Pfumbi: Bible for Genesisi

Formatted for Translators

©2022 Wycliffe Associates
Released under a Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License.
Bible Text: The English Unlocked Literal Bible (ULB)
©2017 Wycliffe Associates
Available at https://bibleineverylanguage.org/translations
The English Unlocked Literal Bible is based on the unfoldingWord® Literal Text, CC BY-SA 4.0. The original work of the unfoldingWord® Literal Text is available at https://unfoldingword.bible/ult/.
The ULB is licensed under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License.
Notes: English ULB Translation Notes
©2017 Wycliffe Associates
Available at https://bibleineverylanguage.org/translations
The English ULB Translation Notes is based on the unfoldingWord translationNotes, under CC BY-SA 4.0. The original unfoldingWord work is available at https://unfoldingword.bible/utn.
The ULB Notes is licensed under the Creative Commons Attribution-ShareAlike 4.0 International License.
To view a copy of the CC BY-SA 4.0 license visit http://creativecommons.org/licenses/by-sa/4.0/
Below is a human-readable summary of (and not a substitute for) the license.
You are free to:
The licensor cannot revoke these freedoms as long as you follow the license terms.
Under the following conditions:
Notices:
You do not have to comply with the license for elements of the material in the public domain or where your use is permitted by an applicable exception or limitation.
No warranties are given. The license may not give you all of the permissions necessary for your intended use. For example, other rights such as publicity, privacy, or moral rights may limit how you use the material.

Genesisi

11Pakutanga, mwali wakasika makole nenyika. 2Nyika yanga isina kugajigwa isina tshinhu.Swiswi langa liripo panyezulu pevula yakagajikana.Ne Mwiya wa Mwali wanga utshigala panezulu pe vula.3Mwali wakati, "Tshiyeja ngatshivhepo," tshikavhapo. 4Mwali ukavhona tshiyeja, kuti tshakanaka.Ukapalajanisa tshiyeja ne swiswi. 5Mwali wakatumija tshiyeja kuti "masikati," neswiswi akalitumija kuti "vhusiku."Madekwana akavhapo mangwanana akavhapo, nelimwe zuvha.6Mwali akati, "Nyika ngayivhepo pakati pevula, kuti ipalajanise vula ne vula." 7Mwali akaeta nyika akapalajanisa vula yanga iripasi nyika nevula yanga iri panezulu penyika.Zwikaeta sayezwo. 8Mwali akatumija nyika akati "makole."Madekwana akavhapo mangwanana akavhapo, nezuvha letshipiri.9Mwali akati, "Vula iripasi pamakole ngayi kuvhangane panhupamwepeji, kuti pasi pakaoma pavhoneke."Zwikaeta sayezwo. 10Mwali akatumija pasi pakaoma "nyika," nevula yakavhungana akayitumija akati "makungwa." Ukavhona kuti zwakanaka.11Mwali akati, "Nyika ngayimere vhuhxwa ne mirivho: inobeba mbeu nemiti inobeba mitshero, mbeu jayo jiri mukati mayo namaluji ayo."Mwali ukavhona kuti zwakana. 12Nyika ikameresiwa vhuhxwa, nemirivho inobeba mbeu jinamaluji ajo, nemiti inobeba mitshero mitshero mbeu jayo jiri mukati mayo, inamaluji ayo.Mwali ukavhona kuti zwakanaka. 13Madekwana akavhapo namangwanana akavhapo, zuvha letshitatu.14Mwali akati, "zwiyeja ngazwivhepo panyika nokumakole kuti zwipalajanise masikati novhusiku, kuti zwvhe zwisumbijo, netshikhati namazuvha namakole. 15Ngazwivhe zwiyeja panyika nokumakole kuti zwivonekere nyika."Zwikayeta sayezwo.16Mwali akaeta zwiyeja zwikugwane zwivhiri, tshiyeja tshikugwane kuti tshibate vhushe masikati, netshiyeja tshituku kuti tshibate vhushe vhusiku. Nenyerejivho. 17Mwali akazwiyesa pasi penyika nemakole kuti zwivonekere panyika, 18zwibate vhushe masikati novhusiku, nokupalajanisa tshiyeja neswiswi.Mwali ukavhona kuti zwakanaka. 19Madekwana akavhapo namangwanana akavhapo, zuvha letshina.20Mwali akati, "Vula ngayizale nezwipenyu zwinji, nezwinyoni zwipururuke pane zulu penyika kunyika yanezulu." 21Mwali wakasika mhuka hugwane jegungwa, nezwipenyu zwose zwinokambayira izwo vula yanga inamaluji azwo, nezwinyoni zwose zwisina mapapiro namaluji azwo.Mwali akavhona kuti zwakanaka.22Mwali akazikombolera , akati ,'' Bebanani muwande muzaje vula iri mumakungwa . Nezwinyoni ngazwiwande panyika." 23Madekwana akavhapo mangwanana akavhapo, nezuvha letshishanu.

..

24Mwali akati, '' Nyika ngayibebe zwipenyu zwama luji azwo , nezwupfuyo .nezwinokambayira ,nemhuka jenyika jina maluji azwo.'' Zwikaeta sayezwo. 25Mwali akaeta mhuka jenyika jinamaluji ajo, nezwipfuwo zwinamaluji azwo, navhanhu zwose zwinokambayira zwinamaluji azwo.Mwali akavhona zwakanaka.26Mwali akati, "Ngatiyete unhu noufananijo wedu, akafanana nesu.Ngaavhe nesimba panezulu pehovhe jegungwa, napanhezulu pezwinyoni zwekumakole, napanhezulu pezwipfuwo, napanhezulu penyika yose,napanhezulu pezwipenyu zwose zwinokambayira panyika." 27Mwali akasika unhu noufananijo uwe.Akausika atshifanana naiye.Akasika ulume noukaji.28Mwali wakakombolera akati kavhali, "Bebanani muwande.Muzaje nyika, mubate vhushe payiri.Muvhe nesimba panezulu pehovhe jegungwa, nepanhezulu pezwinyoni zwokumakole, pazezulu pezwipenyu zwose zwinokambayira panyika." 29Mwali akati, "Talirani, ndakamupa milivho yose inobeba mbeu iri panyika yose, nemiti yose ine mitshero yemiti inobeba mbeu.Kuti zwivhe zwokudla zwenu.30Mhuka jose jenyika, nezwinyoni zwose zwekumakole, nezwipenyu zwose zwino kambayira panyika,zwinemwiya wovhupenyu ndakazwipa milivho yose minyolo kuti zwivhe zwokudla zwavho."Zwikaeta sayezwo. 31Mwali wakavhona zwose zwaakaeta.Asi, akavhona zwakanaka tshaiko.Madekwana akavhapo mangwanana akavhapo, nezuvha letshishanu na limwe.
21Zwino kumakole napanyika zwakapera, futhi nezwayilalama zwikazajamo. 2Nezuvha letshishanu navhuvhiri Mwali wakavhuya kumagumo ebasa lire laanga ayeta, futhi akazolola nezuvha letshishanu navhuvhiri kubva pabasa lire lose. 3Mwali wakakombolera zuvha letshishanu navhuvhiri akaliyeta tswene, nokuti Mwali akazolola nalo pamabasa awe ose aanga asika nokuyeta.4Ndiko kuvhambiwa kokumakole nepanyika, zwitshisikwa, nezuvha yero Yahweh Mwali laakasika nalo nyika nekumakole. 5Panga pasina bani leminda langa liri pa nyika, futhi nemilivho yemuminda yanga isanhu yamera, nokuti Yahweh Mwali anga asanhu anisa vula panyika, futhi panga pasina unhu wokulima panyika. 6Asi mwando wayiwiri pasi kubva nyezulu kuswika panyika kunyolopisa pasi pose.7Yahweh Mwali akavhumba unhu nebhuse lemavu, akafululijira mwiya wovhupenyu muzwimiro zwizwe, unhu akavha mwiya utswene. 8Yahweh Mwali asima minda Edeni kuma bvazuvha, futhi iyapo akayesa unhu waanga avhumba.9Kuze kose Yahweh Mwali akameresa miti pasi pose inofaja meso futhi yakanaka kudla.Izwi zwinoti nouti wovhupenyu wanga uli pakati peminda, futhi nouti wokuzivha zwakanaka nezwakayipa. 10Gwizi gwakabuda mu Edeni kuyetera kudirijira muminda yeyo gukapambana yapo kuyeta vhukovha vhuna.11Zina lokutanga ndi Phishoni.Ndingolumwapeji gunomonereja nyika yose ye Havila, ipo pane ndalama. 12Ndalama yenyika yeyo yakanaka.Futhi pane ndeliyumu ne ihwe lounikisi.13Zina legwizi gwetshipiri ndi Gihoni.Ugu gunodira kubva kunyika yose ye Khashi. 14Zina legwizi gwetshitatu ndi Thigirisi, futhi gunodira kumabvazuvha a Ashaa.Zina legwizi gwetshina ndi Ewufuretsi.15Yahweh Mwali akatola unhu akawu esa muminda ye Edeni kuti ashumemo nokutshengetamo. 16Yahweh Mwali akalayijira unhu, atshiti, "Kubva pamiti yose iri muminda ungadla umwe noumwe. 17Asi pauti unozivha zwakanaka nazwakayipa hawufaniri kuudla, nokuti nezuvha lautsha udla, zweshuwa utshafa."18Zwino Yahweh Mwali akati, "Hazwina kunaka kuti unhu agale oga.Nditshayeta kuti awane uthusani naye akawufanira." 19Kuze kose Yahweh Mwali akavhumba imwe ne imwe mhuka yenyika, netshimwe ne tshimwe tshinyoni tshekumakole.Zwino akazwiyesa ku unhu atshida kuvhona kuti utshajidana kuti tshini.Tshimwe ne tshimwe tshipenyu unhu wakatshidana sezwaakatumijiwa. 20Unhu wakatumija zwipfuwo zwose mazina, nekose kuzwinyoni zwekumakole, futhi nemhuka jose jemunyika.Asi pane iye unhu amene hapana kuwanika uthusani naye wakaufanira.21Yahweh Mwali wakavhatisa unhu hope hugwane, so unhu akavhata.Yahweh Mwali akatola lumbabvu gugwe lumwepeji akavala nyama patshikhala tshago. 22Nolumbabvu yogo Yahweh Mwali gwakatola paunhu, akayeta unhukaji nago akauyesa kuunhu. 23Unhu akati, "Zwino patshikhathi yetshi, uyu ifupa lamafupa angu, futhi inyama yenyama yangu.Atshadamwa atshihwi 'unhukaji,' nokuti wakabvisiwa pa unhulume."24Zwino unhulume utshasiya bhabha na mayi vhavhe, arabhirire ukaji uwe, vhavhe nyama imwepeji. 25Vhose vhanga vhasina kusimira, unhulume noukaji uwe, asi havhana kushona.
31Zwino nyoka yanga inamano kupinda mhuka jose jesango janga jaehwa na Yahweh Mwali.Ikati kunhukaji, " Nandi ndizwo na kuti Mwali wakati, 'Legani kudla miti yose muminda'?" 2Ukaji akati kunyoka, "Tangadla zwedu mitshero yemiti muminda, 3asi kana iri mitshero youti ulipakati peminda, Mwali wakati, 'Legani kuudla, kana kuubata, kuti mulege kufa."4Nyoka ikati kunhukaji, "Hamungafi shuwa. 5Nokuti Mwali unozivha kuti nousi wamunoudla nawo meso enu atshambonyoloka, mukavha sa Mwali, mutshizivha zwakanaka nezwakavhipa." 6Zwino ukaji wakati atshivhona kuti uti wakanaka kadliwa, naiyezwo kuti unofaja meso, naiyezwo kuti uti unodiwa kungwaja unhu akatola utshero wayo akadla akapavho ulume uwe akadla, naye vho.7Iyapo meso avho ivho vhavhiri akaswinula, vhakazivha kuti havhana kusimira.Vhazwivala namatari. 8Vhakahwa ihwi la Yahweh Mwali atshienda muminda kotonholera madekwana, unhu noukaji uwe vhandojumbama phandda ka Yahweh Mwali pakati pemiti yomuminda.9Yahweh Mwali akadavhijira unhu akati kaali, "Ulipi?" 10Ulume akati, "Ndakahwa ihwi lenu muminda, ndikahla, nokuti ndanga ndisina kusimira.Ndika jumbama." 11Mwali akati, "Ndiani na akakuvhuja kuti hauna kusimira?Wakadla kanhi uti wandika wandikakulayira kuti ulege kuudla?"12Unhu akati, "Ukaji wamakandipa kuti avhe nemi, ndiye wakandipa uyo uti, ndakadla." 13Yahweh Mwali akati kuukaji, "Tshiniyetsho tshawaeta?"Ukaji akati, "Nyoka yakandinyengejera, ndikadla."14Yahweh Mwali akati kunyoka, "Zwawaeta yezwo, watukwa kupinda zwipfuwo zwose nokupinda mhuka jose jesango. Utshaenda nedumbu liro, utshadla buse mazuvha ose ovhupenyu huho. 15Nditshaesa luvhengo pakati papo noukaji, napakati poluji gugo noluji gugo igo. Gutsha hwasiwa usolo, iwe newe utshahwasiwa tshirete tshitsho."16Ukaji akati, "Nditshiwanja zwikugwane kungwajiwa pakubeba kuko; utshagwajiwa pa utshabeba vhana.Utshingwajiwa nokuda kuuko kutshavha kulume uwo iye utshavha mwali uwo."17Ka Adam akati, "Zwaukaingira ihwi loukaji uwo, ukadla uti wandikakujivhisa, nditshiti, 'Usingodla,' Zwino nyika yakatukwa neulanda uwo utshadla zwibebo zwayo nokutambula mazuvha ose ovhupenyu huho. 18Itshakubebera mhiwa nolutumbambevha, iwe utshadla mitire yomuminda. 19Utshadla zwokudla zwizwo nebiko lokumeso kuko, kuswika utshijokera mumavu, nokuti wakatogwa paliri.Zwauli buse utshajokera futhi mubuse."20Unhu akatumija ukaji uwe zina linohwi Eva nokuti ndiye mayi vhavha penyu vhose. 21Yahweh Mwali akaetera unhu noukaji uwe zwisimiro zwezwikumba akavhafukija ivho.22Yahweh Mwali akati, "Talani unhu avha soumwe wedu, zwaozivha zwakanaka nezwakayipa, zwino zwimwe ungatambanuja luvhoko gugwe, akatola vho zwouti wovhupenyu akadla, akapira, nokusingaperi." 23Yahweh Mwali akaubvisa muminda we Edeni, kuti alime muminda akatogwa kaali. 24Nayezwo Mwali wakatata unhu akaesa makerubi kulutivhi gwamabvazuvha keminda, ye Edeni, nolupenyo gwepfumo layigovha kuma gumo ose, kulindira zira youti wovhupenyu.
41Ulume ukazivha ukaji uwe Eva akayeta tumbu akabeba Kaini.Akati, "Ndawana unhu nditshitusiwa na Yahweh." 2Ukaho beba futhi unukuna uwe Avhele. Zwino Avhele anga ali ulisa wamakwayi, asi Kayini anga ali ulimi wevu.3Zwino tshikathi tshapinda Kayini ukavhuya nezwibebo zwevu tshiyete tshipo kuna Yahweh. 4Na Avhele vho, ukavhuya namakwayana awe amathanje akakolavho.Yahweh akasangamija Avhele netshipo tshitshe, 5asi Kayini netshipo tshitshe haana kuusangamija.Iyapo Kayini ukatshamwa tshayiko , tshiso tshitshe tshikawonyana.6Yahweh ukati kuna Kayini, "Watshamwireni futi wakawonyanireni? 7Kana ukayeta zwakanaka, hawunga fali nhapatshiso tshitsho? Asi kana usingayeti zwakanaka, zwivhi zwinokunyangirira paukovha zwikokutswaka, asi iwe unofanira kuzwikunda."8Kayini ukazuwirana na bhudi vhavhe Avhele.Ukati vhali muminda, Kayini nokumukira bhudi vhavhe Avhele nokuuvhulaya. 9Iyapo Yahweh ukati kuna Kayini, "Ulipi Avhele bhudi vhavho?"Iye akati, "Handizivhi.Ndimi ulisa wounukuka wangu naa?"10Yahweh akati, "Wayeteni? Ihwi lelopa labhudi vhavho linodavhijira kandiri panyika. 11Zwino watukwa panyika,heyi yakasamisa ulomo wayo kusangamija lopa labhudi vhavho paluvhoko gugo. 12Kana utshilima ivu, halinga kupi simba lalo.Utshavha utizi noujungayiri panyika."13Kayini ukati kuna Yahweh, "Kulohwa kangu kukugwane handinga kumuluji. 14Talirai, manditata nasi panyika iyeyi, nditsha vhanda pameso papo.Nditshavha utizi noujungayiri panyika, ani nani unondiwana utshandi vhulaya." 15Yahweh akati kaali, "Kana umwe noumwe unovhulaya Kayini, utshajosegwa lu shanu naluvhiri."Zwino Yahweh nokuyesera Kayini sumbijo, kuti unhu unohouwana, alege kumuvhulaya.16Iyapo Kayini ukabva pandha ka Yahweh akandogala kunyika ye Nod, kumabvazuvha e Edeni. 17Kayini ukazivha ukaji uwe.Ukayeta tumbu akabeba Enoki.Ukavhaka dhorobho akatumija zina lemwana uwe Enoki.18Enoki ukabehwegwa Iradi, Iradi ukabeba Mehujael.Mehujael ukabeba Methushael.Methushael ukabeba Rameki. 19Lameki ukawana vhakaji vhavhiri.Zina loumwe layihwi Adha, zina loumwe layihwi Zillah.20Adah ukabeba Jabhali.Anga ali bhabha vhevhanhu vhayi gala mumadende vhane zwipfuwo. 21Zina labhudi vhavhe layihwi Jubhali.Iye wanga ali bhabha vhavhose vhanolija mbira negulu. 22Zilla ukabeba Tubhali-Kayini, ulisa wezwidla zwose zwendalira nedale.Sisi vha Tubhali-Kayini ndi Naama.23Lameki akati kuvhakaji vhavhe, "Adah na Zilla, ihwani ihwi langu; imwi vhakaji vha Lameki, ingirani zwandino levha.Nokuti ndinovhulaya unhu unondikuvhaja, nejaya linondi pwasa. 24Kana Kayini atshitshivhijiwa lushanu naluvhiri, Lameki utshatshivhijiwa makumi mashanu na shanu namavhiri."25Adamu ukazivha futi ukaji uwe.Ukabeba umwe mwana.Ukautumija zina linohwi Seti akati, "Mwali ukandipa umwe mwana patshigalo tsha Avhele, zwaakavhulawa na Kayini." 26Na Seti ukabehwegwa wanaakautukija zina linohwi Enoshi.Netshikati yetsho vhanhu vhaka tanga kudana zina la Yahweh.
51Ndiro bhuku lamaluji a Adamu.Usi wakasika unhu na Mwali, wakauyeta ufananijo waka fanana naye. 2Wakavhasika ulume nooukaji.Akavhalopafaja akavhatumija zina linohwi unhu usi waka vhasika.3Adamu wakagala makole ane zana namakumi matatu, abeba mwana tukana waka fanana naye, wakautola, akautumija zina linohwi Seti. 4Mazuvha a Adamu sule koku behwa ka Seti, wanga ana makole ana zana mashanu namatatu.Akabeba vhatukana navha sikana. 5Mazuvha ose avhupenyu hwa Adamu wanga ana makole anamazana mashanu namana nama kumi matatu, akafa.6Seti ukagala makole ana mazana nashanu, akavha bhabha vha Enosh. 7Seti wakagala makole ana mazana mashanu namavhiri namashanu namana sule kokubehwa ka Enosh, akahovha bhabha vhavhatukana navhasikana. 8Mazuvha ose a Seti anga ana makole ana mazana mashanunamana negumi namavhiri, akafa.9Enoshi wakagala makole makumi mashanu namana, akavha bhabha vha Kenani. 10Sule kokubehwa ka Kenani, Enoshi wanga ana makole ana mazana mashanu namatatu negumi namashanu.Akavha bhabha vhavhatukana navha sikana. 11Mazuvha a Enoshi anga ana makole anamazana mashanu nashanu, akafa.12Kenani wakagala makole makumi mashanu namavhiri, akavha bhabha vha Mahalaleli. 13Sule kokubehwa ka Mahalaleli, Kenani wakagala makole ana mazana namatatu namakumi mana.Akavha bhabha vhavhatukana navhasikana. 14Mazuvha ose a Kenani anga ali makole ana mazana mashanu namana negumi, akafa.15Mahalaleli wanga ana makole makumi mashanu na limwepeji namashanu, akavha bhabha vha Jared. 16Sule koku behwa ka Jared, Mahalaleli ukagala makole ana mazana mashanu namatatu namakumi matatu.Akavha bhabha vhavhatukana navha sikana. 17Mazuvha ose a Mahalaleli anga ali makole ana mazana mashanu namatatu namakumi mashanu namana nashanu, akafa.18Jerad wagala makole ane zana namakumi mashanu nalimwepeji namavhiri, akavha bhabha vha Enoch. 19Sule kokubehwa ka Enoch, Jared ukagala makole ana mazana mashanu namatatu akabeba vhatukana navhanasikana. 20Mazuvha ose a Jeradi anga ali makole ana mazana mashanu namana namakumi namashanu nalimwepeji namavhiri, akafa.21Enoki wakagala makole makumi mashanu nalimwepeji namashanu, akavha bhabha vha Methuselah. 22Sule kokubehwa ka Methuselah Enoch wakayenda na Mwali makole ana mazana matatu.Akavha bhabha vhavhatukana navhasikana. 23Enoch wakagala makole ana mazana matatu namakumi mashanu nalimwepeji namashanu. 24Enoch waiyenda na Mwali, akasavhapo, Mwali wakautola.25Methuselah wakagala makole ane zana namakumi mashanu namatatu namashanu namana, akavha bhabha vha Lameki. 26Sule kokubehwa ka Lameki, Methuselah ukagala makole anamazana mashanu namana namakumi mashanu namatatu namavhiri.Akavha bhabha vhavhatukana navhasikana. 27Methuselah ukagala makole mazana mashanu namana namakumi mashanu nalimwepeji nashanu naina. Akafa.28Lameki wakagala makole ane zana namakumi mashanu namatatu namavhiri, Akavha bahabha vhavhatukana. 29Akautumija zina linohwi Nowa, atshiti, "Uyu utshati vhalayija pabasa ledu napaku tambula kamavhoko edu, zwinobva panyika ika tukwa na Yahweh."30Sule kokubehwa ka Nowa Lameki ukagala makole anamazana mashanu namakumi mashanu namana namashanu.Akavha bhabha vhavhatukana navhasikana. 31Lameki ukagala makole mazana namashanu namana namakumi mashanu namana nashanu namana.Akafa.32Nowa wanga ana makole ana mazana mashanu, akavha bhabha vha Shemu, Hamu, na Jafethi.
