainzi Bhasabhasi naSayirasi, kuti vave vatungamiriri vehama, ndokuvatumira kuAntiyoki naPauro naBhanabhasi . 23Vakanyora izvi nemaoko avo, ''Kuhva kuva apositora navakura , hama dzenyu, kuhama dzechiHedheni dziri paAntiyoki, Siriya neSirisiya: Kwaziwai!24Nekuti takanzwa kuti vamwe vanhu vakabuda pakati pedu, pasina vhumo yakahva kwatiri, ndokukuvhiringidzeyi nemashoko avo akaoresa moyo yenyu, 25zvakataridza kunge zvakanaka kwatiri, isu takava nefungwa ibodzi, kusarudza varume kuti tivatumire kwamuri nevadikanwi vedu Bhanabhasi naPauro, 26varume vakaisa hupenyu hwavo pangozi nekuda kwezita raIshe Jesu Kirisitu.27Naizvozvo tatumira Judhasi naSayirasi, ivo vasataura zvinhu zvibodzi nemanzvi avone. 28Izvi zvakanaka kumweya mutsvene nekwatiri, kuti tirege kukutakudzai mutoro mukuru kuzvinhu zvisina mupunduro: 29kuti muzvichengetedze kuzvibayiro zvemuponzo, kumusiya,zvinhu zvakadzipiwa, nechihure. Kana mukasaita zvinhu izvi, munoita zvitsvene. Ndokuonekai nemufaro''30Nekudaro, pavakakumusiwa ,vakadzika kuAntiyoki; mushure mekunge vaunganidza gurususu ravanhu, vakaburisa tsamba. 31vakati vaverenga vakafara kwazvo pamusoro pekuvarayidziwa. 32Judhasi naSirasi nevaporofita vasikurudzira vakoma nemazwi akawanda wakavasimbisa.33Vakativagara pakarepo kwekanguva vakayendesewa nehama murunyararo kune vakavatuma . 34Zvisinei, Sirasi akazviona zvakanaka kuti asare pakarepo. 35Asi Pauro naBhanabhasi vakagara Antiyoki, vasidzidzisa nekuparidza (pabodzi nevamwe) mazvi amwari.36Kwapera mazuva Pauro wakati kuna Bhanabhasi, '' ngatidzokere zvino tonovhakachira hama dziri muguta rimwe nerimwe ratakaparidzira mazvi ashe tononangara kuti takadiniko ''. 37Bhanabhasi wakadawo kutoraJoni wainzi Mako. 38Asi Pauro wakafunga kuti zvakange zvisina kunaka kuti vatore Mako, uyo wakange wavasiya muPamifiriya uye haana kufambira mberi mubasa iri.39Ipapo, vakatsamwidzana nemubiyake, Bhanabhasi wakatora Mako wakaenda Kipurasi. 40Asi Pauro wakasarudza Sirasi wakaenda naye,mushure mekunge vavimbiwa nehama munyasha dzaMwari. 41Zvino wakaenda nemuSiriya neKirosiya,asisimbisa makereke.