61Zwino vhanhu vhakati vhawanda kuwanda panyika vhatshibebegwa vhasikana, 2Zwino vhatukana vha Mwali vhaka vhona vhanasikana vhanhu vhaka naka.Vhakazwi ketera, kuti vhavhe vhakaji vhavho. 3Yahweh akati, "Mwiya wangu hayunga gali muunhu zwamutshose, nokuti ivho ndivhe nyama.Vhatshagala makole 120."4Vha Nephilim vhanga vhali munyika mazuvha iyawo, futhi nasule kazwo.Hezwi zwaka eteka mwanatukana wa Mwali awana usikana wavhalume avho, futhi vhakaeta navho vhana.5Zwino Yahweh wakavhona kuti kuvhipa kavhanhu avho kanga kuli kukugwane panyika, nefungwa jokufunga kemoyo yavho janga jakaipa tshikati tshose. 6Yahweh wakazwidemba sule kokusika unhu panyika, ukavha nesungu pamoyo uwe.7Yahweh akati, "Nditshapalaja vhanhu vhandaka sika ndivhabvise panyika vhanhu mhuka, nezwinokambayira nezwimyoni zwokumakole, nokuti ndozwidemba asi ndimi ndakazwieta." 8Asi Nowa ukawana vhusiwana panda ka Yahweh.9Maluji a Nowa ndiwo.Nowa wanga ali unhu wakalulama, asina ulandu mumaluji awe.Nowa ukaenda na Mwali. 10Nowa waka beba vhanatukana vhatatu vhaihi: Shemu, Hamu, na Jafeti.11Nyika yanga ikavhola panda ka Mwali, nyika yanga izere noku manikijana. 12Mwali akavhona nyika; kuti yakavhola, nokuti vhanhu vhose vhanga vhavhojiwa mumiyendero yavho panyika.13Mwali akati kuna Nowa, "Kupera kavhanu vhose kaswika panda kangu, talira, nditshavhavhulaya panda vhose ne nyika. 14Uzwietere aleka nouti womugofe.Uete makamara muareka, uyinambatije nomukati nakuze netshokunambatija. 15Hazwo ndizwo zwindayi eta kuti ivhakwe: kulevho kayo makiubhiki anemazana matata; nokufala kayo makibhuki makumi mashanu; nokukwirira kayo makiubhiki makumi matatu.16Uyese tanga areka, ulipeje kana kasala kibhiki limapeji kubva nyezulu keareka.Nokovha weareka uliese palutivhi, uete makamara matatu youtanga, wetshipiri newe tshitatu. 17Ingirisani, imi panyika nditshavhuyisa vula ikawanda, kuti ipalaje zwipenyu zwose zwine mwiya wovhupenyu pasi nenyezulu.Kuti zwose zwiri panyika zwitshafa.18Asi nditshaeta lubatano newe.Unofanira kupinda muareka, iwe, navhana vhavhatukana vhavho, nokaji uwo, navhana sikana vhavhana vhavho pamwepeji newe. 19Pazwipenyu zwose zwenyama, uyese muareka zwivhiri zwohlovho yose, kuti zwipire pamwepeji newe, ngazwivhe tshihaji notshilulume.20Zwinyoni nemihlovho yazwo, nezwipfuwo nemihlovho yazwo, nezwinokambayira nemihlovho yazwo, zwitshavhuya kawuli zwivhiri zwivhiri zwamaluji ose kuti zwilalamisiwe. 21Utole maluji ose ezwokudla uzwikuvhanganye kawuli, kuti zwivhe zwokudla zwizwone zwazwo." 22Nowa akaeta sezwo.Sezwaaka layigwa na Mwali, wakaeta sezwo zwose.
71Zwino Yahweh wakati kuna Noa, "Pindani, muareka, iwe nemhuli iyo yose, nokuti ndakuvhona iwe kuti wakanaka pandda pangu paluji ugu. 2Pamhuka jose jakanaka utole shanu na mbiri mboho nehaji yayo. Napamhuka jose jisina kunaka, utole mbiri mbiri, mboho nehaji yayo. 3Napazwinyoni zwokumakole, utole zwishanu nezwivhiri tshikukuleme zwi shanu nazwuvhiri zwimhambo, kuti ulalamise maluji ose ali panyika.4Nokuti kasala mazuvha mashanu namavhiri iyapo nditshanisa vula panyika mozuvha ana makumi mana novhusiku huna makumi mana.Zwipenyu zwose zwandaka eta nditsha zwipalaja panyika." 5Noa wakayeta zwose sezwa akalaigwa na Yahweh.6Noa wanga avha namakole ana mazana mashanu na limwe patshikhathi tshokuvhuya kevula yakawanda panyika. 7Iyapo Noa wakapinda muareka, navhanatukana vhavhe, noukaji uwe, navhanatukana vhavhe nokuda kevula yakawanda.8Pamhuka jakanaka napamhuka jisina kunaka, nezwinyoni, nezwose zwino zwino kambaira panyika, 9zwakapinda kuna Noa muareka, zwivhiri zwivhiri, tshinhulume netshi nhukaji, Mwali sezwavhakalaira Noa. 10Mazuvha mashanu na mavhiri akati apinda, vula yakawanda ikavhapo panyika.11Pagole lamazana mashanu nalimwe lovhupenyu hwa Noa,nomweji wavhuvhiri, nezuvha legumi nashanu nambiri lomweji nezuvha limwepeji, zwisenya zwose zwikapalajiwa,nemawindo ekumakole akavulika. 12Vula inji ikana panyika mazuvha ana makuni mana novhusiku huna makumi mana.13Nousi yoyo Noa wakapinda muareka, na Shemu, na Hamu, na Jafeti, vhanatukana vha Noe noukaji wa Noa, navhakaji vha tatu vhavhanatukana, vhavhe pamwepeji naye. 14Ivho nemhuka jose namaluji ajo, nezwino kambaira zwose zwino kambaira panyika namaluji azwo, nezwino puruka, zwose namaluji azwo nezwinyoni zwose zwa maluji ose.15Zwaka pinda kuna Noa muareka zwivhiri zwivhiri zwezwipenyu zwose zwino mwiya wovhupenyu. 16Zwose wakapinda zwakapinda zwitshieta tshikonho netshikaji, zwose zwipenyu sezwa akalaigwa na Mwali Yahweh waka vhavalirira mukati.17Vula inji ikavhapo panyika mazuvha ana makumi mana, vula ikawanda ikamuluja areka ikakwirijigwa panyezulu penyika. 18Vula ikakwira ikawanda fani panyika, areka ikayenda panyezulu pevula.19Vula ikakwirira vhukuma panyika tavha lefu jose pasi pamakole ose akafukijiwa. 20Vula ikakwirira kuswikira pamakubhiti ane gumi namashanu panyezulu pawo tavha jaka fukijiwa.21Zwipenyu zwose zwayi enda panyika zwakafa zwaiti zwinyoni, nezwipfuwo, nemhuka, nezwinokambaira zwose, zwaikambaira panyika navhanhu vhose. 22Zwinhu zwose zwanga zwino kufema komwiya wovhupenyu muzwimiro, zwazwo zwose zwanga zwiri pakaoma pasi zwikafa.23Zwipenyu zwose zwanga zwiri pasi pose, zwikapalajiwa zwaiti vhanhu nezwipfuwo nezwinokambayira nezwinyoni zwokumakole.Zwikapalajiwa panyika.Noa aga wakasala nezwanga zwiri muareka naye. 24Vula ikalamba yakakwirira panyika mazuvha ane zana namakumi mashanu.
81Zwino Mwali wakalangalira Nowa, nezwipenyu zwose nezwipfuwo zwose zwanga zwiri muareka.Mwali ukaendesa mhepo panyika, vula ikawira pasi. 2Zwisenya zwakajika namahwindo egole akazajiwa, nevula yakabva kumakole akajivhisiwa. 3Vula ikalamba itshijoka panyika, mazuvha ane zana namakumi mashanu akati apinda vula ikawirira pasi.4Nomweji wetshishanu namavhiri , nezuvha legumi namashanu namavhiri emweji, areka ikamira pausolo petavha ye Ararat. 5Vula ikalamba itshidira kuswikira mweji wegumi.Ne mweji wegumi namazuvha okutanga nomweji misolo yetavha ikavhoneka.6Mazuvha ana makumi mana akati apinda Nowa ukavula hwindo le areka laanga ayeta. 7Ukabudisa gunguvho iro lakalamba litshifufa litshifufa kuswikira vula yapwa panyika.8Iyapo ukajikitisa njivha panga ali kuti avhone kana vula itshiwirira panyika, 9asi njivha haina kuwana pokuzoloja gumbo layo, ikajokera kaali nokuti vula yanga iri pausolo penyika yose, ikatambunuja luvhoko gugwe akatola akaipindisa kaali mu areka.10Iyapo ukagala mamwe mazuvha mashanu namavhiri futhi akabudisa njivha pa areka. 11Njivha ikapinda kaali madekwana yawo.Talirayi! Muulomo mayo manga mune lutari romuorivi.Ukatanhiwa nayezwo Nowa wakazivha kuti vula yaka wirira panyika. 12Ukagala futhi mazuvha mashanu namavhiri, akabudisa futhi njivha yeyo.Hayina kujokera futhi kaali.13Pagole namazana mashanu nelimwepeji, pamweji wokutoma, zuvha lokutoma pamweji , vula yanga yapwa panyika.Yapo Nowa ukabvisa gole le Areka, akatalira kuze, akavhona izwo, pasi pose pawoma. 14Nomweji wavhuvhiri, nezuvha lamakumi mavhiri nala namashanu namavhiri omweji, nyika yanga yawoma.15Zwino Mwali ukati kuna Nowa, 16"Budani muareka, iwe, noukaji uwo, nevhanatukana vhavho, navhakaji vhavhanatukana vhavho pamwepeji newe. 17Budisani pamwapeji newe zwipenyu zwose zwenyama zwinewe zwinoti zwinyoni, nezwipfuwo nazwinokambayira zwose, nazwinokambayira panyika kuti zwiwande panyika, zwibebe zwivhe zwinji panyika."18Yapo Nowa ukabuda iwe navhanatukana vhavhe, noukaji uwe, navhakaji vhavhanatukana vhavhe pamwepeji naye. 19Nemhuka jose, nezwinokambayira zwose, nezwinyoni zwose, nezwose zwinoenda panyika, namaluji azwo zwakabuda pa areka.20Nowa ukavhakira Yahweh aritari.Akatola jimwe mhuka jose lakanaka nezwinyoni zwose, zwakanaka ukapira zwipiriso zwinopisiwa pa aritari. 21Yahweh ukahwa kunhuwira kakanaka Yahweh akati mumoyo mume, "Handditshakutuka futhi nyika, nokuda kounhu nokuti kufunga kemoyo wounhu kakaipa kubva pavhutuku huhwe.Handitshalovha futhi, zwipenyu zwose sezwandakayeta. 22Mazuvha yose yenyika, kudzwala nokutsheka, nokutonhola, nokupisa, zwidla nemhepo masikati novhusiku hazwingagumi."
91Zwino Mwali ukakombolera Nowa navhanatukana vhavhe, akati kavhali, "Bebanani, muwande, muzaje nyika. 2Mhuka jose jenyika, nezwinyoni zwose zwanyezulu, zwitshakuhla nokukutshuwa zwose zwinokambayira pasi, nehovhe jose jegungwa.Zwika yesiwa mumavhoko enu.3Zwose zwinoenda zwipenyu zwitshavha zwokudla zwenu.Ndinomupa vho zwose, sezwandakamupa miti yegirini. 4Asi musadla nyama itshambovha novhupenyu-mumalopa ayo-mukati mayo.5Asi mulopa lenu, vhupenyu hwuli mulopa lenu, nditshalipeja.Kubva mumavhoko emhuka ndutsha lipija.Kubva muma vhoko uumwe noumwe unhu, ndizwo izwi, zwinobva muluvhoko goumwe waka vhulaya ukulu uwe, nditshatswaka vhupenyu hwenhu. 6Ani naani atuvhula malopa ounhu, malopa awe atshatevhugwa vho nounhu, nokuti Mwali ukayeta unhu noufananijo uwe. 7Asi imwi, bebanani muwande, bebani zwikugwane panyika muwande mukati mayo."8Zwino Mwali ukalevhereka na Nowa navhanatukana vhavhe vhaanga vhanaye, akati, 9"Semi, ingirai! Ndinoyeta sungano yangu imwe navhana vhenu vhanomutevhera, 10nezwipenyu zwose zwinemwi, zwinoti zwinyoni, nezwipfuwo, nemhuka jose jenyika jinemwi, zwose zwinobuda pa areka, nezwose zwinopira munyika.11Nditshaeta sungano yangu nemwi, zwose zwenyama hazwingapejiwi nevula yakawanda.Vula yakawanda hayingahovhapo futhi ipalaje nyika." 12Mwali ukati, Ndiyo sumbijo ye sungano yandinoyeta pakati pangu nemwei nezwipenyu zwose zwinemwi, kuswikira paluji gunotevhera. 13Ndinoesa ulalavhungu wangu mugole, kuti ivhe sumbijo yesungano pakati pangu nenyika.14Zwino nditshati kana ndikavhuisa gole panezulu penyika ulalavhungu uyu ukavhoneka mugole, 15kana ndiri imi handinga kangamwi ulanga wandika sunga, pakati pangu nemwi napakati pezwipenyu zwose zwenyama.Vula hayingahovhi inji futhi kuti ipalaje zwose zwenyama.16Ulalavhungu utshangaulipo kuma kole nditshavhona, kuti ndilangalire sungano isingaperi pakati pa Mwali nezwipenyu zwose zwenyama zwiri panyika." 17Zwino Mwali ukati kuna Nowa, "Ndiyo sumbijo yesungano yandakayeta pakati pangu nezwose zwenyama zwiri panyika."18Vhanatukana vha Nowa vhakabuda muareka ndivha Shemu, Hamu, na Jafeti.Hamu ndiye bhabha vha Kanani. 19Havha vhatatu vdivho vhana vhavhatukana vha Nowa, nyika yose yakazala.20Nowa ukatanga kuvha ulimi, akalima minda womuzambiringa. 21Ukamwa waini akadhakwa.Ukavhata asina kufuka ali mudhende.22Zwino Hamu, bhabha vha Kenani, ukavhona kusasimira kabhabha vhavhe akavhuja vhakulu vhavhe vhavhiri. 23Yapo Shemu na Jafeti vhakatola nhumbi vhakaiesa pamapfuji avho, vhakaenda netshasule vhakafukijira kusasimira kabhabha vhavho.Kumeso kavho kanga kukatalira tungo, vhakasavhona kusasimira kabhabha vhavho.24Zwino Nowa ukakambunuma pawaini iye, akazivha zwaakaetegwa nemwana tukana uwe utuku. 25Zwino ukati, "Kenani ngaatukwe.Utshavha ulanda wavhalanda kuvhakugwane vhavhe."26Ukati, "Yahweh, Mwali wa Shemu, ngakujiwe, Kenani ngaavhe ulanda uwe. 27Mwali ngakulise Jafeti, ngagale mumadhende a Shemu.Kenani ngaavhe ulanda uwe."28Nowa ukagala sule kevula yakawanda, makole ana mazana matatu namakumi mashanu. 29Mazuvha ose a Nowa anga ali makole mazana mashanu namana namakumi mashanu, akahofa.
101Ndiwo maluji avhanatukana vha Noa, na Shemu, na Hamu, na Jafeti. Ivho vhakabehwegwa vhana sule kevula inji.2Navhanatukana vha Jafeti ndivho Gomeru, na Magogi,na Madhai, na Javani, na Tubhani, na Misheki, na Tirasi. 3Vhanatukana vha Gomera ndivho Ashikenazi, Rifati, na Togarima. 4Vhanatukanaka vha Javani ndivho Elisha, Tashisi, Kitimi , na Dhodhanima. 5Kavhali kakabva vhezwivhi zwakapalalira, ivho vhanatukana vha Jafeti munyika, javho umwe noumwe nolulimi gugwe, nemhuli iye muluji gwavho.6Vhanatukana vha Hamu ndivho Kushi, na Miziraimu, na Puti, na Kenani. 7Vhanatukana vha Kushi ndivho Sebha, na Havila, na Sabhata, na Rama, na Sabhuteka.Na vhanatukana vha Rama ndivho Sheba na Dhedhani.10Kushi wakabeba Nimurodhi, ndiye wakatanga kuvha nesimba panyika. 9Wanga ali mungumba hugwane pandda pa Yahweh. Nayezwo vhanoti, " Sa Nimurodhi, mungumba hungwane pandda pa Yahweh." 8Vhushe huhwe hwakatanga pa Bhabheri, Uruki, Akkadi, na Kalneh, panyika ye Shinari.11Wakabuda kunyika iyo wakaenda Asiria, akavhaka Ninivi, le Rohobhothi Iri, Kalah, 12ne Reseni, pakati pe Ninivi ne Kalah.Iri mu dhorobho hugwane. 13Miziraimu bhabha vha Rudhi, navha Anami, navha Rehabhi, navha Nafituhimu, 14navha Paturusi, navha Kasiruhu (vha Firisitia vhakabva), kavhali navha Kafutori.15Kenani bhabha Sidhoni, danje lire, na Heti, 16navha Jebhusi, navha Ariki, navha Girigashi, 17navha Hivi, navha Ariki, navha Sini, 18navha Arivadhi, navha Zemari, navha Hamati, sule kaivha nemhuli javha Kenani jakapalalira.19Uganhu wavha Kenani wakatanga pa Sidhoni, ukaenda Gerari, ukaswika Gaza, ukaenda Sodhomu, ne Gomora, ne Adhamu, na Zibhoimu akaswika pa Rasha. 20Ndivho vhanatukana vha Hamu, mhuli javho, ndimi javha munyika javho, neluji gwavho.21Naiye Shemu, bhabha vhavhana vhose vha Ebheru ukulu wa Jafeti.Wakabebegwa vhana. 22Vhanatukana vha Shemu ndivho Eramu, naAsheri, naAripakishadhi, na Ludi, na Aramu. 23Vhanatukana vha Aramu ndivho Uzi, na Hul, na Gether na Meshechi.24Alipakishadhi bhabha vha Shera, na Shelah bhabha vha Eber. 25Eber wakabeba vhanatukana vhavhiri.Zina loumwe langa liri Pelegi, nokuti pamazuvha awe nyika yaka ganhugwa.Zina lounukuna uwe langa liri Jokitani.26Jokitani akavha bhabha vha Almodadi, Shelephi, Hazarmaveth, Jerah, 27Hadhoramu, Uzal, Diklah, 28Obal, Abimael, Sheba, 29Ophiri, Havilah, na Jobabu.Avha vhose vhali vhanatukana vha Jokitani.30Kavhakagala ndiko kubva pa Mesha, kuenda Sephar, kutavha yokuma bvazuvha. 31Ndivho vhanatukana vha Shemu, mhuli javho ne ndimi javho, munyika javho, neluji gwavho.32Ndijo mhuli javhanatukana vha Noa,nengumba javho, neluji gwavho.Kavhali kakabva luji gose gwakapalalira sule kevula inji.
111Iyezwino nyika yose yaka shumisa lulevho lumwepeji kuthi namavhala afanane. 2Vhakati vhatshifulukira mabvazuvha, vhakawana bani munyika ye Shinari vhakagalapo.3Vhakavhujana vhatshiti, "Vhuyani, ndatiete zwidhina tizwipise vhukhuma."Zwidhina zwakavha mahwe ne bitumini lakavha madaga avho. 4Vhakati, "Vhuyani, ngatizwivhakire dorobho lineluswinga gune usolo unoswika nyezulu, tizwimusire ukulumbira.Kuti tirege, kupalalira panyika jose futhi ngatitume zina ledu isu kana tisinga eti sezwo titshapalira panyika jose."5Zwino Yahweh wakavhuya kundo vhona dorobho neswinga laka vhakwa navhatevheri vha Adamu. 6Yahweh wakati, "Talirani, havhavhanu unhu umwepeji nolulevho lumwapeji, futhi vhali kutoma kueta hezwi! Zwino hakusisina tshinu tshavhangada kuyeta pavhali. 7Vhuyani, tijikitire kuno vhapambanisa lulevho gwavho iyapo, kuti vhalege kuhwisisana kana vholevhereka."8Yahweh ukavhapalajira iyapo akavhalaijira panyika jose vhakalega kuvhaka dorobho yavho. 9Nayezwo, vhakalitumija Bhabheli, nokuti iyapo Yahweh wakavha pesanisa lulimi gwenyika yose yahweh akavhapalajira iyapo vhakaenda kunyika jose.10Ndiwo maluji aShemu.Shemu anga ane makole anezana, Ariphaxad akavha bhabha vhavhe makole mavhiri vula yakawanda yapinda. 11Wakati abeba ali pakishadhi akagala makole ane mazana mashanu abehwa futhi akavha bhabha vha Ariphaxad.Akadovha akavha bhabha vhavhanatukana vhavhiri na vhanasikana vhavhiri.12Aripakishadhi wakagala makole ana makumi matatu namashanu, akabeba Shelah. 13Ariphaxad wakagala makole mazana mana namatatu akavha bhabha vha Shela.Akavha bhabha wavhatukana navhasikana.14Tshikati Shela agala makole makumi matatu, ukavha bhabha vha Ebheru. 15Shela wakagala makole mazana mana namatatu akabeba Ebheru.Akavha bhabha vhavhanatukana na vhanasikana.16Abheru wakagala makole ana makumi matatu namana, akavha bhabha vha Peregi. 17Ebheru wakagala makole mazana mana namakumi matatu akavha bhabha vha Peregi.Akovha bhabha vhavhana sikana navhana tukana18Tshikati Pelegi agala makole makumi matatu, wakahovha bhabha vha Reu. 19Pelegi wagala makole mazana mavhiri neshanu nana akavha bhabha vha Reu.Futhi vhakahovha bhabha vhavhatukana na vhanasikana.20Tshikati Reu agala makole makumi matatu namavhiri, wakavha bhabh vha Serugi. 21Reu wagala makole mazana mavhiri nama shanu nambiri akahovha bhabha vha Serugi.Futhi akavha bhabha vhavhanasikana navhana tukana.22Serugi wakagala makole makumi matatu, akavha bhabha vha Nahor. 23Serugi wakagala makole mazana mavhiri akavha bhabha vha Nahor.Akavha bhabha vhavha tukana navhasikana.24Nahor wakagala makole makumi mavhiri na shanu namana, akavha bhabha vha Terah. 25Nahor wakagala makole 119 ali bhabha vha Terah.Akavha bhabha vhavhatukana navhasikana. 26Sule Terah agala makole makumi mashanu namavhiri, wakavha bhabha vha Abhurahama, Nahor, na Harani.27Zwino vhanga vhali vheluji gwa Terah.Terah akavha bhabha vha Abhurahama, Nahor,na Harani, na Harani akavha bhabha vha Loti. 28Haran wakafa bhabha vhavhe Terah vhalipo munyika yaaka behwegwa, pa Uri yavha Chaldeans.29Abhurahama na Nahor vhakazwiwanira vhakaji.Zina loukaji wa Abhurahama wayihwi Sarah ne zina loukaji wa Nahor wayihwi Milkah, mwanasikana wa Harani, vhanga vhali bhabha vha Milkah na Iskah. 30Zwino Sarah anga asinga bebi; asina mwana.31Terah akatola mwanatukana uwe Abhurahama, Lot wakatola mwana wemwana uwe Harani, na Sarah ukaji wemwana uwe, vhaka fuluka kubva Uri iri mu Chaideans, vhaka yenda munyika ye Kenani.Asi vhaka vhuya ka Harani vhakagalako. 32Terah wakagala makole mazana mavhiri nama shanu akafira mu Harani.
121Nayezwo Hahweh wakati kuna Abhurahama, "Ibva panyika iyo, nehama jijo, nejinja labhabha vhavho, uyende kunyika yanditshakusumbija. 2Nditshakueta luji lukugwane, nditshakuporofita, nditshakuja zina liro, iwe ulopafaje. 3Nditshakombolera ivho vhanokukombolera, asi unokutuka nditshautukavho.Maluji ose enyika atshakombolegwa mauli."4Nayezwo Abhurahama wakaenda, samavhujigo akaehwa na Mwali, na Loti wakaenda naye.Abhurahama anga anemakole makumi mashanu namavhiri namashanu pakubva kuke Harani. 5Abhurahama akatola Sarai, ukaji , wa Loti, nemwana wounukuna uwe, nefuma yavho yose yanga yavhunganijiwa, navhana vhavhaenga vhabeba pa Harani.Vhakabva vhakaenda kunyika ye Kenani, vhakandoswika kunyika ye Kenani.6Abhurahama akadambulija nomunyi iyeyo akaswika panyika inohwi Shekemu, pauti wouoki we More.Tshikhathi iyetsho vhomu Khenani vhanga vhali iyomo. 7Nayezwo Yahweh wakazwisumbija kuna Abhurahama, akati, "Nditshapa vhana vhavho nyika iyeyi."Ukavhakira Yahweh aritari iyapo, iye anga akazwisumbija kaali.8Akabva iyapo akaenda kunyika yanezulu yokuma bvazuvha ebhetiri, akajikapo thende lire Bheteri langa liri kumabvazuvha ne Alithari ya Yahweh kunyika iyeyo yaihwi Yahweh. 9Kubva iyapo Abhurahama wakalamba, atshifulukira kumavhirira.10Nayezwo zala yanga irilo panyika iyeyo.Abhurahama akajikitura ijipita kundogalako, nokuti zala yanga iri hungwane panyika iyeyo. 11Zwino akati oda kupinda Ijipita, akati kuna Sarai ukaji uwe, "Talira, ndinozivha kuti uli ukaji wakanaka. 12Kana vhaliku Ijipita vhatshikuvhona vhatshati, ndiye ukaji uwe, vhatshandivhulaya, asi iwe vhatsha kulega uli upenyu. 13Uti izwo uli zwaji yangu, kuti ndietegwe zwakanaka nokuds kuko, kuti mwiya wangu ulalame nokuda kuko."14Nayezwo Abhurahama atshiswika Ijipita, Ijipita vhakavhona Sarai akanaka tshayiko. 15Vhalume vha Farawo vhakauvhona, vhakandoulumbija kuna Farawo, ukaji wakatogwa akasiwa mungumba ya Farawo. 16Akaeera Abhurahama zwanaka nokuda kuke, anga ane makwayi, nengombe, nembohojedongi, navhalanda, navhalandakaji, namadongi etshinhukaji, nama khamera.17Asi Yahweh wakatambuja Farawo nevhengumba iye namatambujiko makugwane nokuda ka Sarai, ukaji wa Abhurahama. 18Farawo wakadana Abhurahama, futhi akati, "Tshini iyetshi tshawakandietera?Wakalegereni kundivhuja kuti ukaji uwo? 19Wakalevhereni kuti, 'Iyazwaji yangu,' nayezwo ndakautola kuti avhe ukaji wangu?Nayezwo koyo?Ukaji uwo.Uyende naye." 20Zwino Farawo wakalayijira vhamwe vha nhulume panezulu pape, vhakau perekeja, iye noukaji uwe ne zwose zwaanga anazwo.
131Zwino Abhurahama wakakwira kubva Ijiphitha akayenda Negivi, iye noukaji uwe, nezwose zwaanga anazwo.Lothi naiye akayenda navho. 2Zwino Abhurahama anga afuma tshayiko pazwipfuwo, nesiliva, ne ndalama.3Akayenda gwendo gugwe kubva Negivi kuswika Bhetheli, kuswika pabhulege yanga ine ndende lire pokutanga, pakati pa Bhetheli na Ayi. 4Wakayenda kubhulege ye Althar yanga akayetapo pokutanga.Akarabhira zina la Yahweh yapo.5Zwino Lothi, iye wayiyenda na Abhurahama, anga ana makwayi, nengombe, nemandende. 6Nyika isinga lingani kuti vhagalepo vhose vhalivhavhiri panhu pamwepeji, nokuti fuma yavho yanga ikawanda ngamada, zwokuti vhanga vhasingagali pamwepeji. 7Futhi panga pane kukanijana pakati pevhalisa vhezwipfuwo zwa Abhurahama nevhalisa vhezwipfuwo zwa Lothi.Vha Khenani ne vha Perezi vhanga vhagere panyika yeyo patshikhathi yetsho.8Zwino Abhurahama akati kuna Lothi, "Zwino khani ngayilege kubva pakati pangu newe, futhi napakati pevhalisa vhavho nevhalisa vhangu; nokuti pane zwose, tiri vhamwepeji. 9Asi nyika hayiri phada kuko naa?Pambanayi nemi.Kana ukayenda kulumose, imi nditshayenda kuludli.Kana ukayenda kaludli, imi nditshayenda kulumose."10Zwino Lothi akatalira nemeso awe pose, akavhona bani lose la Jorodani kuti langa line vula pose muzira kuyenda Zowah, seminda ya Yahweh, senyika ye Ijiphitha.Izwi zwakayeteka Yahweh asanhu apalaja Sodoma ne Gomora. 11Zwino Lothi akananga bani lose la Jorodani akayenda kumabvazuvha, futhi hama ne hama vhakapambana.12Abhurahama akagala kunyika ye Khenani, futhi Lothi akagala pamadorobho angaali mubani.Akasendejera ndende lire kuswika pa Sodoma. 13Zwino vhanhu vhe Sodoma vhanga vhakayipa vhayi khakhira Yahweh tshayiko tshayiko.14Yahweh akati ka Abhurahama atopambana na Lothi, "Talira pabhulege yaumire kumavhoja nyemba, kutshamembe, kuma bvazuvha, kumavhirira. 15Nyika yose younovhona, nditshakupa iyo navhana vhavho nokusingaperi.16Nditshayeta vhana vhavho buse lenyika kuti kana kune unhu anokona kuvhala buse lenyika, nevhana vhavho vhatshavha gwavho. 17Mulukayi, uyende vhulefu hwenyika nevhufupi hwayo, nokuti ndinokupa iyo." 18Zwino Abhurahama akamuluja ndende lire, futhi akandogala pamiti yemi oniki, iri mu Hebhuroni, futhi vhakavhaka althari ya Yahweh.
141Zwino nemazavha tsha Amraphel, ishe we Shinar, Arioch, laomeri, ishe we Ellasar, na Kedorlaomer, ishe we Elami, na Tidal, ishe we Goyim, 2wakagwa na Bera, ishe wa Sodoma, na Birsha, ishe we Gomorah, na Shinab, ishe we Admahi, na Shemeber, ishe we Zeboyim, ishe we Bela (linohwi vho Zoari).3Avha vhose vhakasangana muupata we Siddim (ndiro gungwa lo munyu). 4Vhakanga vhavha vhalanda vha Kedorlaomer, asi laomeri makole ane gumi namavhiri vhatshiluvha negole legumi namatatu vhaka umukira. 5Yapo Kedorlaomer wakavhuya negole legumi namanna, namajishe akanga anawo akakunda vha Refaimi pa Ashiteroth Karnaim, navha zuzimi pa Hama, navha Emites Shaveh Kiriathaim, 6navha Horitie patshikwara tshe Seir, kuswika pa El Parani, paduze nepalupale.7Vhakajoka vhakaswika En Mishpat( linohwivho Kadesh), vhakakunda nyika yose yavha Amalekites, navha Amorites vhanga vhagere pa Hazezon Tamar. 8Zwino ishe we Sodomu, ishe we Gomorrah, ishe we Adamah, ishe we Zeboyim, na ishe we Bela (litshihwi vho Zoar) vhakabva vhakagajira hondo kugwa navho paupata we Siddim 9kuti vhagwe na Kedorlaomer, ishe we Elam, na Tidal, ishe we Goyim, na Amraphel, ishe we Shinar, na Arioch, ishe we Ellasar; majishe mana pazezulu pemazishe mashanu.10Zwino ubati we Siddim yanga izere namakomba, anebitumini majishe e Sodoma ne Gomora vhakatiza, vhakawiramo.Vhakasala vhakatizira kutavha. 11Ishe akatola lufuma gose gwe Sodoma ne Gomora netshikafu tshavho tshose, vhakaenda. 12Vhakatola vho Lot, nomwanawotukana wounukuna wa Abhurahama, wanga agere pa Sodoma, nefuma iye vhakaenda.13Zwino umwe wanga apunyuka akaswika akavhuja Abhurahama mutshi Hebru.Iye anga agere pamiti yemiouki ya Mamre, mu Amorite, unukuna wa Eshikol na Aneri, avha kanga vhaeta sungano na Abhurahama. 14Zwino Abhurahama wakati atshihwa kuti hama iye yakatubiwa, akalayijira vhalume vhavhe vhanga vhagudisiwa kugwa vhakabehwa pangumba iye, vhana mazana matatu akavhatevhera kuswikira pa Dani.15Akakanula vhagwi vhavhe vhukisu, iye navhalanda vhavhe akavhakunda, akavhatevherera kuswika pa Hobah, liri kuludli gwe galanga ke Damascus. 16Akajosa fuma yose, akajosa vho loti hama iye nefuma, iye navhakaji vho navhanhu.17Yapo Abhurahama ishe we Sodoma akabva kundosangana naye, pakuvhulaya Kedorlaomer namajishe akanga anavho paupata we Shaveh (ndiwo Upata wa Ishe). 18Melchizedek, ishe we Salem, akavhuya nevhuroto newaini.Iye anga ali upirisiti wa Mwali wokumakole Zezulu.19Akaulopafaja akati, "Abhurahama ngaalopafajiwe na Mwali wokumakole Nyezulu, mwene wokumakole na pasi. 20Mwali wakumakole Nyezulu, ngakujiwe wakapa vhavhengi vhenu mumavhoko enu."Zwino Abhurahama akaupa tshikamu tshegumi tshezwose.21Zwino ishe we Sodoma akati kuna Abhurahama, "Ndipe vhanhu, iwe utole izwo lufumo." 22Abhurahama akati kuna ishe we Sodoma, "Ndakamulujira luvhoko gwangu kuna Yahweh, Mwali Wokumakole, Wakasika pasi na nyezulu, 23kuti handingatoli ludali, kana lutambo ngwe katula, kana tshinhu tshimepeji tshezwinhu zwenu, kuti mulege woti, 'Ndimi ndakafumisa Abhurahama.' 24Imi handidi zwangu asi zwakadliwa navhatukana vhoga noukovhe wavhanhu vhakaenda nemi.Navhana Aneli, Eshikoli, na Mamre ngavhatole nhaka yavho."
151Sule kayezwo mhungo la Yahweh lakaswika kuna Abhurahama pane zwaakasumbijiwa, litshiti, "Usahla, Abhurahama!Imi ndiri nhovho iyo no ubayira uwo ukugwane kugwane." 2Ahurahama akati, "Ishe Yahweh, mutshandipeni, kubva zwangu ndisina mwana, utshavha udli wenhaka yengumba yangu ndi Eliezer we Dhamasiko kanhi?" 3Abhurahama akati, "Kubva hamuna kundipa, hoyu ukabehwegwa mungumba yangu ndiye utshavha udli wenhaka yangu!"4Zwino, talirai, bungo la Yahweh lakazwika kaali, litshiti, "Hoyu hangavhi udli wenhaka iyo, asi hoyo utshabuda paumbiri uwo ndiye utshavha udli wenhaka iyo." 5Zwino ukaubudisa paze, akati, "Talirayi kumakole, uvhale nyereji, kana utshikona kujivhala."Zwino iye akati kaali, "Ndizwo zwitshayeta vhana vhavho."6Iye ukatenda Yahweh, akauti ndiko kululama kuke. 7Iye akati kaali, "Ndimi Yahweh, wakamubudisa panyika ye Uri yavha Karadhea, kuti ndikupe nyika heyi ivhe nhaka iyo." 8Iye akati, "Ishe Yahweh, nditshazivha seni kuti itshavha nhaka yangu?"9Zwino akati kaali, "Munditolereni tokazi inamakole matatu, ne mbuji yemambala inamakole matatu, negondohwe linamakole matatu, nejivha ne mwana wenjivha." 10Ukandoutolera iyezwo zwose, ukazwipemula akazwiyeta zwivhiri, akagajika lumwe lutivhi gukatalana nolumwe, asi zwinyoni haana kuzwi pemula. 11Iyapo magola akajikita kunyama, Abhurahama ukaatatira kule.12Zwino zuvha likati lavhira, Abhurahama nokubatigwa ne hope futi, talirai, akawigwa nokuhla kukabva paswiswi gugwane. 13Zwino Yahweh ukati kuna Abhurahama, "Uzivhe tshayiko kuti vhana vhavho vhatshavha vhatogwa munyika isi iyo, vhatshavha vhalanda vhavho vhatshatambujiwa makole anamazana mavhiri.14Iminditshatonga luji hogo gwavhatsha shumira,kubvaiyapon vhatsha budapo nefuma yakawanda. 15Asi iwe utshayenda kuna bhabha vhavho nolugale,utshavhigwa watshembera tshayiko. 16Paluji gwetshina gutshajokera futi, nokuti kusalumama kavha Amon hakanhu kazala."17Zwino zuva likati lavhira kaswiba, tanyirani, moto unopfungayira nevhivhi lemotho zwakavhoneka zwitshipinda napakati penhindi iyejo jenyama. 18Nezuvha yero yawe ukayeta sungano na Abram, atshiti,"kuvhana vhavho ndakavhapa nyika yeyi,kubva pagwizi gwa Egipita ku swika kugwizi likugwane, Yafuratesi_ vhakeni, 19navha kenizi, navha Kadhimoni," 20navha Heti, navha Perezi, navha Refaini, 21navha Amori, navha kenani, navha Girigashi, navha Jebhusi."
161Zwino Sarayi, ukaji wa Abhurahama, wanga asinga ubeberi vhana, iye anga ane ulanda kaji, mu Ijipitha, wayihwi Hagari. 2Sarayi wakati kuna Abhurahama, "Talirayi, Yahweh wakandikonesa kubeba.Pindayi izwo kuulanda kaji wangu. Zwimwe ndinga wana vhana naye."Abhurahama waka ingirisa bungo la Sara. 3Zwino Sara ukaji wa Abhurahama wakatola Hagari Uijipitha ulandakaji uwe, Abhurahama zwino wanga agala makole gumi panyika ye Kenani.Ulume uwe kuti avhe ukaji uwe. 4Wakapinda kuna Hagari, akatola tumbu.Zwino wakati avhona kuti wavha netumbu, akasola vhatenzi vhavhe.5Yapo Sara ukati kuna Abhurahama, "Kukanganisa kangu ngakuvhe panyezulu papo. Ndimi ndakapa ulandakaji wangu patshi fuvha tshitsho, zwino iye wakati avhona kuti wavha netumbu, wakandisola.Yahweh nga tonge pakati pangu newe." 6Asi Abhurahama akati kuna Sara, "Talirai, ulandakaji uwo uli paluvhoko gugo, uyetere sezwaunoda."Zwino Sara wakau tswenya, akatiza.7Utumwa wa Yahweh waka uwana patshisenya tshevula mubani, patshisenya tshiri pazira inoyenda Shuri. 8Ukati, "Nandi Hagari, ulandakaji wa Sara, wabvapi ende unoyendapi?"Iye akati, "Ndinotiza vhatezi vhangu Sara."9Utumwa wa Yahweh wakati kaali, "Jokera kuna vhatenzi vhavho, uzwitukupise pasi pape." 10Utumwa wa Yahweh akati kaali, "Nditshawandisa vhana vhanho, vhalege kuvhalika nokuwanda kavho."11Utumwa wa Yahweh ukativho kaali, "Talira, wavha netumbu utshabeba mwana tukana, utumije zina Ishimael, nokuti Yahweh wakahwa kutambula kuko. 12Iye utshavha sedongi pakati pavhanhu.Utshagwa navhanhu vhose, navhanhu vhose vhatshagwa naye, utshagala akalirisana nehama jije jose."13Hagari ukatumija Yahweh waka zuwirana naye zina linohwi, "Ndimi Mwali anovhona," nokuti wakati, "Zwinhu kazwo ndavhona pano ayenda, iye unondivhona?" 14Nayezwo tshisenya itsho tshaka tumijiwa Bheeri Lahai Roi; talira, tshisenya tshaiye upenyu unovhona tshiri pakati pe Kadheshi ne Bheredhi.15Hagari ukabebera Abhurahama mwanatukana, Abhurahama ukatumija mwanatukana uwe, ukabebegwa na Hagari zina, linohwi Ishimael. 16Abhurahama wanga ana makole makumi mashanu namavhiri namashanu nalimwe Hagari atshimubebera Ishimaeli.
171Abhurahama wakati aswika makole makumi mashanu namanna, Yahweh ukazwisumbija kuna Abhurahama ukati kaali, "Ndimi Mwali wamasimba ose.Endani phanda kangu, uvhe wakalulama. 2Nditshaeta usangano wangu pakati pangu newe, nditshakujumba tshaizwo."3Yapo Abhurahama ukawira pasi nokumeso kuke Mwali akalevhereka naye, akati, 4"Kana ndirimi, talira, sungano yangu newe, utshavha bhabha vholuji lunji lunji. 5Zina liro halitshahwi Abhurahama, asi zina liro litshahwi Abhurahama-nokuti ndakakueta bhabha vholuji lunji lunji. 6Nditshakubebisa vhana vhanji vhanji, nditshakueta luji, namazishe atshabva kauli.7Nditshakwatisa sungano yangu pakati pangu newe, navhana vhavho vhanokutevhera paluji gwavho kuti ivhe sungano isingaperi, nditshavha Mwali uwo unokutevhera. 8Nditshakupa iwe, navhana vhavho vhanokutevhera, nyika yauli utogwa iwe nyika ye Kenani, yose kuti ivhe iyo nokusingaperi, imi nditshavha Mwali uwo."9Mwali ukativho kuna Abhurahama, "Kana uli iwe, tshengeta sungano yangu, iwe navhana vhavho vhanokutevhera paluji gwavho gose. 10Ndiyo sungano yangu, yamunofanira kutshengeta, pakati pangu nemwi : Navhana vhavho vhanokutevhera vhanatukana vhose pakati penu ngavha pfumbisiwe. 11Mapfumbisiwe panyama yetshikanda tshenu, tshaphanda kuti tshivhe tshisumbijo tshesungano iri pakati pangu newe.12Mwanatukana ane mazuvha mashanu namatatu ngapfumbisiwe utukana, umwe noumwe paluji gwenu.Kana akabehwa mungumba kana akatengwa nemali kuvhawanikwa vhapiyo navha piyo vhasanu vhali vhavhana vhavho. 13Wakabhehwegwa mungumba mumo noukatengwa nemali vhanofanira kupfumbisiwa.Pa sungano yangu ivhe panyama yenu ivhe pasungano isingaperi. 14Unhulume asina kupfumbisiwa panyama yetshikanda tshitshe tshaphanda unhu ukadlali unofanira kubvisiwa pakati poluji gugwe.Ukaputsha sungano yangu."15Mwali ukativho kuna Abhurahama, "Kana ali Sara ukaji uwo, haufaniri kutumija zina linohwi Sara.Asi, zina lire litshahwi Sara. 16Nditsha ukombolera iye, ndikupe mwana tukana kaali.Nditsha ukombolera iye, kuti avhe mayi vheluji.Majishe avhanhu atshabva maali."17Yapo Abhurahama wakawira pasi nokumeso kuke, akaseka, akati mumoyo mume, "Kana unhu ana makole ane zana utshabhebegwa mwana na ? Na Sara, wavho namakole ana makumi mashanu namanna, anga beba mwana na?" 18Abhurahama ukati kuna Mwali, "Ishimaeli atshipira izwe phanda penu!"19Mwali ukati kaali, "Hayi, asi Sara ukaji uwo ndiye utshakubebera mwana uwo utukana, unofanira kutumija zina linohwi Isaka.Nditshayeta sungano yangu naye ivhe sungano isingaperi pakati pavhana vhavhe vhanoutevhera. 20Kana ali Ishimayeli, ndakahwavho.Talira, ndakakombolera nditshakubebera vhana vhanji nokumuwandisa tshaizwo.Utshabeba mazishe ane gumi namavhiri, nditshauyeta luji lukugwane. 21Asi sungano yangu nditshaikwatisa na Isaka, utshabebegwa na Sara netshikati tshitshe gole linotevhera."22Ukapeje kulevhereka naye, Mwali akakwira atshibva kuna Abhurahama. 23Yapo Abhurahama wakatola mwanawoutukana wa Ishimael, navhose vhakatengwa nemali iye, unhulume umwe noumwe kuvhanhu vhanga vhali pangumba ya Abhurahama, akavha pfumbisa zwikanda zwavho zwaphanda nousi iyoyo, sezwa akavhujiwa na Mwali.24Abhurahama wanga ane makole ane makumi mashanu namanna vhaka pfumbisiwa panyama yavho yezwikanda zwaphanda. 25Ishimaeli mwanatukana uwe wanga ane makole ane gumi namavhiri nejimwapeji usi wokutshekwa kuke. 26Nousi uyo Abhurahama ukapfumbisiwa pamwapeji na Ishimaeli mwanatukana uwe. 27Navhalume vhose vhengumba iye vhanga vhabebegwa mungumba mumo navhanga vhatengwa nemali kuvhawanikwa vhakapfumbisiwa pamwapeji naye.
181Zwino Yahweh wakazwisumbija kuna Abhurahama pamiti ye oaks ye Mamre, agere panyezulu pedhende masikati zuvha litshipisa. 2Wakamuluja meso awe, akatalira, akavhona vhalume vhatatu vhakamira vhakatalisana naye.Akati atshivhavhona, akabva paukovha wedhende akagidima kundosangana navho akakotamira pasi.3Wakati, "Ishe wangu, kana ndawama makombolero kamuli, musapinda zwenu paulanda wenu." 4Ngavhavhuye nevula nhukutuku, munguje soka jenu, mukozolola pasi pouti. 5Imi mditole tshipemu tshevhuroto, mukwathise moyo yenu.Mukopinda zwenu, ivho vhakati mukovhuya kuvhalanda vhenu." Vhakapindula vhakati, "Etani izwo sezwawalevha."6Abhurahama akatavhanyija kupinda mudhende kuna Sara, akati, "Kutavhanyija, ugajire zwiyero zwitatu zwovhupfu, hwakagaika usuke, ubike vhuroto vhusoma." 7Naiye Abhurahama wakagidima kungombe, akatola namana ine nyama yakapfavha yakanaka, akapa ulanda uwe, iye akatavhanyija kuigajira. 8Wakatola ukaka wakagega, noukaka nenamana yaanga agajira, akazwiesa pandda pavho, akamira navho pasi pouti vhakadla.9Ivho vhakati kaali, "Sara ukaji uwo ulipivho?"Iye wakapindula, "Iyapa, mudhende." 10Iye wakati, "Zwishuwa kana gole lapinda, nditshavhuya futi kamuli netshikati yetso, Sara ukaji uwo utshavha nomwamatukana."Zwino Sara wanga atshiingira ali paukovha, wedhende sule kuke.11Zwino Abhurahama na Sara vhanga vhakegula, vhavha namakole manji, noutoo wavhakaji wanga watoguma kuna Sara zwokuti unhu kakwanisi kubeba vhana. 12Sara wakaseka mumoyo uwe, akati, "Imi ndingazwifalira naa zwandatshembera, naiye mwali wangu wakegula vho?"13Yahweh wakati kuna Abhurahama, "Sar wasekereni vho atshiti, 'Khati imi utshembere nditshabeba mwana, zwovhukuma naa'? 14Kune tshinhu tshingakunda Yahweh?Tshikati tshinegole lapinda, nditshajokera kauli.Zwetshi khati yetsho pagole linovhuya Sara utshavha nomwanatukana." 15Asi Sara wakalamba atshiti, "Handina kuseka," nokuti wanga atshihla.Iye akati, "Hazwo waseka izwo."16Zwino vheya vhalume vhamuluka vhakabva iyapo vhakatalira Sodoma.Abhurahama wakaenda navho atshivhaperekeja. 17Zwino Yahweh wakati, "Nditshajumbira Abhurahama zwandinoeta, 18Abhurahama zwaavha luji lukugwane gunesimba, neluji gose gwenyika jitshakombolegwa maali? 19Nokuti ndakamupambanisa kuti vhalaire vhana vhavhe navhengumba iye vhano utevhera kuti vhatshengete zira ya Yahweh, vhaete zwavhudi nezwakanaka, kuti Yahweh avhuyise panyezulu pa Abhurahama izwo zwavhakalevha panyezulu pape."20Iyapo Yahweh wakati, "Nokuti kudavhijira ke Sodoma ne Gomora kukugwane, vhukuma zwivhi zwavho zwakaipa bhati, 21nditshajikita zwino kuti ndivhone izwo zwavhayeta kana zwakafanana nokudavhijira kavho kakaswika kandiri, kana zwisina .Kudlalo, nditshazwizivha."22Zwino vheya vhalume vhakabva, vhakaenda Sodoma, asi Abhurahama wakalamba akamira pandda pa Yahweh. 23Zwino Abhurahama wakasedera akati, "Mutshapalaja vhakanaka pamwepeji navha kaipa?24Zwimwe vhangavhapo vhakanaka vhana makumi mashanu mudhorobho.Mutshapalaja bhulege iyo mukaihwira vhulombo nokuda kavhakanaka vhana makumi mashanu vhalimo? 25Ngazwivhe kule nemi kueta kudlalo, kuvhulaya vhakanaka pamwepeji navhakaipa, kuti vhakanaka vhavhe savhakaipa.Ngazwivhe kule nemi utongi wenyika yose havhangaeti zwakanaka?" 26Iyapo Yahweh wakati, "Kana ndikawana mu Sodomu vhakanaka vhana makumi mashanu mukati medhorobho, nditshahwira bhulege yose vhusiwana nokuda kavho."27Abhurahama wakapindula wakati, "Talirani zwino, ndashinga kulevhereka na Ishe, imi guluvha namalota! 28Zwimwe kutshakoneka vhashanu kune vhakanaka? vhana vhashanu vhakakoniwa?"Wakati, "Handingalipalaji, kana ndikawana makumi mana navhashanu."29Wakalevhereka futi naye, akati, "Zwimwe kutshawanikamo makumi mana."Akapindula akati, "Handingazwiyeti nokuda kamakumi mana." 30Wakati, "Yahweh ngaalege izwe kunditshamwira,Ishe, kana ndikalevhereka.Futi zwimwe vhana makumi matatu vhtsha wanikamo wakati handingazwieti kana ndikawana makumi matatu." 31Wakati, "Talirayi, ndakozerera kulevhereka na Ishe!Zwimwe vhana makumi mavhirimvhatshawanikamo."Akati, "'Handingapalaji nokuda kamakumi mavhiri."32Wakati, "Yahweh ndikalevhereka futi lumwepeji koga, zwimwe vhane gumi limwe loga vhangawanikamo."Akati, "Handingalipalaji nokuda kayiyavho vhane gumi." 33Iyapo Yahweh wakabva apeja kulevhereka na Abhurahama, na Abhurahama wakajokera kanyi kuke.