Chapter 16

1Pauro akauya kuDhebhe neLisitira ,ipapo, tarisa ,umwewo wemedzidzi ayinzi Timoti akange aripowo, mwanakomana wemukadzi muJudha aiva mutendi, asi baba vake vaiva muGiriki. 2Ainyanya kutauhwa nezvake nemadzikoma ake akanga aripa Risitira neIkoniyamu. 3Pauro aida kuenda naye ,pakarepo akamutora akamudzingisa nokuda vakanga varipo munzvimbo dzakaredzo,nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki.4Pavaipinda nemumaGuta,vaidarika nemuma komba vachitovedza zvakanga zvatawuhwa nemapositori nevakuru vakanga varimuJerusarema. 5Pakarepo kereke yakasimbisiwa mukutenda nekuwedzera pahuwandu zuva nezuva.6Pauro neshamwari dzake vakafamba nematunhu ePerigiya neGaratiya, sezvo vakanga varambidziwa nemweya mutsvene kuti vataure shoko raMwari mudunhu reEzhiya. 7Pavakasvika padhuze neMisiya, vakaedzwa kuenda kuBitiniya, asi Mweya waJesu wakavadzivisa. 8Akafuura nepaMisiya, vakadzika nekuzasi kweguta reTirosi.9Chiratidzo chakaonekwa na Pauro husuku : Murume we Mesedhoniya wakanga wakamira pakarepo, achimukumbira achiti, '' Huyai ku Mesedhoniya muzetibetserawo.'' 10Zvino Pauro paakaona chiratidzo, pakarepo takatsvaga kuenda Mesedhoniya, tisipendera kuti Mwari vakanga vatidana kuti tiparidze ivhangeri.11Tichigadzirisa chikepe kubva kuTirosi, takabva tananga kuSamotiresi, zuva raitevera takaenda Niyeporisi. 12Kubva ipapo takaenda kuFiripi, rinova ndiro guta re Mesedhoniya, guta guru rakakosha uye riri reboka rechiRoma, uye takagara muguta umu kwema zuva akawanda. 13Nemusi weSabata takabuda kunze kwegonhi reruvanze nemumuronga, apa patakafunga kuti yanga iri nzvimbo yekunamatira. Takagara pasi ndokutaura nevakadzi vakanga vakaungana.14Mumwe mukadzi wainzi Ridiya, mutengesi wemucheka webvumbu waibva muguta reTiyatira , iye wainamata Mwari, akatetekera kwatiri. Mwari akabvura moyo wake kuti atetekere zvatauriwa na Pauro . 15Iye nemba yake vakabhabhatidzwa , Akatikumbira , achiti , '' kana mukange manditonga semunhu akarurama kuna Ishe, huyai mugare mumba mangu.'' Uye takabva tayenda.16Zvakasvika pakuda kudaro, patayiyenda kunyumba yekunamatira, mumwe wevasikana varanda wakanga ane mweya wekusonda akasangana nesu. Waivigira vatenzi vake zvizhinji zvaayiwana nekusonda. 17Mudzimai uyu wakatevera Pauro nesu akatidanidzira, achiti , '' Varume ava varanda vaMwari wekumusorosoro. Vanodanhidzira kwamuri nzira yeruponeso.'' 18Akazviita izvi kwezuva mazhinji . Asi Pauro, wakatsamwisa naye zvakanyanya,akacheuka akati kumweya, ''Ndinokuraira kuti ibva maari neZita raJesu Kristu, '' Wakabva wabuda panguva iyoyo.19Zvino vatenzi vacho pakaona kuti tariro yekuwana pundutso yakanga yaenda, vakabata Pauro na Sirasi vakavakwevera kuMhomho pamberi pamberi pava tongi. 20Pavakavaendesa pamberi pevatongi , vakati, ''Varume ava varikukonzera matambudziko muguta medu. MaJudha. 21Varikutaura nezvetsika dzisinga bvumidziwe muchi Roma kuti vadzigamuchire kana kudziita.''22Zvino chaunga chakamuka chose chichimukira Pauro naSayirasi;vatongi vakaparura nguwo dzavo vakataura kuti varohwe neshamhu. 23Mushure mekunge vavarova zvakanyanya vakavakandira mutirongo vakaudza varindi vemutirongo kuti vanatse kuvachengetedze kwazvo. 24Mushure mekunge audziwa izvi, vachengeti vemutirongo vakavha vavakandira mutirongo remukati ndokusunga makumbo avo pachimuti.25Panguva dzingava pakati pousuku Pauro naSayirasi vainamata vasiimba dzimbo kuna Mwari ,vamwe vasungwa vaivatetekera. 26Panguva yakareyo pakaita kuzunguzika kukuru, zvekuti nheyo dzetirongo dzakazununguka ; pakarepo magonhi ose akavhurika uye ngetane dzemubodzimubodzi dzakasununguka.27Zvino vachengeti vevasungwa vakamutsiwa kuvha kuhope ndokuona magonhi etirongo akazaruka ; akavhomora fumo rake akuda kuzviuraya ,nokuti akafunga kuti vasungwa vakatiza. 28Asi Pauro akadanidzira neinzvi guru,asiti , ''Usazvikuvadza ,nekuti tese tiripo.29Vacheti vetirongo vakadanidzira zviyedza vakamhanyira mukati, vachigwagwadza nekucha , vakawira pamberi pa Pauro na Sayirasi , 30vakavabuditsa vakati, ''Changamira ndodiniko kuti ndiponesewe ?'' 31Vakati Tenda muna Ishe Jesu, pakarepo uchaponesewa , iwe nemba yako.'''32Vakataura shoko raIshe kwaari, pamwe chete nevaiva navo mumba make. 33Zvino vachengeti vevasungwa vakavatora pangiva iyoyo yehusiku, ndokushamba maronde avo, iye nevabiyake vakanga varimumba vakabhabhatidziwa pakarepo. 34Zvino pavaiyendesa Pauro na Sayirasi kumusoro kumba kwake akavayisira chokudya pamberi pavo, akafara zvikuru ne avo veimba yake, nekuti vakanga vatenda kuna Mwari.35Zvino paakanga ava masikati, vatongi vakatumira shoko kuva chengeti , vachiti, ''Regai varume avo vayende.'' 36Vachengeti vetirongo vakataura mashoko kuna Pauro, vachiti, ''Vatongi vatumira shoko kwandiri rekuti uyende. Iye zvino chibuda uyende nerugare.''37Asi Pauro akati kwavari , ''Vakangotirova pazere vanhu vasina kuti tonga, kunyangwe zvedu tiri tiri vagari vekuRhoma _ndokutikandira mutirongo. Zvino vaneda here nhasi kuti kutibuditsa muchivande? Kwete! Regai vauye ivo vatitungamirire pakubuda .'' 38Vachengeti vevasungwa vakataura mashoko aya kuvatongi, zvino pavakanzwa kuti Pauru na Siyirasi kuti va Rhoma vakatya. 39Vatongi vakauya vakakumbira ruregerero kwavari vakavabuditsa, ndokuvakumbira kuti vabude kunze kweguta.40Pakarepo Pauro naSayirasi vakabuda mutirongo ndokuenda kunyumba yaRidiya. Zvino Pauro naSayirasi pavakaona hama, vakadzikurudzira ndokuvha muguta.

Chapter 21

1Patakavha kwavari takaenda nehwato,takatora nzira yakananga kuguta rainzi Kosi,zuva rakatovera taive kuguta rerwodzi,kuvha ipapo kuguta repatara. 2Patakawana ngarava isingayambuki kuyenda kuPhoenicia ,takagadha takaenda.3Patakaona Cyprus,tisiiwona kuruzende kwechikepe,takayambuka kuyenda kuSiriya tikamira paTaya,ndipo paiburusiwa zvakange zvakasengewa. 4Patakawona vadzidzi,takagara pakarepo mazuva manomwe.Mweya mutsvene wakaramba usirambidza Pauro kuyendaJerusarema.5Pakarepo mazuva yedu okugara yakapera,takabuda takayenderera mberi nehwendo,vese nevakadzi nevana vavo vakatiperekedza kuvha muguta.takagwadama pasi mumbari mbari memuronga, takanamata, 6tikayonekana nevabiyedu .Takavha takwira chikepe,vabiyedu vakapenduka kunyumba.7Patakapedza hwendo nechikepe kuvha kuTaya, takasvika paToremas.Ipapo takawuchirana nemadzikoma takasvera navo kwezuva ribodzi. 8Mangwana achona takasimuka tikaenda kuSizariya.Takanguna munyumba yaFiripi, muvhangeri,akange ari pakati pavanomwe,takagara naye. 9Naizvozvo murume uyu ayinge ane mhandara dzina dzayi porofita.10Patakagara ipapo kwemazuva,umwe muporofita ayinzi Agabhazi akaburuka kuvha kuJudhiya. 11Akauya kwatiri akatora bhandi raPauro.Akazvisunga naro mumakumbo nemumanja akati ,ndezvinotaurwa ne mweya mutsvene, 'Uku ndekuzvisunga kusaita maJudha ari muJerusarema murume ane bhandi iri ,vasamukanda mumanja memahedheni'.12Patakanzva zvinhu izvi, isu nevagere munzvimbo imomo takavimba naPauro kuti tisayende Jerusarema. 13Ipapo Pauro akapindura,'Muri kuiteni,musirira nekundishungurudza mumoyo ini ndakagadzirira,kwete kusungiwa chete ,asi kufira muJerusarema muzita raIshe Jesu. 14Sezvo Pauro akanga asingade kutumikidziwa,takaramba tinyerere takati,'Ishe ngakuitwe kuda kwavo.15Mazuva aya apera ,takatora nhava takaenda Jerusarema. takaendawo pabodzi nevadzidzi kubva kuSizariya 16.Vakauyawo nemurume ayinzi Munasoni,murume waibva Sipurasi, mudzidzi wanhangwe, uyo wataigara naye.