191Vhatumwa vhavhiri vhaka vhuya Sodom ngamadekwana, Lot wanga akagala pawukovha wegede ye Sodom.Lot wakavhavhona akasangana navho, akatala pasi nekumeso kuke. 2Wakati, "Vhonani zwino, vhakugwane vhangu, tshipamukirani zwenu kungumba youlanda wenu, muvhate vhusiku hose, musukuluje soka jenu.Mukohofumira pagwendo gwenu."Ivho vhakati, "Hayi, titshavhata padhale vhusiku hwose," 3Asi wakavhaluvhirira zwimwevho, ikajimana yokonera kaali, wakapinda mungumba iye.Akagajirira tshilayiro, vhakadla.4Zwino vhasanu vhavhta, vhalume vhe dorobho, ivho vhalume vhe Sodomu, vhakomba ngumba ya vhakungwane nevhatuku, vhanhu vhose vhamativhi ose edorobho. 5Vhakadanijira Lot, vhakati kaali, "Vhalipi vhalume vhapinda mumba iyo vhusiku? Uvhabudisire kuze katiri, kwuetera kuti tivhazivhe."6Lot wakabuda akaenda kavhali kuukovha akavula ukovha sule kuke. 7Wakati, "Ndinomuluvhirira imwi, hama jangu, legani kuyeta zwakaipa. 8Talirani zwino, ndino vhanasikana vhavhiri vhasina kuzivha ulume.Legani ndivhabudise kamuli, muvhaetere sezwamunoda.Asi vhalume havha musavhaetera tshinhu, nokuti ndizwo zwavhaka pindira mubvuli wanyezulu kangu."9Ivho vhakati, "Ibvayi sule!" Vhakati, "Unhu hoyu ukavhuya kuno gala pano ali utogwa, iyezwino oda kuvha utongi! Zwino titshaetera zwakaipa iwe kupinda ivho."Vhaka manikija ulume hoyo, Lot, vhaka sedera vhaka kurumija voti.10Asi vhalume vhatambanuja mavhoko avho vhakadosera Lot mungumba mavhavhali vhaka vala ukovha. 11Vhaka uyeta bofu mavhanga vhali panyezulu, vhatuku navha kugwane, vhakazwi tshwenya vhatshi tshwaka ukovha.12Vhalume vhakati kuna Lot, "Una vhamwe pano na? Kana una vhanasikana kana vhanatukana vhavho, kana navhose vhaunavho mudorobho, uvhabudise muno. 13Nokuti tavhakuda kupalaja vhugalo hohu, nokuti kudanijira kavho kukugwane kuna Yehweh iye wakatituma kupalaja dorobho."14Iyapo Lot akabuda akando levhereka navhakwasa vhavhe, vhanga vhatshiwana vhanasikana vhavhe, vhakati, "Tavhanyani, mumuluke ibvani iyapo, nokuti Yahweh utshapalaja dorobho."Asi vhakwasa vhayi vhona sevhayi swaswa. 15Tshikati kovhira kotsukira, vhatumwa vhaka kakavhajana na Lot, vhatshiti, "Muluka uyende, nowukaji uwo na vhanasikana vhavho vhavhiri vhalipano, kuetera kuti kana borobho lopalajiwa."16Asi vhakano noka.Vhakume vhaka bata luvhoko gugwe, noluvhoko gokaji uwe, mavhoko avhanasikana vhavhe vhavhiri, nokuti Yahweh wanga ane vhusiwana naye.Vhaka budisigwa kuze, ke dorobho. 17Zwino vhakati vhabudisa kuze, umwe akato, "Tiza nokuda ko vhupenyu huho! Usatalira sule kuko, kana kumira patshena. Tizira kutavha kuetera kuti usapalajiwa."18Lot wakati kavhali, "Hayi, shuwa, ishe wangu! 19Talirani zwino, ulanda wenu ukawana makombolero kamuli, makulisa vhusiwana hwenu hwamaka ndietera zwamandipirisa, asi handikoni kutizira kutavha, zwimwe zwakaipa zwndandiwana, ndikafa. 20Talirani, dorobho heri liri pedlo.Shuwa, nditizire zwangu iyoko iduku zwalo nditendereni kuti nditizire iyoko hakuhi iduku na?-mwiya wangu upire."21Iye wakati kaali, "Talira, ndakuhwira vhusiwana patshinu iyetsho, kuti handingapalaji dorobho iri lawalevha. 22Tavhanya ! Utizireko, nokuti handinga palaji tshinhu usanu waswika ko."'Naizwo zina ledorobho likahwi Zoali.23Zuvha langa latavha Lot atshiswika Zoari. 24Yahweh wakanisa panyezulu pe Sodhom ne Gomora safuri ne moto zwitshibva nyezulu kuna Yahweh. 25Wakapalaja madorobho iyawo, nebani lose, navhose vhanga vhagere mukati walo, na zwose zwanga zwamera pavu.26Mara ukaji wa Lot, wanga ali sule kuke, wakatala sule, akaeta tshiulu tshemunyu. 27Abhurahama wakamuka mangwanana akaenda iyoko kanga akamira panda ka Yahweh. 28Wakatalira kulutivhi gose gwe Sodhoma ne Gomora nokunyika jose jebani.Akavhona vhusi henyika iyeyo, hutshi kwira sovhusi hwetshivheso.29Zwino Mwali ukati atshipalaja madorobho ebani, Mwali akafunga Abhurahama.Akabudisa Lot pakati pokupalajiwa tshikati tshokupalajiwa madorobho iyawo manga mutshigala Lot.30Zwino Lot wakakwira atshibva mu Zoar akando gala mutavha navhanasikana vhavhe vhavhiri pamwepeji naye, nokuti wakahla kugala mu Zoar.Wakagala mubako, iye nevhanasikana vhavhe vhavhiri.31Danje likati kunoutuku, "Bhabha vhedu vhakegula, hakuna ulume panyika ino angapinda katiri notovho wenyika ino. 32Vhuyayi, timwise bhabha vhedu waini, tivhate navho, kuti titshengete luji nabhabha vhedu." 33Vhusiku iyoho vhakamwisa bhabha vhavho waini.Wedanje akapinda akando vhata na bhabha vhavhe; ivho bhabha vhavhe havhana kuzivha kuvhata pasi, kana kumuka kuke.34Fume namangwanani wedanje akati kuutuku, "Ingirayi, ndavhata nabhabha vhangu zulo vhusiku.Ngativhamwise waini vhusiku hanasi, ukondo vhata navho kuti utshengete luji nabhabha vhedu." 35Vhakavha mwisa waini bhabha vhavho vhusiku iyoho ,utuku akando vhata navho.Ivho havhana kuzivha kuvhata pasi kuke kana kumuka kuke.36Naiyezwo vhanasinaka vha Lot vhavhiri vhakavha netumbu kuna bhabha vhavho. 37Wokutoma ukabeba mwana woutukana, akatumija zina linohwi Moabhu.Kuswikira nanasi. 38Noutuku, wakabebavho mwana woutukana, akatumija zina linohwi Ben-Ammi.Ndivho bhabha vhana Amoni kuswikira nanasi.
201Nayezwo Abhurahama wakabvapo akaenda kunyika yapasi, akandogala pakati pe Kadheshi ne Shuri.Akavha utogwa mu Gerar. 2Abhurahama napanezulu pa Sarai ukaji uwe, "Iyazwaji yangu, "Abhimereki ishe we Gerar akatuma vhanhu kundotola Sarai. 3Asi Mwali wakavhuya kuna Abhimereki vhusiku muhope, "Akati kaali, "Talira, utshafa nokuda koukaji wawakatola, nokuti ukaji hoyu ane ulume."4Nayezwo Abhurahama wanga asina kuvhuya kavhali akati, "Ishe, mutshavhuya nolujigwaka lulamavho na? 5Iye haana kundivhuja nokuti, 'Iyazwaji yangu?' Naiye ukaji haana kuti iyazwaji yangu.' Ndakazwieta nemoyo wakalulama namavhoko akatshena."6Mwali akati pakulota, "Ndizwo, ndinozwizivha kuti wakaeta tshinhu itshi nomoyo wakalulama, ndikakujivhisa kuti ulege kundi tshinyira. Neyezwo handina kukutendera kuubata. 7Saka zwino josa ukaji woulume hoyu nokuti uporofit. Iye atshakurabhira, ulalame.Asi kana usingaujosi uzivhe kuti utshafa, panhu pamwepeji navhamwe vhavho."8Abhimereki akamuka mangwanana akadana vhalanda vhavhe vhose.Akavhavhuja zwinhu iyezwo zwose muzevhe javho, vhalume vhakatshenyuka zwimwevho. 9Iyapo Abhimereki akadana Abhurahama akati kavhali, "Tshini iyetshi tshinhu tshawatiete na?Imi ndakakutshinyireni, zwawavhuyisa mhaka hungwane panyezulu pangu?Napanyezulu pevhushe hwangu."10Abhumereki ukati kuna Abhurahama, "Wanga atshiti tshini zwaeta tshinhu iyetsho?" 11Abhurahama akati, "Nokuti ndakati, 'Shuwa havhahli Mwali panyika iyeyi, zwimwe vhatshandi vhulaya panezulu poukaji wangu. 12Nayezwo , shuwa iyazwaji yangu, ukunda wabhabha vhangu, asi haasi mwana wamai vhangu akahowanika nemi.13Nayezwo Mwali wakati atshindibudisa mungumba yabhabha vhangu kuti ndijungaire, ndikati kaali, 'Khetshi tshinhu tshakanaka tshaunofanira kundietera pose patinoswika, uti panhezulu pangu, "iyazwaji yangu."''' 14Abhimereki akatola makwayi ne ngombe, navhalanda navhalandakaji, akaupa Abhurahama.Sayezwo akaujosera Sarai ukaji uwe.15Abhumereki akati, "Tarirayi, nyika yangu iri papanda papo.Galayi izwo paunoda." 16Akati kuna Sara, "Talirayi, ndapaazwaji iyo mashekeri ema siliva ane tshiulu tshine zana.Tshitshavha tshifukijiro tshemeso awo navhose vhaunavho, walulamisiwa papandha pa vhose."17Abhurahama ukarabhira kuna Mwali, Mwali akapolesa Abhimereki, ukaji uwe, na vhalandakaji vhavhe vhakabeba vhana. 18Nokuti Yahweh wanga avalira zwibebo zwose zwevhengumba ya Abhimereki nokud ka Sara, ukaji wa Abhurahama.
211Yahweh wakavakatshira Sarah sezwaanga alevha kuti utshayeta , futhi Yahweh akayetera Sarah zwaanga avhuja. 2Sarah wakavhona paumbiri akabebera Abhurahama mwanatukana paukukegula kuke, netshikhathi yetsho tshanga tshalehwa na Mwali. 3Abhurahama akatumija mwanantukana, iye umwepeji anga abehwegwa iye, Saraha anga awubebera, Isaka. 4Abhurahama akafumbisa mwanantukana uwe Isaka anemazuvha mashanu namatatu, sezwaanga akalayijigwa na Mwali.5Abhurahama anga anamakole makumi egumi mwanatukana uwe Isaka atshibehwa. 6Sarah akati," Mwali wayeta kuti ndisekwe; umwe no umwe unozwihwa utshaseka nemi." 7Akadovha akati, "Ndiyani wayiti kuna Abhurahama kuti Sarah utshamamisavho vhana, futhi ndakawubebera mwanatukana pakukegula kuke!"8Mwana wakakula, akalumugwa, Abhurahama akayeta utambo ukugwane nezuvha laaka lumugwa Isaka. 9Sarah akavhona mwanatukana wa Hagau Ijiphithi, anga abehwegwa Abhurahama, atshiseka.10Zwino akati kuna Abhurahama, "Tatayi ubatiri wounhukaji nemwanatukana uwe, nokuti mwanatukana woubatiri hangadli nhaka ne mwanatukana wangu Isaka." 11Izwi zwinhu zwanga zwakayipa tshayiko kuna Abhurahama nukuda kemwanatukana uwe.12Asi Mwali akati Abhurahama, "Ngazwilege zwazwo kuvha zwakayipa kawuli nokuda komwanatukana wo ubatiri uwo.Igirayi mahwi a Sarah pose paano levhereka kawuli, nokuti luji gugo gutshatumijiwa na Isaka. 13Naiye mwanatukana woubatiri uwo nditshauyeta luji lukugwane, nokuti mwanatukana uwo."14Abhurahama akamuka mangwanana gwanana, akatola vhurotho netshikumbu tshe vula, akapa Haga, akayesa papfuji lire.Akaupa mwanatukana akawuyendesa kule.Akandojungayira mubani le Bherishebha. 15Zwino vula yemutshikumbu yapera, akaposa mwana pasi petshitaka. 16Zwino akayenda, akandogala pasi paduze naye, panoswika tshikhala tshokukanda usevhe, nokuti akati, "Legani ndilege kuvhona kufa ke mwanangu."Akati atshigala pakatalirana naye, akalira tshayiko.17Mwali akahwa ihwi lountukana, futhi utumwa wa Mwali akadanijira Haga kuze kumakole, futhi akati kaali, "Tshini tshakushupha, Haga?Usangodla, nokuti Mwali vhahwa ihwi loutukana kaali. 18Mulukayi, mulukayi untukana, utendere; nokuti nditshauyeta luji lukugwane."19Zwino Mwali akavula meso awe, futhi akavhona tshisenya tshevula.Akayenda akandozaja lukanda gugwe nevula akapa untukana akamwa. 20Mwali anga anountukana, futhi akakula.Akagala mubani akayeta usevhe. 21Wakagala mubani la Pharani, futhi mayi vhavhe wakauswakira ukaji wayigala kunyika ye Ijiphita.22Pakaswika tshikhathi yetsho Abhimeleki na Pikori ukugwane wavhagwi vhavhe akazuwa na Abhurahama, atshiti, "Mwali unewe pane zwose zwaunoyeta. 23Nayezwo ndinopikira yapa na Mwali kuti hawungandinyeperi imi, kana vhana vhangu, kana vhana vhavhanangu.Undisumbijire futhi nunyika yawanga utshigala seu togwa pamwepeji nekuhwira vhusiwana kondo yeta, nemi undiyeterevho seyezwo." 24Abhurahama akati, "Nditshapika."25Abhurahama wakatuka Abhumeleki nokuda ke Tshisenya tshakatogwa navhalanda vha Abhumeleki nesimba. 26Abhumeleki akati, "Handizivhi kuti ndiyani wakayeta zwinhu yezwi.Wakalega kundivhuja zwisanhu zwayeteka; ndandisanhu ndaka mbozwihwa kuswikira nasi." 27Zwino Abhurahama akatola makwayi ne ngombe akazwipa Abhumeleki, ivho vhavhiri vhakayeta sungano.28Zwino Abhurahama akakhetha zwimambala zwemakwayi zwishanu nambiri zwikayenda zwoga. 29Abhumeleki akati kuna Abhurahama, "Zwino levheni yezwi zwawatola zwimambala zwishanu nazwivhiri zwamakwayi zwikayenda zwoga?" 30Wakapindula, "Hezwi zwimambala zwishanu nazwivhiri utshazwiwana kubva kumavhoko angu, kuyetera kuti huvhe vhutanzi hwangu, kuti ndakatsha tshisenya."31Zwino akatumija bhulege yeyo Bherisheba, nokuti ndipo pavhakapika napo ivho vhavhiri. 32Nayezwo vhakayeta sungano pa Bherisheba, futhi Abhimeleki na Phikoli, ukungwane wevhagwi, vhakajokera kunyika yevha Phirisita.33Abhurahama akasima uti woutamarisiki pa Bherisheba.Iyapo wakarabhira Yahweh, Mwali wokusingaperi. 34Abhurahama wakalamba ali ubva kuze munyika yevha Phirisita zwemazuvha manji.
221Sule kaiyezwo Mwali aka yeja Abhurahama.Akati kaali, "Abhurahama!" Abhurahama akati, "Ndiri pano." 2Zwino Mwali akati, "Tolayi mwanawoutukana uwo, umwepeji oga, waunoda, Isaka, uyende munyika ye Moriya.Uyete tshibayiro tshindopasiwa pane imwe tavha, yanditsha kuvhuja." 3Abhurahama akamuka mangwanana, akasunga dongi, iye akatola vhana vhatukana vhavhe vhavhiri, na Isaka mwanawoutukana uwe.Akapamula huni jetshibairo, tshinopisiwa nokumuluka akayenda kubulege yakavhujiwa na Mwali.4Zwino nousi wavhutatu Abhurahama akamuluka meso awe akavhona bhulege yeyo alikuke. 5Abhurahama akati kuvhatukana vhavhe, "Imwi tshigalani zwenu hapa ne dongi, imi nomwanangutitshayenda yoko.Titshando rabhira tikojokera kamuli." 6Abhurahama akatola huni jetshibayiro tshinopisiwa akajihwalisa Isaka mwanatukana uwe.Akatola moto nelupanga; muluvhoko gugwe vhakayenda vhali vhavhiri.7Isaka akalevhereka na Abhurahama bhabha vhavhe akati, "Bhabha vhangu," akati, "Ndiripano, mwana wangu."Akati , "Talirani, koyo moto nehuni, asi gwayana letshi bhayiro tshinopisiwa lilipo?" 8Abhurahama akati, "Mwali utshapa mwene wazwo gwayana letshibhayiro tshinopisa, mwana wangu."Sayezwo vhakayenda, vhalivha vhiri.9Vhandoswika pabulege yaaka vhujiwa na Mwali, Abhurahama akavhakapo alitari.Akagajira huni akasunga mwanawoutukana uwe Isaka, akauyesa pa alitari, panyezulu pehuni. 10Abhurahama akati akawonyolosa luvhoko gugwe akatola banga kuti avhulaye mwanawoutukana uwe.11Yapo utumwa wa Yahweh wakadavhijira kaali ali kumakole akati, "Abhurahama, Abhurahama!" iye akati, "Ndiri yapa zwangu." 12Akati, "Usongoyesa luvhoko gugo kumwana, usongouyetera tshinhu, nokuti zwino ndinozivha kuti unohla Mwali, zwausina kundinyima mwanawotukana uwo, iye mwanawotukana uwo, umwepeji."13Abhurahama akamuluja meso awe, akatalira aka vhona sule kuke thutha yanga yakabahwa nyanga jayo mubani.Abhurahama akatola thutha yero akalipisa tshikavha tshibayiro pabulege yomwanawoutukana uwe. 14Abhurahama akatumija bulege yeyo zina linohwi, "Yahweh," saka nanasi, "Vhanomboti patavha ya Yahweh ndipo patshavhoneka."15Yapo utumwa wa Yahweh wakadana Abhurahama ngwavhuvhiri ali kumakole 16akati kahwi na Yahweh ndakapiwa nemwi ndiri ndoga nditshiti zwawaeta yezwo, usinga ndinyimi mwanawoutukana, utukana uwo umwepeji, 17nditshakulopafaja zwovhukuma nditshawanja vhana vhavho tshaizwo senyereji jokumakole, naiyezwo soutavha uli muugumo wagungwa; vhano vhana vhavho vhatshavha vhana vhekoro yavhavhengi vhavho.18Maluji ose enyika atshalopafajiwa, muvhana vhavho zwamukaingira ihwi langu." 19Yapo Abhurahama wakajokera kuvhana vhavhe, vhakamuluka vhakayenda vhose Beersheba, Abhurahama akagala pa Beersheba.20Zwino sule kaiyezwo Abhurahama akavhavhuja zwitshihwi talirani, "Milkah wakabeba vho vhana, sayezwo , unukuna uwo Nahor." 21Uzi idanje, Buzi unukuna uwe, na Kemuel bhabha vha Aramu, 22Kesed, Hazo, Pildashi, Jidlaph, na Bethuel.23Bethuel akavha bhabha vha Ravheka.Vhanga vhane vhana vhashanu navhatatu ndivho vhakabehwa na Nahor, unukuna wa Abhurahama na Milkah. 24Ufarakano uwe, waihwi Reumah, wakabebera vho Tebah, Gaham, Tahash, na Maakah.
231Sara ukagala makole makumi mashanu na limwe namashanu namavhiri.Ndiwo makole ovhupenyu hwa Sara. 2Sara ukafa pa Kirith Arba, limwe, Hebron, panyika ye Kenani.Aburahama ukavhuya kundolira Sara nokuulirira.3Zwino Abhurahama ukamuluka paukaji uwe wakafa, akazuwirana navhana vha Heti, atshiti, 4"Ndiri upfumba noutogwa pakati penu.Mundipeni vhugalo hokuvhiga pakati penu, kuti ndivhige wakafa wangu."5Vhana vha Heti vhakapindula Abhurahama, vhakati, 6"Ingirani isu, ishe wedu.Imwi muli utshinda wa Mwali pakati pedu.Vhigani wenu patshivhundo tshakanaka pakati pe zwivhundo zwexu zwose.Hapana unhu pakati pedu ungamunyima tshivhundo tshitshe, kuti muvhige wakafa wenu."7Abhurahama ukamuluka akakotamira pasi phandha kavhanhu vhenyika yeyo, kuvhana vha Heti. 8Ukazuwirana navho, akati, "Kana mutshitenda kuti ndivhige wakafa wangu, mundihweni mundikumbirire kuna Efuroni mwana wa Zohari, kandiri." 9Muuvhujeni kuti andipe bako la Makapera , laanalo, liri paugumo weminda iye.Andipe iyero ndilipe utengo wose huvhe vhugalo hwangu hokuvhiga pakati penu."10Zwino Efuroni wanga agere pakati pevhana vha Heti, na Efuroni mu Heti ukapindula Abhurahama vhana vha Heti vhatshi zwihwa, ivho vhose vhayipinda pawukovha we dhorobha lire, atshiti, 11"Hayi, ishe wangu, mundihweni.Nditshakupa minda, nebako lirimo.Ndinokupa yezwo phanda pavhana vhavhanhu vhangu.Ndinokupa kuti uvhige vhakafa vhavho."12Zwino Abhurahama ukakotama phandha pavhanhu vhenyika. 13Ukalevhereka ne Efuroni vhanhu vhenyika yeyo vhatshi zwihwa, atshiti, "Asi kana utshida, undiyingireyi.Nditshakupa utengo weminda.Utole mali kandiri, kuti ndivhige wakafa wangu ko."14Efuroni ukapindula Abhurahama, atshiti, 15"Shuwa,ishe wangu, mundiyingireni.Minda inotengwa nama shereni esiliva anamazana mavhiri, tshingavha tshini pakati pangu newe?Vhigani wakafa wenu." 16Abhurahama ukayingira Efuroni Abhurahama akapimira Efuroni mashekeri esiliva aanga alevha vhana vha Heti vhatshi zwihwa, mashekeri esiliva ane mazana mavhiri avhanotenga nawo kuvhatengesi.17Zwino minda ya Efuroni, wanga uli Makpera, pakatalisana ne Mamre, koyu, minda, nebako langa lirimo, nemiti yose yanga iri muminda neyanga iri panyika yose yakakombereja 18zwikavha zwa Abhurahama pandha kevhana vha Heti, phandha kavhose vhayipinda pagede ye dhorobho lier.19Sule kayezwo, Abhurahama ukavhiga Sara ukaji uwe mubako leminda wa Makpera, pakatalisana ne Mamre, yanga iri, Hebhuroni, munyika ye Kenani. 20Zwino minda nebako langa lirimo zwikwatisiwa kuna Abhurahama navhana vha Heti kuti zwivhe zwizwe ikovha bhulege ite yokuvhiga.