Ephesians

Chapter 4

1Inini,semusungwa munaShe,ndinekumbira chaizvo kuti muende zvakafanira kudaidzwa nako. 2Nekuzviisa pasi kwese neunyoro,nemwoyo murefu musiitirana moyo murefu netsitsi. 3Mushingaire kuchengeta kubatana kwemweya muchisungo cherugare.4Mune muviri mibodzi nemweya mibodzi sezvamakadaidziwa mutariro ibodzi ,yekudaidziwa kwenyu. 5Uyezve Ishe mubodzi nekutenda kubodzi,kubhabhatidziwa kubodzi, 6Namwari mubodzi nababa vavose,ari pamusoro pavose unebata vose mukati mavose.7Asi mubodzi nemubodzi akapiwa tsitsi nechiereso nechipo chaJeso. 8Zviri semagwaro zvaakareva: ''Paachakwira kumusoro ,uchatundamirira nhapwa muhutapwa, ndekupa zvipo kuvanhu.''9Zvinorevei kuti'akakwira,' kunze kwekuti akadzikira kumativi ari pasi penyika . 10Uyo akaburuka ndiye akakwidza kumosoro -soro kwedenga,kuti azazikise zvese.11Zvino akapasa vamwe vaApostora kuti vamwe vave vaporofita, vamwe vaparidzi, vamwe vafudzi nevadzidzisi. 12kushongedza natsvene vamwari pabasa, pakuvaka mutumbi waKristo, 13kusvikira tasvika pakutenda neruzivo rwemwanakomana waMwari, kuti tikure tisvike mauzaro hwaKristo.14Kristo akativaka kuti tirege kuva vana vanopupuriswa mberi neshure nemusai sai,tichitakurwa nemhepo yedzidziso dzevanhu vane mano-mano nekunyengera. 15Asi tireve chokwadi murudo tigokura maari pane zvese,ndiye mukuru,iye Kristo. 16Kristo akavaka muviri wose, akasanganisa zvakanaka maari nekubatanidziwa nenhengo dzese dzinosimbisa mitezo, umwe nemumwe usabata basa nechiero chawo kuti muviri ukurisiwe pakuvakiwa kwawo murudo.17Naizvozvo ndinereva nekupupura chinhu ichi munaShe ,ndisiti musarambe musifara nevahedheni muhupenzi wekurangarira kwavo. 18Vakasvibisiwa pakunzvisisa kwavo, vari vatohwa paupenyu hwaMwari nekuda kwekushaya hanya kwavo kuri pakati pavo, nekuda kwehukukutu hwemwoyo yavo. 19Havasanyara zvakare vakazvipinza mumanzviro, vaneita zvese zvetsvina nekukara.202122Asi imi hamuna kudzidza Kristo saizvozvo. Kana ari iye zvake wamakanzva nekudzidzisiwa maari, sechokwadi muna Jeso. K23Muvandudziwe mweya munyowani wekurangarira kwenyu. 24Musimire munhu munyowani akasimiwa akafanana naMwari -muchokwadi, mukururama nemuhutsvene .25Naizvozvo bisai makuhwa ,mutaure chokwadi mumwe nemumwe kune wekwake, nekuti tirichikamu chemumwe. 26Nyeterai asi musatadze .Musavidze zuva makanyetera. 27Musapa wakaipa mukana.28Uyo akaba ngaasaba futi,zvirinani kuti atambudzike abate nemenja ake basa rakanaka ave nechaanopawo vaneshaiwa. 29Mumuromo menyu murege kubuda shoko rakaora,asi rakanaka ringasimbise vakafanira rivigire nyasha vanedzva. 30Regai kuridza mweya mutsvene waMwari,wamaisiriwa chisimbiso maari kusvikira pazuva rekudzikinuriwa31Bisai shungu dzese,nekunyetera ,nenharo ,nekupopota, nekutukana, nezvakaipa. 32Muitirane mwoyo munyoro, muregererane, sezvamaka regererwawo naMwari. ''Apo iye akakwira kumusoro ,akatungamira nhapwamuhutapwa, akapa zvipo kuvanhu.''

Jude

Chapter 1

1Judha, mushandiri waJesu Kirisito nemukoma waJamusi,kune avo vakadaidziwa,kurudo ruri muna Mwari baba, vakabatwa kuva vaJesu Kirisito. 2Tsitsi, rugare nerudo zviwedzerewe kwamuri.3Vadiwa, pandakanga ndisiisa shungu dzese dzekunyora izvi kwamuri zvinozivikaniwa zveruponeso, ndakanyora izvi kwamuri kuti mushingaire zvakanyanya kutsvaga kutenda uko kwakapihwa kabodzi kuvanhu vaMwari vatsvene. 4Kune vamwe varume vakaisiwa pakati penyu muchivande. Varume ava vakaisiwa rupawo wekupomehwa. Varune vasina humwari vakasandura nyasha dzaMwari wedu mumanzviro, zvakare vaneramba Tenzi wedu mubodzi naIshe, Jesu Kirisitu.5I Iko zvino ndinoda kukufungisei kunyange muchizviziya kuti Jehovha akanga anesu kubva munyika yeIjipiti,asi nekufamba kwenguva vakazoparadza vose vasina kutenda. 6Zvakare,ngirozi hadzina kuchengeta nzvimbo yadzo yemvumo,asi dzakasiya nzvimbo yadzo yekugara,mwari vakadziisa pangetani dzazienda nakuenda,murima guru, mukutongwa kwezuva guru.7NeSodoma neGomora nemaguta adepoteredza akazvifadza neupombwe neupfambi.Vari mufananidzo weavo vachapinda mumoto usingaperi. 8Nenzira ibodzi ,varoti vakasvibisa miviri yavo.Vakaramba mvumo vakazvidza vatsvene.9Kana naMikairi ngirozi huru,payakakakavadzana nasatani kusvika pakupesana naye nezve mutumbi waMosisi,haana kuda kuisa mutongo kwaari, asi akati,'Mwari ngavakutsiure!. 10Asi vanhu vakatuka zvse zvavainge vasinga nzwisise;nezvavaiziva ,se mhuka dzisinganzvisise,ndizvo zvinhu zvakavaparadza . 11nhamo kwavari! Nekuti vakapinda munzira yaKaini vakaisiwa kuna Bharami vakaparara mukutukwa kwaKora.13Vanhu ava matombo anokuvadza pamutambo wako we rudo, vasija newe pasina kucha -vafudzi vanozvijira pachavo .Vakafanana nemakore asina mvura anopupurusiwa nemhepo;miti isana mashizha, isina michero- yakafa kaviri ,midzi iri pachena. 12Vakafanana nedutu rine hasha mugungwa, ichigadzira kuzvinyadzisa; nyenyedzi dzinopepereka, kuneuyo kuzara kwerima akamuchengetera nekusingaperi.14Inoki, wechinomwe kuvha kuna Adhamu,akaporofita nezvazvo, asiti, Nangarawuwone! Jehovha ari kuuya nezvuru nezvuru zvavatsvene vake. 15Arikuuya kuzopa umwe noumwe mutongo wake, ari kuuya kuzopasa mhosva vakaipa pamabasa avo ose avakaita, asina nzira yehumwari, nemashoko anevava akatauhwa nevatadzi pamusoro pake. '' 16Zvinoti kurirarira, kutenga, vasitevera zvishuwo zvavo zvakaipa. Miromo yavo inotarisa zvekuzvikudza, vanobatira vamwe kuti ivo vasimukire.17Asi imi,vadikani,rangarirai mazvi akataurwa nevaApositora aIshe Jeso Christo. 18Vakati kwamuri,'panguva yekuguma pachava nevaneunjaka vanoteveta zvido zvavo zvakaipa. 19Ndivo vanokonzera kupokana ;ndevenyika uye havana mweya.20Asi imi, vadikani, zvivakireni pakutenda kwakasimukira, monamata mumweya mutsvene. 21Zvichengetei murudo hwaMwari, momirira panyasha dzaIshe Jesu Kirisitu dzinokupai hupenyu husingaperi.22Ivai netsitsi kune avo vaningatendi. 23Nunureni vabiyenyu nekuvavhuta kuvha kumoto; kune vamwe ratidzeni tsitsi nekucha, musivenga kunyenge nenguwo yakasvibisiwa nemuviri.24Zvino kune uyo anekwanisa kukuchengetedzei kuvha kukuguniwa zvakare asiita kuti mumire pamberi pehupo hwekupenya kwake tisina mhosva nemufaro mukuru, 25kuna Mwari mubodzi muponei wedu nekuda kwaJesu kirisitu Ishe wedu, ivai nekupenya, hukuru, hutongi nemvumo, mamuri nguva dzese, panguva ino nokusingaperi. Ameni.