241Abhurahama zwino wanga akegule asi yahwen wanga alopafaja Abhurahamu pazwnu zwose. 2Abhurahama ukalevhereka naulanda uwe ,wayivha ukugwane wengumba iye wayi tshengeta zwose zwaanga anazwo atshiti,''Tshiyesani luvhoko gugo pasi petshidzwa tshangu 3ndikupikise naYahweh , Mwali wokumakole naMwali wenyika , kuti haungatoleri mwanatukana wangu ukaji kuvhanasikana vhe Kenani, vhandinogala pakati pavho. 4Asi uyende kunyika, yangu nokuhama jangu, undotolera yoko mwanatukana wangu Isaka ukaji."5Ulanda ukati kaali, "Zwimwe ukaji hangatendi kunditevhera munyika yeyi? Zwino ndingafanira kujosera mwanatukana wangu yoko?" 6Abhurahama ukati kaali, "Tanyayi kuti ulege kujosera mwanatukana yoko! 7Yahweh, Mwali wokumakole, wakandibvisa pangumba yabhabha vhangu nomunyika yokubehwa kangu wakalevha nemi akandipikira, atshiti, 'Nyika heyi nditshapa vhana vhavho,' ndiye utshatuma utumwa uwe panda papo, kuti utole mwana tukana wangu ukaji yoko.8Kana ukaji asingatendi kutevhera iwe, utshasunu ngugwa pakupika kuko uku kandiri.Asi usa josera mwanatukana wangu yoko." 9Yapo ulanda ukayesa luvhoko gugwe pasi petshidzwa tsha Abhurahama akaupikira panyezulu petshinhu itsho.10Ulanda ukatola magamera ane gumi pamagamera a tenzi uwe, akaenda ane nhumbi jose jakanaka jatenzi uwe.Akamuluka akayenda Aram Naharaim, dorobho la Nahor. 11Ukagwadamisa magamera kuze kedhorobho patshisenya tshevula.Netshikathi tshamadekwana, tshiri tshikathi tshayibuda vhanhukaji kundo tshera vula.12Akati , "Yahweh, Mwali watenzi wangu Abhurahama, mundiyeseni zwenu zwakanaka nasi muyetere tenzi wangu Abhurahama vhusiwana. 13Talirayi, ndakamira patshisenya tshe vula, vhakunda vhavhanhu vhe dhorobho vhobuda kundo tshera vula. 14Zwino ngakuyetiwe kuti.Usikana wanditshati kaali, 'Tshilongo tshitsho ndinwe,' kana akati, 'Inwayi, izwo namaganera enu,' nditshamwisa vho ngavhe iye wamuka pamukira ulanda wenu Isaka.Nayezwo nditshazivha kuti makayetera tenzi wangu vhusiwana."15Zwino wanga asanhu apeja kulevhereka, talirayi, Rabheka wakabehwa Bethuel mwana tukana wa Milkah, ukaji wa Nahor, unukuna wa Abhurahama,wakaswika ane tshilonga papfuji lire. 16Zwino usikana uyu wanga akanaka tshaizwo pameso pape usikana asina kana kuzivha vhanhulume.Aka jikitira kutshisenya.Akazaja tshilongo tshitshe akakwira futhi.17Yapo ulanda waka gidimira kundo sangana naye, akati, "Undipewo vula patshilongo tshitsho ndiwe." 18Iye akati, "Inwani zwenu, ishe wangu," aka tavhanyija kutula tshilonga tshitsho paluvhoko gugwe, aka unwisa.19Waka peja kuunwisa, akati, "Nditsha tshavho kuswikira magamera enu aguta." 20Akatavhanyija akadulula vula yanga iri mutshilongo tshitshe mutshinwira, akagidimira kutshisenya kundo tshera futhi, akatsherera magamera awe ose.21Unhulume ukatalisisa akanyalala kuti azivhe kana Yahweh awuyendise zwakanaka pagwendo gugwe kana hayi. 22Magamera akati apeja kunwa, unhulume uka tola tshindoli tshendalama tshakayeta hafu yeshekeri, limwe lendalama pakulema kahone nezwisongo zwivhiri zwamavhoko zwakayeta mashekeri ane gumi pakulema kazwo, 23ukati, "Uli usikana wani? Ndivhujeyi izwo, kungumba yabhabha vhavho pane pakuvhata na?"24Iye akati, "Ndiri usikana wa Bethuel mwanatukana wa Milkah, waka bebera Nahor." 25Akati kaalivho, "Tinahwo vhuhwa hwakawoma nezwokudla zwakawanda, nopokuvhata vho."26Unhulume ukakotamisa usolo uwe aka rabhira Yahweh. 27Akati, "Yahweh , Mwali watenzi wangu Abhurahama ngakujiwe, asina kulega nyasha jije nokutendeka kuke kuna tenzi wangu. Kana ndiri, Yahaweh wandikayendesa akandiswikisa kungumba yehama watenzi wangu."28Yapo usikana ukagidima akandovhuja vhengumba yamayi vhavhe mamhungo yawo. 29Zwino Rabheka wanga ane zwaji, yaihwi Rabhani.Labani akabuda akagidimira kunhulume kutshisenya. 30Nokuti wakati atshivhona tshindoli nesongo pamavhoko ezwaji iye atshiti, "Ndizwo zwakalevha unhulume kandiri," akayanda kunhulume akauwana akamira pamagamera patshisenya.31Labani ukati, "Vhuyai, iwe wakalopafajiwa na Yahweh.Uno mirireni kuze? Nokuti ndagajira ngumba nebhulege yamagamera." 32Unhulume uka pinda mungumba akasungunula magamera.Akapa magamera vhuhwa hwakawoma, nezwokudla nevula kuti angule soka jije nesoka javhanhulume vhanga anavho.33Iyapo zwokudla zwaka yesiwa panda pape kuti adle, asi iye ukati, "Levhereka izwo. 34Iye akati, "Ndiri ulanda wa Abhurahama. 35Yahweh wakalopafaja tenzi wangu tshaizwo ukugwane.Wakaupa makwayi nengombe, nisiliva nendalama, vhalanda na vhalandakaji, ne magamera ne dongi.36Na Sara, ukaji watenzi wangu,wakabebera tenzi wangu mwanatukana pakukegula kuke, ndiye wakapa zwose zwaanazwo. 37Tenzi wangu ukandipisa, akati, 'Usatolera mwanatuka wangu ukaji kuvhanasikana vha Kenani, pandigere munyika yavho. 38Asi, uyende kune ngumba yabhabha vhangu, nokuhama jangu, unotolera mwanatukana wangu ukaji yoko.'39Ndakati kuna tenzi wangu, 'Zwimwe ukaji hangatendi kunditevhera.' 40Asi iye akati kandiri, 'Yahweh, wandiziyenda naye, panda kuke utshatuka utumwa uwe newe, ayende zwakanaka pagwendo gugo uno tevhera mwanatukana wangu ukaji kuhama jangu nevhe kungumba yabhabha vhangu. 41Asi utshasunungugwa pakupika kuke kandiri kana waswika kuhama jangu kana vhalamba kukupa.Iye utshasunungwa kupika kuko kandiri.'42Zwino ndakaswika nasi kutshisenya, ndakati, 'O Yahweh, Mwali wa Abhurahama, futhi, kana mutshida kuyenda zwakanaka pagwendo gwangu gwandinoyenda- 43ndiri yapa, ndimire patshisenys tshevula- kuti usikana unobuda kundo tshera vula, wanditshati kaali, "Ndipeyivho zwivula patshilongo tshitsho ndimwe," 44iye akati kandiri, "Inwani zwenu, imwi ende nditsha tsherera magamere enu vho"-iye wavha ukaji, ukaketegwa mwanatukana wa tenzi wangu, na Yahweh.'45Zwino ndisanhu ndapeja kuvhereka mumoyo mangu, ndikavhona Rabheka atshivhuya ane tshilongo tshitshe papfuji lire akajikitira kutshisenya, akatsha ndikati kaali, 'Ndipeyivho ndimwe.' 46Iye akatavhanyija akalevhereka tshirongo tshitshe papfuji lire akati, 'Inwani zwenu, ende nditshanwisa magamera enu vho.' Imi ndikamwa, akanwisa magamera.47Zwino ndaubuzwa ndakati, 'Uli usikana wani?' Akati, 'Ndiri mwanasikana wa Bethuel, mwanatukana wa Nahor, waka behwegwa na Milkah.'Iyapo ndakayesa tshindori muzwimiro zwizwe nezwisongo mumavhoko awe. 48Ndikakotamisa usolo wangu ndika rabhira Yahweh, ndika tenda Yahweh, Mwali watenzi wangu Abhurahama, iye waka ndiyendesa pazira yakalulama kuti nditolere mwanatukana watenzi wangu usikana woutukana watenzi wangu kuti avhe ukaji uwe.49Zwino, kana mutshida kuyetera tenzi wangu moyo utshena nokutendeka, mundivhuje.Kana musingandivhuji, mundivhuje, kuti ndiyende kuludli kana kulumose."50Iyapo Labani na Bethuel vhakapindula vhakati, "Tshinhu itshi tshinobva kuna Yahweh; isu hatikoni kulevhereka kauli zwakayipa kana zwakanaka. 51Talira, Rabheka uli panda kuko.Uyende, kuti avhe ukaji uwe, sezwakalehwa na Yahweh."52Zwino ulanda wa Abhurahama wakati ahwa mamhungo avho, uka kotamira pasi panda ka Yahweh. 53Ulanda ukabudisa zwisongo zwesiliva, nezwe ndalama, nenhumbi, akazwipa Rabheka.Akapavho azwaji iye namayi vhavhe nhumbi jinovhulemu.54Vhakadla vhakanwa iye navha nhulume vhaanga anavho.Vhaka galapo vhusiku hwose, vhakamuka mangwanana, iye akati, "'Legani ndiyende kuna tenzi wangu." 55Asi azwaji iye namayi vhavhe vhakati, "Usikana nganale nesu, mazuvha gumi.Akohoyenda izwe."56Asi iye wakati kavhali, "Musandijosera zwenu, Yahweh zwakandiyendesera zwakanaka.Pagwendo gwangu legani ndiyende kuna tenzi wangu." 57Ivho vhakati, "Ngatidane usikana tihwe ulomo uwe." 58Vhakadana Rabheka vhakati kaali, "Utshayenda noulume uyu na?" Akapindula akati, "Nditshayenda."59Iyapo vhaka tendera Rabheka, zwaji yavho nouleri uwe kuti vhayende noulanda, wa Abhurahama navhanhu vhavhe. 60Vhakalopafaja Rabheka, vhakati kaali, '"Iwe zwaji yedu, uvhe mayi vhezwulu zwamazana , vhana vhavho ngavhavhe vhalili vhemikovha yavha vhengi vhavho."61Rabheka ukamuluka navhasikana vhavhe vhakagada gamera, vhaka tevhera unhulume uyo, ulanda akatola Rabheka akayenda pagwendo gugwe. 62Zwino Isaka wanga atshibva nezira ya Beer Lahai Roi, nokuti wanga agere kunyika ye Nyasi.63Zwino Isaka wakabuda kundolangalira kubani netshikati tshamadekwana.Akamuluja meso awe akatalira, akavhona magamera atshivhuya! 64Rabheka ukamulujavha meso awe akati atshivhona Isaka, akajikita pamamera lire. 65Ukati ulanda, "Unhulume uyu unoyenda mubani kusangana nesu ndiyani?" Ulanda akati, "Nditenzi wangu." Iye akatola tshokufukijira , tshiso tshitshe akazwifukija.66Zwino ulanda ukavhuja Isaka zwose zwaanga ayeta. 67Isaka wakauyesa mudende lamayi vhavhe Sara akawana Rabheka, akavha ukaji uwe, akauda.Isaka ukanyalajiwa sule kokufa kamayi vhavhe.
251Zwino Abhurahama ukawana umwe ukaji, waihwi Ketura. 2Iye ukabeba Zimra, Jokshan, Medani, Midiani, Ishbak, na Shuah. 3Jokshani ukabeba Sheba na Dedan.Vhanatukana vha Dedani vhanga vhali vha Assyrian, na Letushi, na Leum. 4Vhanatukana vha Midian vhanga vhali Efa, Efani, Hanok, Abida, na Eldaah.Avha vhose vhanga vhali vhana vha Ketura.5Abhurahama ukapa Isaka zwose zwaanga anazwo. 6Asi, vhanatukana vhavharongo vha Abhurahama vhaanga anavho, wakavhapa zwipo akavhatuma, iye atshiri upenyu, vhabva kuna Isaka, mwanatukana uwe vhaende kumabvazuvha kunyika yoku mabvazuvha.7Ndiwo mazuvha amakole ovhupenyu hwa Abhurahama, makole ane zana namakumi mashanu namavhiri namashanu. 8Abhurahama ukabudisa mwiya uwe akafa akegula tshaizwo, avha ukalaha makole awe avhe manji, akasanganisiwa navhanhu vhavhe.9Isaka na Ishimaeli, vhanatukana vhavhe, vhakavhiga mubako la Machpelah, muminda wa Efuroni mwanatukana wa Zohari, wavha Heti, uli paduze ne Mamure. 10Ndiwo minda wanga watengwa na Abhufahama kuvhana vha Heti, ndipo pakavhigwa Abhurahama na Sara ukaji uwe. 11Zwino Abhurahama wakati afa, Mwali ukakombolera Isaka mwanatukana uwe, Isaka ukagala pa Beer Lahai Roi.12Ndiwo maluji aIshimaeli, mwanatukana wa Abhurahama, wakabebegwa Abhurahama na Hagar mu Ijipitha, ulanda wa Sara.13Ndiwo mazina avhanatukana vha Ishimael, ndiwo mazina avho pakubehwa kavho: Nebaiot-danje la Ishimael layihwi, Kedar,Adbeel, Mibsam, 14Mishima, Dumah, Massa, 15Hadad, Tema, Jetur, Naphish. na Kedemah. 16Ndivho vhanatukana vha Ishimael, ndiwo mazina avho, pamisa yavho, napa madhende avho, vhalume vhane gumi namavhiri eluji gwavho.17Ndiwo makole ovhupenyu hwa Ishimael, makole ane zana linemakumi matatu namashanu namavhiri.Ukabudisa mwiya uwe akaf, akasanganisiwa navhanhu vhavhe. 18Vhakagala kubva pa Havilah kuswika pa Ashhuri, pandda ke Ijipitha, kana unhu atshienda Asiria.Akandogala akatalisana nehama jije jose.19Ndiwo maluji aIsaka, mwanatukana wa Abhurahama.Abhurahama ukabeba Isaka. 20Isaka wanga ana makole ane makumi mana pakuwana kuke Rabheka, mwana wousikana wa Bethuel mu Aramu, zwaji ya Labani mu Aramean.21Zwino Isaka wakarabirira ukaji uwe kana Yahweh nokuti anga asinga bebi, Yahweh akahwa kurabhira kuke, Rabheka ukaji uwe akavha ne tumbu. 22Zwino vhana vhakasundana mukati mume, akati, "Kana zwakadlalo wakandi yeterenivho iyezwi?" Ukayenda akandobuzwa Yahweh.23Yahweh ukati kaali, "Mune maluji mavhiri mutshibeba tshitsho, maluji mavhiri atshapalajana.Zwitshaibva mudumbu liro lumwe luji gutshakunda lumwe luji nesimba, ukugwane utsha shumira utuku."24Zwino mazuvha awe okubeba akati aswika, iyezwi, vhana vhavhiri mutshibebo tshitshe. 25Wokutoma ukabuda ali utshuku umbiri wose wakaeta senhumbi ana maviji.Vhakatumija zina lire Esawu. 26Pasule, unukuna uwe ukabuda.Luvhoko gugwe gukabata tshirete tsha Esawu.Vhakatumija zina lire Jakopo.Isaka wanga ana makole mashanu limwapeji pakubeba kavho.27Vhanatukana vhakakula, Esawu wanga akatanya aliuvimi atshigala mubani, asi Jakobo wanga ali ulume wakanyalala waigala mudhende. 28Isaka ukada Esawu nokuti waida nyama yemhuka, asi Rabheka wanga atshida Jakobo.29Zwino Jakobo wanga abika zwokudla. Esawo akaswika atshibva kuminda, anyoka. 30Esawu ukati kuna Jakobo, "Undipeyivho hezwo zwakatswuka ndidle.Nokuit, ndonyoka !" Saka ukatumijiwa zina linohwi Edom.31Jakobo ukati, "Tshinditengeserayi vhutanje huho." 32Esawu ukati, Talira, ndofa zwangu.Ulidanje hutshanditusa neni?" 33Jakobo ukati, "Utshandipikira," akaupikira akatengesera Jakobo vhutanje huhwe. 34Jakobo ukapa Esawu vhuroto nezwokudla nowutakula.Akadla akamwa, akamuluka akaenda izwe.Esawu akanyaja vhutanje huhwe saezwo.
261Zwino zala yanga iripo panyika, isanhu iri zala yakavha iripo pamazuvha a Abhurahama.Isaka wakaenda Gerari kuna Abimeleki, ishe wavhaa Firisitia.2Yahweh wakazwisumbija vho kaali akati, "Usajikitira Ijipitha; gala munyika yandakakuvhuja. 3Gala izwo munyika ino, uli utogwa imi nditshavha newe nditshakulopafaja; nokuti nditshakupa iwe navhana vhavho,nyika iji jose, nditshakwatisa mhiko yandakapikira Abhurahama bhabha vhavho.4Nditshawanja vhana vhavho senyereji janyezulu, luji gose gwenyika.Jitshakombolegwa muvhana vhavho. 5Nokuti Abhurahama waka ingira ihwi langu akatshengeta zwandaka ulaira, nemilairo yangu, nemitemo yangu."6Isaka wakagala Gerari. 7Vhanhu vhenyika yeyo vhaka ubhuzwa panyezulu poukaji uwe, akati, "Ihazwaji yangu."Nokuti wakavha atshihla kuti, "Ukaji wangu,"nokuti wayiti, "Zwimwe vhanhu vhenyika ino vhangandivhulaya nokuda ka Rabheka, nokuti wanga akanaka kumeso." 8Zwino wakati avhapo zwetshikati tshilefu, Abhimeleki ishe wavha Firisitia wakatalira napahwindo.Akavhona, mirani, Isaka atshitamba na Rabheka, ukaji uwe.9Iyapo Abhi mekeri wakadana Isaka akati, "Talira, shuwa ukaji uwo.Wakalevhereka seni atshiti, 'Ihazwaji yangu'?"Isaka wakati kaali, "Nokuti ndakati zwimwe ndingafa nokuda kuke." 10Abhimekeri wakati kaali, "Ndobhaligwa kuti waiti etera tshinhu itshi?Dleni umwe wavhanhu waivhata noukaji uwe, nokuti shuwa unovhulayiwa zwevhukuma." 11Abhimekeri wakalaira vhanhu vhose akati, "Anobata unhu uyu kana ukaji uwe utshayesiwa mulufu."12Zwino Isaka wakadzwala mavhere munyika iyeyo wakawana gole iro mune zana, Yahweh akaulopafaja. 13Unhu uyu wakavha ufumi, akalamba atshiwejegwa kuswikira avha ukugwane vhukuma. 14Wanga ane fuma yamakwayi neye ngombe, nemhuli hulu.Vha Firisitia vhaka ugodola.15Vha Firisitia vhaka vala zwisenya zwose zwanga atsha navhalanda vhabhabha vhavhe pamazuvha abhabha vhavhe Abhurahama, vhaka vukija nemavu. 16Abhimekeri wakati kuna Isaka, "Ibva izwo katiri, nokuti watipinda vhukuma nesimba." 17Isaka wakabvapo akandojika madhende awe mupata we Gerari, akagalapo.18Isaka wakatsha futhi zwisenya zwevula, wanga atsha pamazuvha abhabha vhavhe Abhurahama. Nokuti vha Firisitia vhanga vhavukija Abhurahama afa.Isaka wakatumija mazina avhanga vhatumija nabhabha vhavhe.19Vhalanda vha Isaka vhakatshera muupata, vhakawanapo tshisenya tshevula inobvirira. 20Vhalisa vhe Gerari vhaka eterana khani navha tshelisa vha Isaka, vhatshiti, "Ivula yedu." Isaka wakatumija tshisenya zina linohwi "Eseki," nokuti vhakapambana naye.21Zwino wakandotsha futhi tshimwe tshisenya, vhaka eterana khani panyezulu palo, ngamandda, akatumija limwe zina "Sitina." 22Vhakabvapo vhandotsha futhi tshimwe tshisenya, asi iyero havhana kueterana khani panyezulu patsho tshisenya.Akatshi tumija zina linohwi Rehobhoti, akati, "Nokuti zwino Yahweh wakandietera ngumba hungwane, kuti tiwande munyika yedu."23Isaka wakabvapo akakwira Bheersheba. 24Yahweh wakazwisumbija kaali vhusiku yohwo akati, "Ndimi Mwali wa Abhurahama bhabha vhavho.Usahla, nokuti ndinewe nditshaku kombolera nokuwanja luji gugo, nokuda ka Abhurahama ulanda wangu." 25Isaka wakavhaka aritari akarabhira zina la Yahweh.Wakaatha dhende lire yapo, vhalanda vhavhe vhakatsha tshisenya iyapo.26Iyapo Abhimereki wakaenda kaali atshibva Gerari, na Ahuzzath, ungani uwe, na Phicol, ukugwane wehondo iye. 27Isaka wakati kavhali, "Munovhuyireni kandiri, zwamunondinyala mukanditata kamuli?"28Ivho vhakati, "Takavhona zwovhukhuma kuti Yahweh unewe.Takati kupika ngakuvhe pakati pedu, ehe, pakati pedu newe.Tiyete kubatana newe, 29kuti tilege kueterana zwakaipa, sezwatisina kukubata iwe, sezwatakubata zwavhudi takakuyendesa nolugale.Zwino, iwe ndiwe izwo wakakombolegwa na Yahweh."30Isaka wakavhagajirira utambo, vhakadla vhakamwa. 31Vhakamuka vhakapikirana.Iyapo Isaka ukavhatendera kuenda, vhakabva kaali nolugale.32Nousi yoyo vhalanda vha Isaka vhakavhuya vhakauvhuja kuti vhanga vhatsha tshisenya. Vhakati, "Vula taiwana." 33Vhaka tshitumija zina linohwi Shibah, naizwo zina le dhorobho linohwi Bheesheba kuswikara zuvha lanasi.34Zwino Esawu wakati aswikisa makole makumi mana, ukawana ukaji, Judithi usikana wa Beeri mu Hittite, na Basemath usikana wa Eloni mu Hittite. 35Iyapo vhaka gwajisa moyo wa Isaka na Rabheka.
271Tshikati Isaka akegula asasavhona zwavhudi, wakadana Esawu, mwanawoutukana ukugwane, akati kaali, "Mwanatukana wangu."Esawu akati kaali, "Ndavhuya imi," 2Isaka akati, "Vhona zwino, imi ndakegula.Handi zivhi zuvha lokufa hangu.3Zwino tola zwiyombo zwizwo, zwinoti gangavhete ne usevhe, uende musango kunovima mhuka. 4Undigajirire nyama yakanaka, sezwandinoda, uvhuye nayo kandiri ndidle mwiya wangu ukukombolele ndisanu ndafa."5Rebheka akahwa Isaka atshilevhereka na Esawu mwana uwe woutukana. Esawu akaenda kusango kuno vima mhuka kuti avhuye nayo. 6Rebheka akavhuja Jakhobo mwanawoutukana uwe akati, "Talira, ndahwa bhabha vhavho vhatshilevhereka na Esawu ukulu.Vhatshiti, 7'Ndivimirevho mhuka undi gajirire nyama yakanaka, kuti ndidle ndikokukombolera panda ka Yahweh ndisanu ndafa.'8Zwino, mwana wangu , ingirai ihwi langu sezwandiri kulayijira. 9Endayi kuzwipfuwo, unditolere mbujana mbiri jakanaka; ndigajirire bhabha vhavho nyama yakanaka, sezwa vhanoda. 10Ukoenda nayo kuna bhabha vhavho, vhadle, kuti vhakukombolere vhasanu vhafa."11Jakhobho wakati kuna Rebheka mai vhavhe, "Talirani, ukulu wangu Esawu unamavuji mumbiri, imi handina mavuji mumbiri. 12Zwimwe bhabha vhangu vhatsha batabata, ndikaeta sendinonyepa panda pavho.Ndikazwivhuyisira kutukwa patshigalo tshoku kombolegwa."13Mayi vhavhe vhakati kaali, "Mwana wangu, kutukwa kuko ngakuvhe panyezulu pangu.Ingirai izwo ihwi langu, uyende, unditolere iyezwo." 14Jakhobho wakaenda kundotola mbujana mbiri akapa mayi vhavhe, vhakagajira nyama yakanaka, yaidiwa na bhabha vhavhe.15Iyapo Rebheka wakatola nhumbi ja Esawu, mwanawotukana uwe wokutoma, janga anajo mungumba, akajiesa kuna Jakhobho, mwanatukana uwe utuku. 16Ukaesa tshikumba tshezwi mbujana pamavhoko awe napahulo iye panga pasina mavuji. 17Ukaisa nyama yakanaka novhurotho zwanga agajira muluvhoko gwa Jakhobho mwanawotukana uwe.18Jakhobho wakaenda kuna bhabha vhavhe akati, "Bhabha vhangu."Bhabha vhavhe vhakati, "Ndiripo zwangu; ndiwe ani, mwana wangu?" 19Jakhobho ukati kuna Bhabha vhavhe, "Ndimi Esawu danje lenu.Ndaeta sezwamandilayijira. Mulukani zwenu mugale mudle nyama yemhuka, mwiya wenu undikombolere."20Isaka wakati kumwanawotukana, "Watavhanya kuwana seni, mwana wangu?"Iye akati, "Nokuti Yahweh Mwali wenu wandituma panda kangu." 21Isaka wakati kuna Jakhobho, "Hwedera padhuze nemi, ndikubate-bate, mwana wangu, kuti ndizivhe kuti uli mwanawotukana wangu Esawu tshaiye kana kuti hawusiwe."22Jakhobho akahwedera kuna Isaka bhabha vhavhe; ivho vhaka bata-bata vhakati, "Ihwi ihwi la Jakhobho, asi mavhoko mavhoko a Esawu." 23Isaka hana kuuzivha, nokuti mavhoko awe anga anamavuji, samavhoko owukulu uwe Esawu, zwino Isaka akakombolera.24Ukati kaali, "Ndiwe mwanawotukana wangu Esawu tshaiye na?"Iye ukapindula, "Ndimi tshaiye." 25Isaka akati, "Vhisayi tshikafu pedlo nemi, kuti ndidle nyama yemhuka, kuetera kuti ndiku kombolere."Jakhobho akasedeja tshikafu pedlo naye.Isaka akadla, Jakhobho akaupavho waini, akamwa.26Iyapo bhabha vhavhe Isaka wakati kaali, "Sedera zwino pedlo undikise, mwana wangu." 27Jakhobho akahwedera akaukisa, akahwa unhuhwi wenhumbi jije akakombolera.Akati, "Talira, unhuhwi womwanatukana wangu waeta seunhuhwi wesango laka kombolegwa na Yahweh.28Mwali ngakupe mwado wanyezulu, mafuta enyika, nemavhere akawanda waini tshwa zwakawanda.29Vhanhu ngavhakushumire maluji ose ngakugwadamire.Uvhe ishe wehama jijo, vhanatukana vha mayi vhavho ngavhakugwadamire vhose. Vhanokutuka ngavhatukwe; vhose vhanokukombolera ngavha kombolegwe."30Zwino Isaka ukati atshipeja kukombolera Jakhobho, Jakhobho atshangobuda panda pa Isaka bhabha vhavhe, Esawu ukulu uwe akapinda atshibva kuno vima kuke. 31Naiye wakagajira tshikafu tshakanakaakaenda nayo kuna bhabha vhavhe.Akati kuna bhabha vhavhe, "Bhabha vhangu, mulukani ngavhadle nyama yemhuka yomwana wotukana wavho, kuti mwiya wenu undikombolere."32Isaka bhabha vhavhe vhakati kaali, "Ndiwe ani?"Akati, "Ndimi mwana wenu, wokutanga, Esawu." 33Isaka wakatetemera zwimwevho futhi akati, "Ndiyani wakavima mhuka akavhuya nayo kandiri ndikadka zwose?Iwe usanhu waswika, ndikaukombolera.Hazwina ndavha, iye utsha kombolegwa izwe."34Esawu ukati atshihwa mamhungo abhabha vhavhe, wakalira alira zwikugwane zwinogwajisa moyo,akati kuna bhabha vhavhe, "Mundikombolereni vho, nemivho, bhabha vhangu." 35Isaka akati, "Unukuna uwo wakavhuya nokunyengejera akatola makombolero awo."36Esawo akati, "Haana kutumijiwa zina lakaufanira na?Nokuti zwino wandi nyengera luvhiri. Wambonditolera vhutahzwe hangu, zwino, talirani,wanditolera kulopafajiwa kangu."Akati, "Hamuna kundivhigira vho kulopafajiwa na?" 37Isaka wakapindula akati kuna Esawu, "Talira, ndamueta ishe, uyo nehama jije jose ndakaupa iye, ndaka kwatisa namavhere ne waini.Zwino ndizwipiyo zwandinga kuetera iwe, mwana wangu?"38Esawu akati kuna bhabha vhavhe, "Munongovha nokukombolera kumapeji na, bhabha vhangu?Mundikombolereni, imi ngamandha, bhabha vhangu."Esawu wakalira ngamanda.39Iyapo Isaka bhabha vhavhe vhakapindula vhakati kaali, "Talira, ugale izwo utshavha kule nemafuta enyika, kule nemwando wokumakole unobva panyezulu. 40Utshapira nepfumo iyo, utsha shumira ukulu utshati kana yozwi zwimusa iwe kuvuna joke lile patshipa uwo."41Esawu waka vhenga Jakhobho nokuti wakautolera makomborera awe paaka komboregwa na bhabha vhavhe.Esawu wakati mumoyo uwe, "Mazuvha okulira bhabha vhangu oda kuswika; iyapo nditshauvhulaya ukulu wangu Jakhobho." 42Rebheka wakavhuja mamhungo a Esawu.Akatuma unhu kundodana Jakhobho mwanawotukana uwe utuku akati kaa, "Talira, ukulu uwo Esawu unozwi vhalaija na panyezulu papo atshiti utsha kuvhulaya.43Saka ezwino, mwana wangu, ingira ihwi langu muluka utizire Labani, kuna Harani, azwaji yangu. 44Undogala kaali mazuvha matuku, kuswikira mbiti joukulu uwo jajika, 45kuswikira kutshamwa kokulu uwo kanyalala kauli, kana akangamwa izwo zwamauetera.Iyapo nditshatuma unhu akakutola iyoko .Ndinga muluza mose zivha limwapeji?46Rabheka akati kuna Isaka, "Ndatambujiwa novhupenyu hwangu nokuda kavhanasikana vha Heti.Kana Jakhobho awanavho ukaji kuvhasikana vha Heti, vhakaeta savhayivha vhanhukaji, vhenyika,iyeyi vhupenyu hwangu hunganditusa?"
281Isaka wakadana Jakobho, akaukombolera, akaulaya, "Usawana ukaji kuvhakunda vheKenani. 2Mulukayi, uyende Paddan Aram, kungumba ya Bethuel bhabha vhamai vhavho, undozwiwanira iyoko ukaji kuvhasikana vha Labani, hazwaji yamayi vhavho.3Mwali wamasimba ose ngaakukombolere, akubebese vhana akujumbamise, kuti uvhe nduji inji javhanhu. 4Akupe kukombolegwa ka Abhurahama, kauli navhana vhavho panhu pamwepeji newe, kuti ugale nhaka yenyika maugere uli utogwa, iyo yakapiwa Abhurahama na Mwali."5Isaka wakati Jakhobho ayenda akaenda Paddan Aram, kuna Labani mwanatukana wa Bethuel na Aramean, azwaji ya Rabheka, mayi vha Jakhobho na Esau.6Nayezwo Isau wakavhona kuti Isaka anga akombolera Jakhobho akati ayende Paddan na Aramu, kuti azwiwanire iyoko ukaji uwe.Kuti pakukombolegwa kuke akaulayijira, atshiti, "Usawana ukaji kuvhasikana vheku Kenani." 7Isau wakaingira bhabha na mayi vhavhe, akayenda Paddan na Aramu.8Esawu akavhona kuti vhasikana vhe Kenani havhana kufaja Isaka bhabha vhavhe. 9Esawu akayenda kuna Ishimayeli, akatola, akawejera kuvhakaji vhavhe, vhaanga anavho Mahalath usikana wa Ishimayeli, mwanatukana wa Abhurahama, hazwaji ya Nebaioth, kuti avhe ukaji uwe.10Nayezwo Jakobho akabuda pa Beersheda akaenda Harani. 11Ukaswika paimwe nyika akavhatapo vhusiku, nokuti zuvha langa lavhira.Akatola limwe ihwe iyapo, akalisazamira akavhata pasi iyapo.12Akalota atshivhona dutu lenyereji.Langa lakamisiwa panyika usolo walo wakaswika kumakole akavhona vhatumwa vha Mwali vhatshikwira nokupururuka nalo. 13Talira, Yahweh amire naye akati, "Ndimi Yahweh, Mwali wa Abhurahama bhabha vhavho, na Mwali wa Isaka.Nyika yauvhete panhezulu payo, nditshakupa iyeyo iwe navhana vhavho.14Vhana vhavho vhatshayeta seguluvha lenyika, vhatshapalalira kumavhirira, nokuma bvazuvha, nanyazulu, napasi.Kubva kauli nenyika yose zwitshakombolegwa mauli navhana vhavho. 15Talira ndinewe, nditshakutshengeta pose paunoyenda.Nokukujosera kunyika iyeyi; nokuti handingakusiyi.Kuswikira ndaeta sayezwo zwandakakuvhuja."16Iyapo Jakobho wakapepuka pahope jije, akati, "Shuwa Yahweh alipanyika iyeyi, asi imi handina kuzivha." 17Akahla akati, "Nyika ino inohlisa seni! Iyo iri ngumba tshaiyo ya Mwali.Irivothi lokuma kole."18Jakobho akamuka mangwana atola ihwe laanga akasazamira.Akati misa kuti livhe tshishongwe akadira mafuta panezulu palo. 19Akatumija nyika iyeyo zina rinohwi Bethel, asi zina lenyika iyeyolokutanga layihwi Luzi.20Iyapo Jakobho akapika mhiko, atshiti, "Kana Mwali akavha nemi akanditshengeta pazira yandinoenda nayo, akandipa marotho kuti ndidle , nezvo kufuka ndifuke, 21ndikhajokera futi nolugale kungumba yabhabha vhangu, Yahweh atshavha Mwali wangu. 22Neyeri ihwe landakamisa likavha shongwe litshavha ngumba ya Mwali.Nezwinhu zwose zwamutshandipa, shuwa shuwa nditshamupa tshegumi tshazwo."
291Zwino Jakopo wakayenda gwendo akaswika kunyika yevhanhu vhokumabva zuvha. 2Wakati atshitalira, akavhona tshisenya muminda, futhi, akavhona, mapoka matatu emakwayi anga avhete iyapo.Nokuti vhayimwisa makwayi patshisenya yetsho, futhi paulomo wetshisenya yetsho panga pane ihwe gugwane. 3Zwino mapoka ose akuvhangana yapo. vhalisa vhayikungulusa ihwe paulomo wetshisenya vhomwisa makwayi, futhi vhodovha kulijosera ihwe paulomo wetshisenya, pa bhulege yalo.4Jakopo akati kavhali, "Vhakulu vhangu, mobvapi?"Vhakapindula, "Tobva Harani." 5Akati kavhali, "Munozivha Labhani mwanatuna wa Naho?"Vhakati, "Tinouzivha." 6Akati kavhali, "Unofala izwe?"Vhakati, "Unofala, futhi, Talira khowuya, Ratshele mwanasikana uwe unovhuya nama kwayi."7Jakopo akati, "Vhonayi, kuti masikati.Hasi tshikhathi tshokuti mapoka anokuvhangana panhu pamwepeji.Unofanira kumwisa makwayi ayende andotshera zwawo." 8Vhakati, "Hatingamamwisi kuswikira mapoka ose akuvhangana panhu pamwepeji.Zwino futhi vhanhu vhatshakungulusa ihwe paulomo wetshisenya, futhi vhomwisa makwayi."9Iyapo Jakopo atshambolevhereka navho, Ratshele akaswika namakwayi abhabha vhavhe, nokuti ndiye anga ali ulisa wawo. 10Zwino Jakopo atshivhona Ratshele, mwanasikana wa Labani zwaji ya mayi vhavhe, nemakwayi a Labani, zwaji ya mayi vhavhe, Jakopo akaswika, akakungulusa ihwe paulomo wetshisenya, nokumwisa makwayi a Labani, azwaji yamayi vhavhe.11Jakopo akakhisa Ratshele akazamba. 12Jakopo akavhuja Ratshele kuti ihama ya bhabha vhavhe, futhi kuti mwanantukana wa Rabeka.Zwino akagidhima akandovhuja bhabha vhavhe.13Zwino Labani atshihwa nyana ya Jakopo mwanantukana wezwaji iye, wakagidhima kundosangana naye, akaumbundikira, akawukhisa, futhi akayenda naye kungumba iye.Labani aka vhuja Jakopo zwnhu zwose. 14Labani akati kaali, "Shuwa uli fupa langu nenyama yangu."Zwino Jakopo akagala naye zwemweji wose.15Zwino Labani akati kuna Jakopo, "Saka ungandishumira ndisingakupi ubayiro nokuti uli hama yangu naa?Undivhujeyi, kuti ubayiro uwo utshavha weni?" 16Zwino anga avha navhanasikana vhavhiri.Zina loukugwane wayihwi liya, futhi zina loutuku wayihwi Ratshele. 17Meso a Liya anga akanyala, asi Ratshele anga akanaka tshayiko paumbiri napa tshiso. 18Jakopo anga atshida Ratshele, zwino akati, "Nditshakushumira makole mashanu namavhiri pazezulu pa Ratshele, mwanasikana uwo utuku."19Labani akati, "Zwirikhwine ndikupe iye, panekuti ndiupe umwe unhu izwe.Galayi nemi." 20Zwino Jakopo akawushumira makole mashanu namavhiri kuyetera Ratshele; asi akayeta samazuvha matuku, nokuda keludo gwaanga anago kaali.21Zwino Jakopo akati kuna Labani, "Undipeyi ukaji wangu, nokuti mazuvha angu akwana-okuti ndokwanisa kuyenda kaali!" 22Zwino Labani akakuvhanganya vhanhu vhose vhapanyika yeyo akayeta utambo.23Madekwana, Labani akatola Liya mwanasikana uwe akandouyesa ka Jakopo, akayenda kaali. 24Labani akapa ulanda uwe wounhukaji Zilifa kumwanasikana uwe Liya, kuti avhe ulanda uwe. 25Namagwanana, akavhona, kuti ndi Liya!Jakopo atshivhuya Labani akati, "Tshini yetshi tshawandiyetera yetshi?Handina kukushumira pazezeulu pa Ratshele? Seni wandinyengejera?"26Labani akati, "Ngeno kedu hakudlago kuti utuku otanga kuwanika ukugwane asanhu. 27Pejisayi viki yokuwana nayoyu umwe mwanasikana, futhi nditshadhovha ndika kupa iye wadovha ukandishumira makole mashanu namavhiri futhi."28Jakopo akayeta sayezwo, futhi akapeja viki ja Liya.Zwino Labani akawupa mwanasikana uwe Ratshele kuti avhe ukaji uwe futhi. 29Labani akapa Ratshele mwanasikana uwe kuna Bilihahi, kuti avhe ulanda uwe. 30Jakopo akayenda kuna Ratshele, futhi, asi wayida Ratshele kupinda Liya.Zwino Jakopo akadovha kuwushumira mamwe makole mashanu namavhiri futhi.31Yahweh akavhona Liya kuti hadiwi, akawubebwsa, asi Ratshele asingabebi. 32Liya akavha nepaumbiri, akabeba mwanantukana, akawutumija Rubeni.Nokuti wakati, "Nokuti Yahweh wakavhona kutambujika kangu; shuwavho iyezwi ulume wangu utshandida."33Zwino akadovha akavha napaumbiri futhi akabeba mwanantukana.Akati, "Nokuti Yahweh wakahwa kuti handidiwi, wadovha futhi wandipa mwanantukana," futhi akawutumija Simiyoni. 34Zwino akadovha akavha napaumbiri futhi akabeba mwanantukana.Akati, "Iyezwino ulume wangu utshandirabhirira, nokuti ndaubebera vhanantukana vhatatu."Nayezwo wakautumija Levi.35Wakavha napambiri futhi akabeba mwanantukana.Akati, "Iyezwino ndokuja Yahweh."Nayezwo akawutumija Judha; zwino akamira kubeba vhana.
301Zwino Rachele akaati atshivhona kuti habeberi Jakobho vhana, Rachele akaetagodo kunkulu uwe.Akati kuna Jakobho, "Ndipevho vhana, kana usingandipi nditshafa." 2Iyapo Jakobho akatshamwira Rashiyele.Akati, "Ndiri pabulege ya Mwali, na wakakunyima mbebo?"3Iye akati, "Vhona, ulanda wounhukaji wangu Bilhah.Pinda kaali, kuti abebe, nemi ndiwane vhana kaali." 4Akaupa Bilhah ulandakaji uwe kuti avhe ukaji uwe, Jakobho akapinda kaali.5Zwino Bilhah akavha netumbu akabebera Jakobho mwanawoutukana. 6Rashiyele akati, "Mwali akandilulamisa, akandipa mwanawoutukana."Nayezwo akautumija zina linohwi Dani.7Bilhah, ulanda wounhukaji wa Rashiyele,akavha netumbu akabebera Jakobho mwanawoutukana wavhuvhiri. 8Rashiyele akati, "Ndakagwa nokugwa kukugwane noukulu wangu ndikakunda."Akautumija zina linohwi Naphtali.9Zwino Leah wakati atshivhona kuti waguma kubeba vhana, akatola Zilpha, ulandakaji uwe, ukaupa Jakobho kuti avhe ukaji uwe. 10Zilpah, ulandakaji wa Leah, ukabebera Jakobho mwanawoutukana. 11Leah akati, "Makorokoto!" akautumija zwina linohwi Gadi.12Zwino Zilpah, ulandakaji wa Leah, wakabebera Jakobho mwanawoutukana wa vhuvhiri. 13Leah akati, "Ndino ufalo!Ukugwane nokuti vhana vhavhasikana vhatshati ndinoufalo ukugwane."'Akautumija zina linohwi Asheli.14Zwino Rubeni wakayenda pamazuvha okutsheka mavhere akandowa mitshero unoshumisiwa soushonga muminda.Akavhuya nayo kamayi vhavhe Leah.Rachel akati kuna Leah, "Ndipevho mitshero woushonga womwanawoutukana uwo." 15Leah akati kaali, "Tshinu tshituku kauli, kuti utole ulume wangu? Zwino woda kutola mitshero woushonga womwanawoutukana wangu, futhi?"Rachele akati, "Naiyezwo ngavhate mewe vhusiku hohu, nokuda kemitshero woushonga yomwanawoutukana uwo."16Zwino Jakobho wakati obva muminda madekwana.Leah akabva kundosangana naye akati, "'Unofanira kupinda kandiri, nokuti ndakakutenga nemitshero youshonga yomwanawoutukana wangu."Jakobho akavhata na Leya vhusiku iyohwo. 17Zwino Mwali akahwa Leya, azwixhwala akabebera Jakobho mwanawoutukana wavhushanu. 18Leya akati, "Mwali akandipa ubayiro wangu, nokuti ndakapa ulandakaji wangu ulume wangu."Akautumija zina linohwi Isaka.19Leya aka zwixhwala futhi akabebera Jakobho mwanawoutukana wetshishanu noumepeji. 20Leya akati, "'Mwali akandipa tshipo tshakanaka.Zwino ulume wangu utshagala nemi, nokuti ndaubebera vhana vhavhatukana vhashanu noumwepeji."Akati muphe zina linohwi Zebuluni. 21Mumasule akaho beba mwanawoutukana akautumija zina linohwi Dina.22Zwino Mwali akafungavho Rachele akauhwa.Akavula tshivalo tshitshe. 23Iye akazwihwa akabebe mwanawoutukana.Akati, "Mwali kushona kangu." 24Akatumija zina linohwi Jesefa, atshiti, "Yahweh ngandie ngejere umwe mwanawoutukana."25Zwino Rachele akati abeba Jesefa, Jakobho akati kuna Labani, "Ndilegeni ndiyende kule, kanyi kangu nokunyika yangu. 26Ndipeni vhakaji vhangu navhana vhanguvhandaka mubatira, ndiende zwangu, nokuti imi munozivha kubata kangu."27Labani akati, "Zwino kana ndakawana makombolero phanda ka Mwali uwo, gala, nokuti ndakavhona kuti Yahweh akandilopafaja nokuda kuke." 28Akati, "Ndivhujeyi tshipo, ndikokupa itsho."29Jakobho akati, "Imi munozivha imi ndimene sezwanda kubatira, naiyezwo kugala kezwipfuwo zwenu kandiri. 30Nokuti zwamaivha navho ndisanhu ndasikiwa, zwangu zwiri zwituku zwika wowanda zwikavha zwinji.Yahweh wakakulopafaja pose phanda katshika.Zwino nditshibatira ngumba yangu lini?"31Zwino Labani akati, "Ndokupeni?" Jakobho akati, "Mutshandipa tshinhu.Kana mukandietera tshinhu itshi, nditshakulisa futhi zwipfuwo zwenu nokuzwi tshengeta. 32Nditshaenda pakati pezwipfuwo zwenu zwose nasi, nditsharavhula pakati pezwipfuwo zwenu zwose zwinamavhala nezwitema pakati pamakwayi, neana mavhala ananakwayi pakati pembuji.Ndiyezwo zwitshavha ubhayiro wangu.33Nezira iyi kuluga kangu kutshandipupulira sule, kana mutshihovhuya kuvhona ubayiro wangu. Uli phanda kenu tshikati tshose jisinamavhala nejisina makwapa pakati mbuji, namatema pakati pamakwayi izwo, kana zwikawanika kandiri mungati zwabiwa nemi." 34Labani akati, "Ndizwo.Ngazwivhe sezwawalevha."35Nezuvha yero akaketa nhonga jembuji janga jina mavhala nejina makwapa, ne haji jose jembuji janga jinamavhala nejina makwapa, jose janga jinoluvhala lutshena napakati pamakwayi ose, akanga anoluvhala lutema akazwipa vhana vhavhe. 36Labani akayesa gwendo ngamazuvha matatu pakati pape na Jakobho.Jakobho akalisa zwipfuwo zwa Labani zwanga zwasala.37Zwino Jakobho akatola matanda omustorakis, noumuamanda , noumuprani, akakwatula mitala mitshena paali kuti kutshena kuvhoneka kanga kuli maali. 38Akayesa matanda anga asuvhugwa, phanda pezwinwiro zwezwipfuwo.Zwikayeta mazamu zwovhuya kundonwa.39Zwipfuwo zwikatola zamu phanda pamatanda; zwipfuwo zwikabeba vhana vhane vhuvhala, nezwine mavhala, amatsharatshara. 40Zwino Jakobho akaket makwayana, akasumbija zwipfuwo panezwavha nezwivhala nezwitema pakati pezwipfuwo penezwanga nezwivhala nezwitema pakati pezwipfuwo zwa Labani.Akayesa mapoka awe ali oga haasa kuzwiyesa pazwipfuwo zwa Labani.41Zwino tshikathi tshimwe netshimwe kana vhanga nesimba pazwipfuwo, zwitshitola zamu, Jakobho wakayesa matanda phanda pezwipfuwo muzwinhu kuti zwitole zamu pakati pamatanda. 42Asi kana zwipfuwo, zwitshikonwa nungo haana kuzwiyesa nayezwo zwanga zwisina nungo zwanga zwiri zwa Labani.Asi zwaivha nenungo zwanga zwiri zwa Jakobho.43Ulume uyu akavha ukugwane vhukumw.Akavha nezwipfuwo zwinji, navhalanda navhalandakaji, namagamera ne dongi.
311Zwino jakopo ukahwa mamhungo avhana vhalabani,vhanga vhatshiti,'' Jakopo watola zwose zwanga zwiri zwabhabha vhedu , wazwiwanira fuma yose heyi kunezwanga zwiri zwabhabha vhedu.'' 2Jakope ukavhonavho kuti tshisotsha Rabani .Tshanga tshi sinakuyeta kaali sapakutoma. 3Zwino yawe akati kuna Jakopo ,'' Jokerayi kunyika yavhana bhabha vhavho nehama jijo ,nditshavha newe .''4Jakopo ukatuma kundodana Rakerina Rea kuminda kuzwi pfuwo zwizwe 5akati kavhali .'' Ndavhana kuti tshiso tshabhabha vhenu kandiri hatshina kuyeta sapakutoma ,asi Mwali wabhabha vhangau wanga anemi. 6Munozivha kuti ndaka batira bhabha vhenu nesimba langu lose.7Bhabha vhenu vhakandinyegera vhaka tshinja ubanyiro wangu lugumi , osi Mwali haana kutendera kuti vhandi yetera kuti vhandi yetere zwakayipa. 8Kana vhakati , ' Zwinamavhala ngazwivhe ubayiro uwo , ' zwinemitalo ngazwivhe ubayiro uwo , ' zwipfuwo zwose zwinobeba zwinemitalo . 9Nayezwo Mwali ukatolera bhabha vhenu zwipfuwo zwavho akandipa imi.10Zwino netshikati zwitshiyetia mazamu ndakavhona muhope mbuji yenhongo janga jitshikwira zwipfuwo . mbuji jenhongo janga jinemitalo ,mavhala ,nejayeta swundu. 11Utumwa waMwali ukati kandiri muhope , ' Jakopo , ' Ndati , ' Ndiripo.'12Akati, 'Muluja meso awo uvhone kuti nhongo jose jino kwira zwipfuwo.Jinemitalo, namavhala, nejakayeta swundu, nokuti ndazwivhona zwose zwaunoyehwa na Labani. 13Ndimi Mwali wa Bheteri, peya pauka zoja shogwe, peya pawukandipikira mhiko.Zwino mulukayi ubve munyika iyeyi ujokere kunyika yaukabehwegwa."14Rabani na Rea vhakapindula vhakati kaa, "Kuti titshimbovha noukovhe ne nhaka kungumba ya bhabha vhedu na? 15Hatayeta savha togwa kavhali na? Nokuti vhakati tengesa vhakapejavho mali yedu. 16Nokuti fuma yose yakatolegwa bhabha vhedu na Mwali yavha yedu navhana vhedu.Iyezwino futhi, zwawa kavhujiwa na Mwali, uzwiyeteyi."17Iyapo Jakobho ukamuluka akagadisa vhana vhavhe navhakaji vhavhe pamabhiza. 18Ukakhada zwipfuwo zwizwe zwose, nefuma iye yose, yaanga akuvhanganya zwipfuwo zwaanga apfuwa zwaanga akuvhanganija ku Paddan Aram.Kuti ayende kuna Isaka bhabha vhavhe kunyika ye Kenani.19Zwino Labani ukati ayenda kundotesera, Rachel ukaba ufananijo wayirabhigwa wa bhabha vhavhe. 20Jakobho ukanyegejera Labani mu Aramia, nokuti haana kuuvhuja kuti ndotiza. 21Nayezwo ukati nezwose zwaanga anazwo akatavhanya kupfuka gwizi, akatalira muthavha le Gilead.22Nezuvha letshitatu Labani wakavhujiwa kuti Jakobho watiza. 23Iye ukatola hama jije akawutevhera gwendo gunama zuvha mashanu namavhiri.Ukandowana kutavha ye Gilead.24Zwino Mwali ukavhuya kuna Labani mu Aramia kukulota vhusiku akati kaali, "Tanyayi kuti ulege kulevhereka kuna Jakobho kana tshakanaka tshero tshakayipa." 25Labani ukaswika kuna Jakobho.Zwino Jakobho wanga avhamba dende lire mutavha.Labani nehama jije vhaka vhamba madende avho vho mutavhaye Gilead.26Labani akati kuna Jakobho, "Wayeteni, nokuti wandi nyengejera ukayanda navhasikana vhangu vhakayeta savhaka kombejegwa namapfumo? 27Wayitizireni payajumbama ukandinyengejera ukalega kundivhuja? Ndikakutendera kuti uyende noufalo ne lumbo, nengoma ne mbira. 28Hawuna kunditendera kuti ndi kise vhanatukana vhangu navhanasikana vhangu zwakanaka.Wayeta sesweule.29Zwiri musimba langu kuti ndikuyetere zwakayipa, asi Mwali wabhabha vhavho ukalevhereka nemi vhusiku hwazulo akati, 'Tanyayi kuti ulege kulevhereka kuna Jakobho tshakanaka kana tshakayipa.' 30Zwino kana ukadakuyenda izwo zwawanga utshitama ngamandha ngumba yabhabha vhangu.Asi wahobireni vhamwali vhangu?"31Jakobho ukapindula akati kuna Labani, "Ndika tiza ndikajumbama nokuti ndayihla ndayifunga kuti kuda mutshandi tolera vhasikana vhenu nekhani. 32Wamutshawana anavhamwali vhenu ngaalege kupira.Zwino hama jedu jitshambovhako, etani kutswaka zwinhu zwenu zwiri kandiri mukozwitola."Nokuti Jakobho wanga asingazivhi kuti Rachel wanga azwiba.33Labani ukapinda mudende la Jakobho, nomudende la Leya, nomudende levhanhukaji vhavhiri vhavhalanda, asi haana kuzwiwana.Ukabuda mudende la Leya akapinda mudende la Rachel.34Zwino Rachel wanga atola vhamwali, akavhayesa mutshigalo tshe kamera, akagala panyezulu pazwo.Labani uka goda dende lose, asi haana kuzwiwana. 35Iye ukati kuna bhabha vhavhe, "Legani kutshamwa, ishe wangu, nokuti handikoni kumuluka pandha kenu, nokuti utovho wavho kandiri."Iye ukatswakisisa asi haana kuwana vhamwali.36Jakobho ukatshamwa akapopotera Labani.Ukati kaali, "Kupinda kangu ndikeni? Zwivhi zwangu ndizweni, zwamunonditevhera nesungu jakadlali? 37Zwino zwamabata bata nhumbi jangu jose.Mawaneni zwino panhumbi jose jakanyi kenu?Muzwiyeseni pano pandha kehama jenu nejangu, vhatonge pakati pedu isu vhavhiri.38Ndanga ndinemwi makole makumi mavhiri.Enu amakwayi ne mbuji jemhambala hajina kuswoja,tuta jenu jamakwayi handina kumadla. 39Zwakalumwa nezwivhanda handina kuvhuya nazwo kamuli.Ndikazwi lipa imi.Mukazwilevha pamavhoko angu, kana zwika biwa masikati kana zwaka biwa vhusiku. 40Kandanga ndiri, masikati ndakafa nezuvha, vhusiku nemhepo; hope jangu jikayenda ndisinga vhati.41Makole yawa makumi mavhiri ndakagala mungumba yenu.Ndakamushumira makole gumi namanna panyezulu pavha sikana vhenu vhavhiri, namakole mashanu nalimwe panyezulu pezwipfuwo zwenu.Mukatshinja ubayiro wangu lugumi. 42Dleni Mwali wabhabha vhangu, Mwali wa Abhurahama, iye ukahliwa na Isaka, anga asinemi, shuwa mungadleni mukandiyendesa ndisina tshinhu.Mwali ukavhona kutambula kangu namabasa amavhoko anhu, ukamulayijira vhusiku hwazulo."43Labani ukapindula akati kuna Jakobho, "Vhasikana havha vhasikana vhangu, vhana havha vhana vhangu, zwipfuwo hezwi zwipfuwo zwangu.Nezwose zwauno vhona ndizwangu.Asi nasi ndinga eteni kuvhasikana vhangu havha, kana vhana vhavho vhavhka beba? 44Iyezwino, ngatiyete sungano, imi new, ivhe thanzi pakati pangu newe."45Jakobho ukatola ihwe akalimisa likayeta setimba. 46Jakobho ukati kuhama jije, "Vhunganijani mahwe."Vhakatola mahwe vhakayeta ugwi.Vhakadla iyapo paugwi. 47Labani ukatumija Jegar Sahadutha, asi Jakobho ukatumija Galead.48Labani ukati, "Ugwi hoyu ngayivhe thanzi pakati pangu newe zuvha lanasi."Nayezwo ukatumijiwa zina linohwi Galeed. 49Unohohwi Mizpa, nokuti Labani ukati, "Yawe ngalinde pakati pangu newe, kana tisingavhonani. 50Kana ukahotambuja vhasikana vhangu, kana kuwana vhamwe vhakaji kuze kavhasikana vhangu, hakuna unhu usthavha nesu, talira Mwali ndiyo thanzi pakati pangu newe."51Labani ukati kuna Jakobh, "Talirayi ugwi hoyu, talira timba heri, landikamisa pakati pangu newe. 52Ugwi hoyu itshavha thanzi, netimba heri litshavha thanzi, kuti imi handingapindi ugwi hoyu ne timba heri utshiyenda kandiri kuti tiyeterane zwakayipa. 53Mwali wa Abhurahama, namwali wa Nahor, vhamwali vha bhabha vhavho, ngatonge pakati pedu."Jakobho ukapika nayiye wayihliwa na Isaka bhabha vhavhe.54Jakobho ukabayira tshibayiro mutavha akalamba hama jije kuti vhadle zwokudla.Vhakadla vhakavhata vhusiku mutavha. 55Mangwanana Labani ukamuka, akakisa vhatukana vhavhe navhasikana vhavhe akavha lopafaja.Labani ukabva akajokera kanyi kuke.
321Zwino Jakobho ukayenda nezira iye, vhatumwa vha Mwali nokusangana naye. 2Jakobho akati atshivhona,akati, "Gamba ya Mwali,"' ukatumija bhulege yeyo zina linohwi Mahanaimi.3Zwino Jakobho ukatuma nhumwa panda pape kuna Esawu ukugwane uwe kunyika ye Seyiri, munyika ye Edhomu. 4Ukavhalayira, akati, "Levherekani na ishe wangu Esawu: Uti zwahwi noulanda wenu Jakobho: 'Ndanga ndiri utogwa, kuna Labani. 5Ndine ngombe ne dongi, namakwayi, nalavhanda lume, na vhalandakaji.Ndatuma vhanhu kundo vhuja ishe wangu iyezwo, kuti ndiwane tsitsi panda kenu."6Nhumwa jikajokera kuna Jakobho jikati, "Taka ndoswika kuukugwane wenu Esawu.Naiye uno vhuya kundo sangana nemwi, ana vhalume vhana mazana mana." 7Jakobho ukahla tshayizwo akatambula.Akapalajanisa vhanhu vhaanga anavho kuyeta kembi mbiri, namakwayi, nengombe, akayeta ma poka mavhiri. 8Ukati, "Kana Esawu akaswika kune limwe boka akalipalaja, boka lakasala likatiza."9Zwino Jakobho ukati, "'Imwi Mwali wa bhabha vhangu Abhurahama, na Mwali wabhabha vhangu Isaka, imwi Yahweh, ndimwi makati kandiri, 'Jokera kunyika iyo nokuhama jijo, ndiko kuyetera zwakanaka,' 10handina kufanigwa tsitsi jenu jose nokutendeka kenu kose kamukayetera ulanda wenu.Nokuti ndaka yambuka Jorodhani, ugu neswimbo yangu yoga zwino ndavha mapoka mavhiri.11Mundigwireni paluvhoko goukugwane wangu, paluvhoko gwa Esawu, nokuti ndinouhla, kuti utshavhuya akandipalaja imi namayi pamwepeji navhana. 12Ndimwi makati, 'Zwinhu kazwo nditsha kuyeyera zwakanaka.Nditsha yetavho luji gugo sewutavha wegungwa, lisingakoni kuvhaliwo nokuwanda kawo."13Jakobho ukavhapo vhusiku yohwo.Akatola zwimwe zwanga anazwo kuti tshivhe tshipo kuna Esawo, ukugwane uwe: 14zwayiti nhongo nemambala jembuji jina mazana mavhiri, nenhongo jina makumi mavhiri jabakwayi anamazana mavhiri namakondobwe anamakumi mavhiri, 15namakamera anokamiwa ana makumi matatu ne namana jawo, nemayi jengombe jine makumi mana ne mboho jengombe jine gumi, nehaji jedongi jina makumi mavhiri nedongana jegumi. 16Ukazwipa mumavhoko avhalanda vhavhe, boka limwe nelimwe liri loga.Akati kuvhalanda vhavhe, "Yambukani panda pangu musiye lunhambo pakati peboka limwe nelimwe."'17Ukalayijira ulanda wokutanga, akati, "Kana Esawo ukugwane wangu ukasangana naye akabuzwa, atshiti, 'Uli unhu wanu? Unoyendapi? Izwi zwiri panda kuko ndizwani?' 18Uti, 'Ndizwo ulanda wenu Jakobho.Tshipo tshaka tumigwa ishe wangu Esawu.Talirayi, nayiye ali sule kedu vho."'19Jakobho ukalayijira wetshipiri, newe tshitatu, navhose vhanga vhatshitevhera mapoka.Akati, "Kana muka uwana Esawu mulevhereke naye mutshidlalo. 20Muti, 'Naiye ulanda wenu Jakobho uli sule kedu."'Nokuti ukati , "Nditshambo muluja netshipo tshinondi tungamirira.Ndikoti, ndavhona tshiso tshitshe, limwe zuvha utshandi sangamija." 21Nayezwo tshipo tshika pfukisiwa panda kuke.Asi iye patshe zwizwe uka vhata vhusiku yohwo pakati pevhungano.22Zwino Jakobho ukamuka vhusiku yohwo, akatola vhakaji vhavhe vhavhiri, navhalandakaji vhavhe vhavhiri, navhana vhavhe vhane gumi noumwepeji.Aka yambuka pazambuko la Jakobho. 23Ukavhatola akavhayambusa lukovha akayambusa zwaanga anazwo.24Asi Jakobho ukasala ali oga, umwe unhulume ukayeta naye kuswikira makuvhi atsuka. 25Zwino ukati atshivhona kuti hakoni kuukunda, ukaubata pahudlu, hudlu ika vunika netsimba naye. 26Iye akati, "Tshindirega ndiyende, nokuti makuvhi atsuka."' Jakobho akati, "Handinga kulegi kuti muyende musanhu mandi lopafaja."27Akati kaali, "Zina liro ndiwe ani?" Jakobho akati, "Jakobho." 28Akati, "Zina liro halitshahwi Jakobho, asi Izirayele.Nokuti ukagwa na Mwali navhanhu ukakunda."29Jakobho ukaubuzwa akati, '''Ndivhujeyivho zina lenu."Iye akati, "Unondibuzwireni zina langu?" Ukaulopafaja yapo. 30Zwino Jakobho uka tumija bhulege yeyo zina linohwi Peniel akati, "'Ndaka vhonana na Mwali, vhupenyu hwangu hukatshengetiwa."31Zuvha likaubudira Jakobho atshipinda Peneil.Apidika pahudlu iye. 32Nayezwo vhana vha Izirayele havhadli nanasi londa lehudlu liri pafupa lehudlu, nokuti ukabata hudlu ya Jakobho palonda le hudlu.
331Zwino Jakobho ukamuluja meso awe, akatalira, akavhona Esawu atshivhuya, ana vhanhulume vhamazana mana.Jakobho ukakovhera vhana kuna Leya, Rachele, vhalandakaji vhavhiri. 2Ukayesa vhalanda vhavhanhukaji navhana vhavho pandda, Leya navhana vhavho sule kavho, na Rachele na Jesefa pakupejisira. 3Iye panezwizwe ukapinda atshivhatungamira.Akakotamira pasi lushanu naluvhiri kuswikira asedera pedlo noukulu uwe.4Yapo Esawu ukagidimira kundosangana naye, akaumbundikira, akawira pautshiba uwe, nokuukisa.Vhakalira vhose. 5Ukamuluja meso awe akavhona vhakaji navhana.Akati, "Avha vhaunavho ndivhanaani?"Jakobho ukati, "Ndivho vhana vhakapiwa ulanda wenu na Mwali namokombolero awe."6Vhalanda vhavhanhukaji vhakasendera ivho navhana vhavho, vhakakotamira pasi. 7Na Leya vavhana vhavhe vhakasendera vho vhakakotama.Pasule Jesefa na Rachele vhakasendera vhakakotama. 8Esawu ukati, "'Boka iri lose landasangana nalo ndileni?"Jakobho akati, "'Kuti ndiwane nyasha kuna tenzi wangu."9Esawu ukati, "'Imi ndine zwakawanda, ukulu wangu.Izwo zwaunazwo ngazwivhe zwizwo." 10Jakobho ukati, "Hayi, kana, ndawana nyasha kamuli zwino ndinokumbira kuti musangamije tshipo tshangu paluvhoko, gwangu nokuti ndavhona, tshifanyiso tshenu, tshakaeta setshifanyiso tsha Mwali, mukafala nemi. 11Sangamijani zwenu tuso yanga tshamunopiwa, nokuti Mwali ukandietera makombolero ndine zwakawanda, ukatanyira akahotola."Jakobho uka uluvhiri akajimana , Esawu akatenda.12Esawu ukati, "Ngatipinde zwedu pagwendo gwedu.Imi nditshakutungamira." 13Jakobho ukati kaali, "Ishe wangu unozivha kuti vhana vhatshiri vhatuku, vhuye kuti makwayi nengombe zwandinazwo zwinoramwisa vhakazwikada zuvha limwe.Zwipfuwo zwose zwitshafa. 14Tenzi wangu ngapinde izwe pandda koulanda uwe.Imi nditshazwiseseja, sezwandinokona kuenda izwo zwipfuwo zwiri pandda kangu, navhana sezwavhanokona kuenda kugumira ndaswika kuna tenzi wangu pa Seiri."15Esawu ukati, "Zwino ngandisiye kauli vhamwe vhanhu vhandinavho."Asi Jakobho ukati, "Mutshaetenivho kudlalo? Ndiwane zwangu makombolero kuna Ishe wangu." 16Nayezwo Esawu ukajoka zuvha iyero akayenda Seire. 17Asi Jakobho ukayenda Sukkoth, ukazwivhakira ngumba, akayetera zwipfuwo zwizwe matanga.Nayezwo zina lebulege iyeyo linohwi Sukkothi.18Jakobho ukaswika zwakanaka kudorobho ye Shechem, liri panyika ye Kanani.Pakubva kuke pa Paddan Aram, akavhaka madende awe pakatalisana na dorobho. 19Ukatenga luthivhi gwenyika paanga apetunula dende lire kuvhona vha Hamor, Shechem bhabha vhavhe, nema pisi zana lemali. 20Ukavhakapo aritari alitumije zina linohwi El Elohe Izirayele.
341Zwino Dinah, mwanasikana wa Leah wakavha bebera Jacob, akabuda kundovhona vhanhukaji vhenyika yeyo. 2Iyapo Shechem mwanatukana wa Hamor mu Hivite, utshinda enyika, waka uvhona.Akautola akavhata naye, akaunyaja. 3Mwiya uwe ukarabhirira Dinah, mwana wa Jacobo.Wakauda usikana uyu akalevhereka zwakafaja moyowousikana.4Zwino Shechem wakalevhereka nabhabha vhavhe Hamor, akati, "Munditolereni usikana uyo avhe ukaji wangu." 5Zwino Jacob wakahwa kuti wakatshinyira Dinah mwanasikana uwe.Vhanatukana vhavhe vhanga vhali kuzwipfuwo zwizwe kubani, Jacob wakanyalala izwe kuswikira vhavhuya.6Hamor bhabha vha Shechem vhaka yenda kuna Jacob kundolevhereka naye. 7Vhakati vhatshihwa iyezwo vhanatukana vha Jacob vhakavhuya vhatshibva kubani. Zwino vhalume avha vhanga vhane sungu vhukuma.Vhatshamwa zwikugwane nokuti vhanga vhaeta tshinhu tshakaipa vhukuma pakati pavha Isiraeri kuti avhate nousikana wa Jacob, tshinhu itsho tshanga tshisingafaniri kuetiwa.8Zwino Hamor wakalevhereka navho, akati, "Mwiya womwanatukana wangu Shechem unotama mwanasikana wenu.Ndomupa zwenu iye avhe ukaji uwe. 9Wananani zwenu nesu, mutipeni vhanasikana vhenu, mukotola vhanasikana vhedu. 10Galani zwenu nesu, nyika itshavha pandda penu galanimo mudavhijire, muzwikuvhanganyijiremo fuma."11Iyapo Shechem wakati kuna bhabha vhavhe nokuhazwaji jije, "Ndiwane zwangu makombolero kumeso enu, zwamunolevha kandiri nditshakupa. 12Kumbirani zwenu kandiri malovholo manji netshipo tshikugwane zwamunolevha kandiri, nditshamupa, asi ndipeni usikana avhe ukaji wangu." 13Iyapo vhana vha Jacob vhakapindula Shechem na Hamor bhabha vhavhe nokunyengejera vhakalevhereka, nokuti wanga atshinyira hazwaji iye Dinah.14Wakati kavhali, "Hatingakoni kueta tshinhu itshi, kuti tipe unhu asina kufumba; hazwaji yedu nokuti yezwino zwingatinyaja isu. 15Tingatenderana nemi ndoga: kana mukaeta tshinhu itshi kuti muvhe sesu, ulume unmwe noumwe uli kamuli afumbe. 16Iyapo isu titshakupa vhanasikana vhedu nesuvho, titshatola vhanasikana vhenu, tigale nemwi tivhe savhanhu vhamwepeji. 17Asi kana musingatiingiri kuti mufumbe, titshatola mwanasikana wedu tikabva."18Mahwi avho akafaja Hamor na Shechem mwanatukana wa Hamor. 19Jaya halina kunonoka kueta tshinhu yetsho nokuti wanga atshifalira mwanasikana wa Jacob, naiye wanga atshikujiwa kupinda vhose vhengumba yose yabhabha vhavhe.20Zwino Haamor na Shechem mwanatukana uwe vhakavhuya kukovha wedhorobho lavho vhakavhevhereka navhanhu vhedhorobho lavho, vhakati, 21"Vhanhu avha vhane lugale nesu, nayezwo ngavhagale zwavho munyika ino vha sambajiremo, shuwa, nokuti talirani nyika inovhalingana. Ngatitole vhanasikana vhavho vhavhe vhakaji vhedu, nesu tivhape vhanasikana vhedu.22Asi vhanhu avha vhatshatenderana nesu kugala nesu nokuyeta savhanhu vhamwepeji nesu:zwoga kana titshiyeta tshinhu itshi, kuti vhalume vhose katiri vhafumbe. 23Zwino ngombe javho nefuma yavho nezwipfuwo zwavho zwose hazwitshavha zwedu naa? Ngatitenderane navho zwoga vhakogala nesu."24Zwino vhose vhaibuda pagedhe ladhorobho iye vhakaingira Hamor na Shechem, mwanatukana uwe.Iyapo vhalume vhose vhakafumbisiwa, vhose vhaibuda pagedhe ledhorobho lire. 25Zwino pazuvha lavhutatu, vhatshi pakugwajiwa, vhanatukana vhavhiri vha Jacob (Simeon na Levi, azwaji ja Dinani), vhakatola mudhorobho vhanhu vhasingalindiri, vhakavhulaya vhalume vhose. 26Vhakavhulaya Hamor na Shechem mwanatukana uwe nemapfumo anopinja.Vhakatola Dinah mungumba ma Shechem vhakayenda.27Vhanatukana vha Jacob vhakayenda kune vhaka vhulaiwa vhakapamba dhorobho, nemhaka yokuti vhanhu vhanga vhatshishona hazwaji yavho. 28Vhakatola makwayi avho, nengombe javho, nemadhongi avho, nezwanga zwiri mudhorobho nezwanga zwiri kusango. 29Vhakabata fuma yavho yose, navhana vhavho vhatuku, navhakaji vhavho.Vhakazwieta vhasikana nezwinhu zwose zwanga zwiri mujingumba.30Iyapo Jacob wakati kuna Simeon na Levi, "Manditolera ufalo, zwamandinuhwisa pakati pavhanhu vhanogala munyika ino, pakati pavha Khenani navha Perizzities.Imi zwandina vhanhu vhasoma.Vhatsha ndikuvhanganyira, vhakandivhulaya, nditshapalaja imi nengumba yangu." 31Iyapo Simeon na Levi vhakati, "Iye Shechem utshaeterenivho hazwaji yedu sezwinoetiwa netshifevhi?"
351Mwali ukati kuna Jacobu, "Muluka, ukwire Bethel, undogalako.Uvhakire Mwali altar yoku rabhirira iyapo, iye ukazwisumbija kauli tshikati tshokutiza kuko panda pa Esawu ukulu uwo." 2Jacobho akati kumhuli iye yose navhanga anavho, "Bvisani vha mwali vhemimwe mihlovho vhali pakati penu, muzwinaseni, mufuke jimwe nhumbi. 3Timuluke tikwire Bhetel.Iyapo nditsha etera Mwali aritari, iye anga anemi pazira yandanga nditshi enda nayo."4Ivho vhakapa Jacobu mijimu yose mumavhoko awe, neringi janga jirimuzevhe javho.Jacobu akajitshiro pasi peuti womuoki wanga uli pa Shekemu. 5Vhakaendera negwendo gwavho, madorobha anga akakombereja akahla Mwali, havhana kutevherera vhanatukana vha Jacobho.6Jacobu aswika Luzi(limwe zina ndi, Bethel), dorobha liri panyika ye Canani, iye na vhanhu vhose vhaanga anavho. 7Wakavhaka aritari akatumija zina lebhulege iyeyo kuti Bethel, nokuti Mwali angazwisumbija kaali patshikati tshokutiza kuke, panda poukugwane uwe. 8Debora, uleli wa Ravheka, wakafa.Akavhigwa pasi pouti yomuoki, zina lapo likahi Aron Bakuthi.9Iyapo Mwali akazwisumbija futhi kuna Jacobu pakubva kuke Padhan Aram, akombolegwa. 10Mwali ukati kaali, "Zina liro ndi Jakhobho, asi zina liro halinga danwi futhi kuti Jakhobhu.Asi zina liro ndi Isirael."Akatumija zina linohwi Isirael.11Mwali akati kaali, "Ndimi Mwali wamasimba ose.Mubebe vhana muwande.Luji nebhoka loluji zwitshabva kauli, mazishe atshabuda mukundu iyo. 12Sango landakapa Abhurahama na Isaka, nditshapa iwe.Vhana vhavho vhano kutevhera nditshavhapa nyika." 13Mwali ukakwira akabva kaali iyapo paanga atshilevhereka naye.14Jakhobho akamisa ihwe gugwane iyapo paanga atshilevhereka naye, pausolo pawo ihwe gugwane.Adulula pasolo payo tshipiriso tshinodulugwa akadira mafuta pasolo wayo. 15Jakhobho akatumija bhulege iyeyo panga palehwa na Mwali naye zina linohwi, Bhethel.16Vhakaenda vhatshibva Bhethel.Gwendo gwanga gutshiripo tshokuswika Efurata, Rachel akabeba.Ukatambula pakubeba kuke. 17Ukati atshatambula pakubeba kuke, utshingi akati kaali, "Usahla utshavha nemwanatukana." 18Zwino mwiya uwe wakati utshibuda, nokuti wakafa akatumija zina Bhenoni, asi bhabha vhavhe vhaka tumija kuti Benjamini. 19Racheli wakafa akavhigwa pazira inoenda Efurata(limwe zina ndi, Bhethlehem). 20Jakhobho wakamisa ihwe gugwane panyezulu patshivhundo tshitshe. Kuswikira zuvha lanasi.21Isiraeli akaenda akapindira paida akandojika dhende neseri ke ihwe gugwane le Edheri. 22Isiraeli agere munyika iyeyo, Rubheni akando vhata na Bhiriha ufarakano wa bhabha vhavhe, Isiraeli waka zwihwa.Iyezwino Jakhobho wavha nevhanatukana vhegumi navhavhiri.23Vhana vhanatukana Leah ndi Rubheni, wokutoma wa Jacobu, na Simion, Revhi, Judha, Isakari, na Zebhuroni. 24Vhanatukana vha Rachel ndi Jesefa na Bhenjamini. 25Vhanatukana vha Bilhah, ulanda kaji wa Rachel, ndi Dani na Naphtali.26Mwana wotukana wa Ziripa , ulandakaji wa Leah, ndi Gadhi na Asheri.Ndivho vhanatukana vha Jakhobho vhaaka beba pa Paddan Arami. 27Jacobhu aswika kuna Isaka, bhabha vhavhe, pa Mamre pa Kiriath Arba(limwe zina ndi Hebroni), paigala Abhurahama na Isaka vhavhe vhalitogwa.28Isaka wakagala makole zana namakumi mashanu namatatu. 29Mwiya waIsaka wakabuda akafa, akasanganisiwa navhanu vhavhe, akegula avhana mazuvha akawanda.Esawu na Jakhobho, vhanatukana vhavhe, vhaka uvhiga.
361Ndiwo maluji a Esawu (Limwe zina lire ndi Edomi). 2Isawu wakawana ukaji uwe kuKenani.Wayihwi :Ada mwana wa Eroni Hittite; 3no Oholibamah mwana wa Ana, mwana wa Zibeon mu Hivite; na Basemath, Ishmael azwaji ya Nebaioth.4Ada wakabebera Isawu Elifhasi, Basemath wakabeba Reuel. 5Oholibamah wakabeba Jeush, Jelam, na Korah.Ndivho vhatukana vha Isawu vhaakabehwegwa panyika ye Khenani.6Esawu wakatola vhakaji vhavhe, navhana vhavhe,navha sikana vhavhe, navhanhu vhose vhekungumba iye, nezwipfuwo zwose, nefuma iyeyose, yaanga avhunganija kunyika ye kenani, akaenda kunyika ilikule nounukuna uwe Jakobho. 7Nokuti fuma yavho yanga yakawanda nayezwo vhanga vhasingakoni kugala panhupamwepeji. Nyika yoluji gwavho yanga isingavhalingani nokuti vhanga vhane zwipfuwo zwakawanda. 8Esawu, wakando gala muthavha yaihwi seyiri, Esawu ndiye Edomi.9Maluji a Esawu, bhabha vhavha Edomi, kuthavha yeseyiri. 10Mazina evhana vha Esawu umwe wayihwi Eriphazi, mwanatukana wa Ada, ukaji wa Esau; na Reuri, mwanatukana wa Besimati, ukaji wa Esawu. 11Vhana tukana vha Eriphazi vhayehwa Themani, na Omari, na Zepho, na Gatami, na kenazi. 12Timna, anga aliusegwa wa Eriphazi mwana tukana wa Esau, iye wakabehwegwa Eriphazi Amaleki, ndivho vhanatukana vha Ada, ukaji wa Esawu.13Vhans tukana vha Reuli: vhayihwi Nahati, na Zera, na Shama,na Miza. ndivho vhana tukana vha Bhesimathi, ukaji wa Esawu. 14Vhana tukana vha Oheribama, usikana wa Ana, usikana wa Zibiyoni. ukayi wa Esawu wakau bebera EsauJeushi, Jerami, nakora.15Hawa ndiwo majishe pakati pavhana vha Esau: vhana tukana vha Eriphazi, Danje la Esawu: Themani, na Omari, Zepho , na Kenazi, 16Kora, Gatami, na Lameki. Ndivho majishe oka Elifasi munyika ye Edom. Ndivho vhanatukana vha Adha.17Havha ndivho vhana tukana vha Rueli, vhana tukana vha Esau: Nahati, na Shammah, na Mizzah. Ndiwo majishe aka Rueli, munyika ye Edhomu,. Ndivho vhana tukana vha Bhasimati, ukaji wa Esau. 18Havha ndivho vhana tukana vha Ohoribhama, ukaji wa Esau: Jeushi, na Jalami, na Kora. Ndiwo majishe aka Ohoribhama usikana wa Ana. ukaji wa Esau. 19Ndivho vhanatukana vha Esawu (ndiwo majishe avho), ndiye Edhomu.20Ndivho vhanatukana vha Seir mu Horite, vhayigala munyika iyeyo:Lotani, Shobal, Zibeon, na Ana, 21Dishoni, Ezer, na Disshani.Ndiwo majishe akuvha Horites, vhanatukana vha Seir munyika ya Edom. 22Vhanatukana vha Lotani vhayihwi Horina Hemani, na Timna iyazwaji ya Lotan .23Avha ndivho vhanatukana vha Shobal:Alvani, Manahath, Ebali, Shepho, na Onam. 24Avha ndivho vhanatukana vha Zibeoni:Aiah na Ana.Ndiye Ana ukawana zwisenya zwevula inopisa mubani atshilisa madongi a Zibeoni bhabha vhavhe.25Avha ndivho vhanatukana vha Ana: Dishoni na Oholibamah, usikana wa Ana. 26Havha ndivho vhanatukana vha Dishoni:Hemdan, Eshban, Ithran, na Keran. 27Havha ndivho vhanatukana vha Ezeri:Bilhani, Zaavani, na Akan. 28Avha ndivho vhanatukana vha Dishoni: Uzi na Arani.29Havha ndiwo majishe okuvha Horitea: Lotani, Shobali, Zibeoni, na Ana, 30Dishoni, Ezeri, Dishani: Ndiyo majishe okuvha Hori, namaluji avho munyika ya Seir.31Avha ndivho majishe akabata vhushe munyika ye Edomu vhana vhe Izirayeli vhatshigere namajishe: 32Bhela mwana wa Beori, akabata vhushe munyika ye Edomu, zina lenyika iye layihwi Dinhabah. 33Zwino Bhela paakafa, Jobabi mwanatukana wa Zerah we Bozrah, akabata vhushe patshigalo tshitshe.34Zwino Jobhabhu paakafa, kusama ke nyika yavha Temani, akabata vhushe patshigalo tshitshe. 35Zwino Hushami paakafa, Hadadi akavhulaya Midhlani mubani le Moabhu, akabata vhushe patshigalo tshitshe.Zina le nyika iye layihwi Avhithi. 36Zwino Hadadi paakafa, Samlah we Masrekah akabata vhushe patshigalo tshitshe.37Samlah paakafa, Shaul we Rehobuth pagwizi akabata vhushe patshigalo tshitshe. 38Zwino Shaul paakafa, Baal-Hanani mwanatukana wa Akibor akabata vhushe patshigalo tshitshe. 39Zwino Baal-Hanani mwanatukana wa Akibor paakafa, Hadari akabata vhushe patshigalo tshitshe.Zina lenyika iye layihwi Pua.Zina loukaji uwe layihwi Mehetabel, usikana wa Matred, moukulu wemwana wa Me-Zahabi.40Hawa ndiwo mazina amajishe aka Esawu nejingumba javho, nenyika jowo, nama zina avho: Timina, Alvah, Jetheth, 41Oholibamah, Elah, Pinoni, 42Kenazi, Temani, Mibzar, 43Magidiel na Irami.Ndiwo majishe e Edomu, pavhakagala munyika yavho vhukuma kuma .Ndiye Esawu, bhabha vha Edomu.
371Jakopo wakagala munyika yevhutogwa hwa bhabha vhavhe, munyika ya Khenani. 2Maluji a Jakopo ndiwo.Jesefa, anga ali untukana ane makole gumi namashanu nambiri, anga atshilisa makwayi noukulu uwe.Anga ana vhanantukana vha Biliha na vhanatukana vha Zilifa, vhakaji vha bhabha vhavhe.Jesefa asingavhavhuji kuna bhabha vhavho.3Zwino ma Izirayeri vhakada Jesefa kupinda vhose vhanantukana nokuti anga ali mwanantukana wokukegula kuke.Akauyetera gemenzi lakanaka lakakhavhisiwa. 4Vhakulu vhavhe vhakazwivhona kuti bhabha vhavho vhaouda kupinda ivho vhose.Vhakaunyala futhi vhasingalevhereki naye nougalo.5Jesefa akalota hope, akavhuja vhakulu vhavhe nezwazwo.Vhakaunyala kunyanyisa. 6Akati kavhali, "Ndokumbira muingire heji hope jandakalota.7Talirani, tanga titshisunga majanda egorosi muminda futhi talirani, janda langu lakamuluka lakamira tasa zezulu, futhi talirani, majanda enu akavhuya akamonereja langu akakota kune langu." 8Vhakulu vhavhe vhakati kaali, "Asi iwe utshavha Ishe pazezulu pedu naa?Asi utshatitonga naa?Vhakaunyala kunyanyisa nokuda kehope jije nemahwi awe.9Akadovha akalota jimwe hope futhi akavhuja vhakulu vhavhe.Akati, "Talirani, ndalota jimwe hope:Zuvha nemweji nenyereji gumi neyimwepeji zwitshakotamira imi." 10Akavhuja bhabha vhavhe sama vhujiro akayeta vhakulu vhavhe, zwino bhabha vhavhe vhakautuka.Vhakati kaali, "Kulota kowuhlovhode yoko kawakalota?Saka mayi vhavho nemi nevhakulu vhavho titshavhuya kundokugwadamira pasi?" 11Vhakulu vhavhe vhanga vhanegodo naye, asi bhabha vhavhe vhakazwiyesa mufungwa javho.12Vhakulu vhavhe vhakandotsheja makwayi pa Shetshemu. 13Izirayeri akati kuna Jesefa, "Vhakulu vhavho havhatsheji makwayi pa Shetshemu naa?Vhuyayi, ndikutume kavhali."Jesefa akati kaali, "Ndikatogajirira." 14Akati kaali, "Endani yezwi, undovhona kuti vhakulu vhavho vhakafala nemakayi anofala, futhi ukojoka kundondivhuja."Zwino Jakopo akawutuma alipaupata we Vala ya Hebhuroni, futhi Jesefa akayenda Shetshemu.15Zwino umwe unhu akuwuwana Jesefa.Talira, Jesefa anga atshijungayira muminda.Unhu akawubhuzwa akati, "Unotswakeni?" 16Jesefa akati, "Ndotswaka vhakulu vhangu.Undivhujeyi, ndokumbira, kavhano tsheja makwayi." 17Unhu akati, "Vhakabva pabhulege heyi, nokuti ndakavhahwa vhatshiti, 'Hatiyende Dotani."Jesefa akatevhera vhakulu vhavhe akavhawana Dotani.18Vhakawuvhona atshambovha kule asanhu aswika paduze navho, vhakalangana kuuvhulaya. 19Vhakulu vhavhe vhakati vhatshivhujana vhakati, "Talira, khoyu tenzi wehope wavhuya. 20Vhuyani yezwi, neizwo, ngatiuvhulaye, tiposere mulimwe gomba yapo.Tikoti walumwa nezwikara.'Titshavhona hope jije jitshahoyehwa seni."21Rubheni wakazwihwa akawugwira mumavhoko avho.Akati, "Tisingotola vhupenyu huhwe." 22Rubheni akati kavhali, "Musatevhula lopa.Muposeni mugomba iri liri mubani, asi musabata nemavhoko enu paali"- nokuti amugwire pamavhoko enu kuti muujosere sule ka bhabha vhavhe.23Zwino Jesefa akati aswika pavhakulu vhavhe, vhakabvisa gemedzi lire lakakhavhisiwa. 24Vhakawutola vhakawuposera mugomba.Gomba langa lisina vula mukati.25Vhakagala pasi vhakadla vhuroto.Vhaka talira meso avho zezulu vhakatalira, futhi vhakatalisisa, vhakavhona boka lama Ishimayeri vhayivhuya vhatshivhona Gilendi, nemagamera avho akahwala zwinhu zwinonuhwira, nebasani ne mura.Vhanga vhatshiyendera kundovhatola kuyenda pasi Ijiphitha. 26Judha akati kuvhakulu vhavhe, "Towineni kana tikavhulaya ukulu wedu tikauvala ne lopa?27Vhuyani, futhimtiutengesere ma Ishimayeli futhi tisingayesi mavhoko edu kaali.Nokuti ukulu wedu, inyama yedu."Vhakulu vhavhe vhakauingira. 28Zwino vhatengesi vhavha Mindinayithi vhakapfuka napo.Vhakulu vhavhe vhaka muluja Jesefa zezeulu vhakaubvisa mugomba vhakatengesa Jesefa kuma Ishimalayitsi ne makumi mavhiri esiliva.Ma Ishmalayitsi vhakatola Jesefa kuyenda Ijiphitha.29Rubheni akajokera kugomba, futhi, akatalisisa, Jesefa wanga asisimo mugomba. Akapazula nhumbi jije. 30Akajokera kuvhakulu vhavhe futhi akandoti, "Utukana haako! Futhi imi, nditshayendapi?"31Vhakavhuiaya mbuji futhi vhakatola magemenzi a Jesefa vhakamaposera mumalopa. 32Zwino vhakavhuyisa gemenzi lakanaka lakanakakhavhisiwa kuna bhabha vhavho vhakati, "Tawana hezwi.Tokumbiravho muvhone kuti magenenzi emwanantukana uwo kana hayi." 33Jakopo wakafunga akati, "Inhumbi jemwanantukana wangu.Mhuka jemubani jakaudla.Jesefa wakadambugwa akayehwa maphisi."34Jakopo akapazula magemenzi futhi aka simira magubhu mukhundu jije.Akalira mwanantukana uwe zwamazuvha manji. 35Vhanantukana vhavhe vhose navhasikana vhavhe vhose vhakamuluka vhakaunyalaja, asi wakalamba kunyalajiwa.Akati, "Nditshajikitira kutshivhundo tshemwanantukana wangu Sheol."Bhabha vhavhe vhakaulira. 36Ma Midinayitsi vhakautengesa kuma Ijiphitha kuyenda Potiphar, ulanda wa Faro, ukugwane wavhalindi.
381Nezuvha yero Judha akabva vhakulu vhavhe akajikita akapamulira kunoumwe ulume we Adullamite, wayihwi Hira. 2Judha akasangana nemwanasikana woumwe unhu mu Kanani unohwi Shuwa.Akautula akapinda kaali.3Iye akavha ne thumbu akabeba mwanawoutukana.Akautumija zina linohwi Eri. 4Akazwihwala futhi akabeba mwanawoutukana.Akautumija zina linohwi Onani. 5Akazwihwala futhi akabeba mwanawoutukana akautumija zina linohwi Shela.Iye wanga ali pa Keziba ukaji uwe atshiubebera.6Zwino Judha akatolera danje lire, ukaji.Zina lire wayihwi Tamar. 7Er, danje la Judha, wanga ali unhu wakaipa phanda ka Yahwe.Yahweh akauvhulaya.8Zwino Judha ukati kuna Onani, "Endai kuukaji woukulu uwo.Uwane uyetere zwakafanira unukuna woulume ubebere ukulu uwo vhana." 9Zwino Onani akazivha kuti vhana yavho havhangavhi vhavhe, nayezwo wakati kana ophinda kuunkaji woukulu uwe, olasira mbeu pasi kuti alage kupa ukulu uwe vhana. 10Tshanhu itshi tshakayeta tshanga tshakaipa phanda pa Yahweh.Yahweh akauvhulaya futhi.11Iyapo Judha akati kuna Tamar, unkaji womwana uwe, "Tshigala izwo uli tshirikaji pangumba ya bhabha vhavho kuswikira Shela, mwanawoutukana wangu, akula."Nokuti wakati, "Zwimwe angafa, sezwakayeta unkulu uwe."Tamar akabva akayenda kungumba ya bhabha vhavhe.12Mazuvha manji, akati aphinda zwaji ya Shuwa, unkaji wa Judha, akafa.Judha akati anyalajiwa akakwira kuvhageri vhamakwayi awe pa Timnah, iye na Hirah ungani uwe mu Adullamite. 13Tamar akavhujiwa, "Vhonani, bhabha vholume uwo unokwira Timnah kundogera makwayi avho." 14Yapo iye akabvisa zwisimiro zwivhutshirikaji huhwe akazwifukija.Akasimira tshitshe azwiputira akagala pagede la Enaim dorobho lire pazira inoenda Timna.Nokuti akanga avhona kuti Shelah wakakula asingauphini iye avhe unkaji uwe.15Zwino Judha akati atshiuvhona akati tshifevhe nokuti wakanga akafukija kumeso kuke. 16Akaphamukira kaali akati, "Vhuyai, legayi ndivhuye kauli"'- nokuti wanga asingazivhi kuti ukaji woumwanawoutukana uwe iye akati, "Ungandipeni kuti nphinde kandiri?"17Akati, "Nditshi kutumira mbujana inobva kuzwipfuwi zwangu." Akati, "Utshandipa nduma kuswikira wayituma na?" 18Akati, "Nditshangokupa tshibatiso?" Iye akati, "Ulinga uwo noubada uwo, neswimbo iyo iri paluvhoko gugo." Akaupa yezwo akaphinda kaal, akavha ne thumbu naye.19Akamuluka akayenda.Akabvisa tshokufukija tshitshe akafuka zwisimiro zwovhu tshirikaji huhwe. 20Zwino Judha akatuma mbujana muluvhoko gwe ungana uwe muAdullamile kuti atole tshibatiso paluvhoko goukaji, asi hana kuuwana.21Akabunzwa vhanhu vhakanyikuke atshiti, "Tshiripi tshifevhe tshiya tshakanga tshiri pa Enaim pa zira?" Akati, "Hanakutshivhona." 22Akajokera kuna Judha akati, "Handina kuuwana navhanhu vhayoko, vhakati, 'Kanga kusina tshifevhe hapa."' 23Iyapo Judha akati, "Ngazwitole izwe kuti tilege, kushonisiwa.Vhonani ndatuma, mbujana, asi iye we usingawani."24Zwino mweji inoswika mitatu yakati yaphinda Judha akavhujiwa zwitshiti, "'Tamar unkaji womwanawoutukana uwo wakaeta vhuphombe, avhane thumbu."Judha akati, " Vhuyayi naye aphisiwe." 25Zwino vhakati vhatshinhuya naye, akatuma mhungo kuna bhabha vhoulume uwe atshiti ndakazwixhwala."Noulume unezwinhu yezwo, akati, "Ndinofunga kuti izwi ndizweni, zwinoti tshinina ulinga noulibada." 26Judha akazwizivha akati, "Iye akalulama kupindeni nokuti handina kupa Shelah, mwanawoutukana wangu."Hana kuuzivha futhi.27Zwino netshikati tshokusununguka kuke, futhi, vhana vhavhiri vhanga vhali mudumbu lire. 28Zwino akati atshibeba umwe akabvisa luvhoko, iyapo utshingi akatola lungoji lutsuku vhakagusungirira paluvhoko gugwe vhatshiti, "Uyu watanga kubva."29Zwino uyu akati ajosera luvhoko gugwe, ende, futhi, unukuna uwe akabva.Ivho vhakati, " Wazvipasanulira seni kamu!" Nayezwo autumija zina linohwi Pelezi. 30Unkulu uwe akabva akanga akasungirira lutambo lutsuku paluvhoko gugwe, zina lire aka tumijiwa kuthi Zela.
391Jesefa wanga ajikitisigwa Ijipita.Potifari, gota la Farawo ukugwane wavhalindi me Ijipita, ukawutenga pamavhoko avha Ishmael, vhanga vhawujikitisira ko. 2Yahweh wanga ana Jesefa akalamba atshikwijira.Ukagala mungumba matenzi uwe mu Ejipita.3Tenzi uwe ukavhona kutiYahweh unaye futi kuti Yahweh ukayendesa zwikanaka zwose zwaayiyeta. 4Jesefa ukawana makombolero kaali.Ukabatira Potifari.Potifari akayeta Jesefa utaliri wengumba iye, ne zwose zwaanga anazwo, akazwiyesa pamavhoko awe.5Zwino kubva pakuyehwa kuke utaliri wengumba iye newe zwose zwaanga anazwo, Yahweh ukalopafaja ngumba you Ejipita nokuda ka Jesefa.Kulopafaja ka Yahweh kanga kuli panyezulu pezwose zwaanga anazwo Potifari mungumba nomuminda. 6Potifari wakayesa zwose zwaanga anazwo mumavhoko aJesefa.Iye hana kufunga tshinhu asi zwokudla zwizwe zwoga zwayidla.Zwino Jesefa wanga akanaka netshiso.7Zwino sule kayezwo ukaji watenzi uwe ukatalira Jesefa akati, "Vhatayi nemi." 8Asi iye ukalamba akati kuukaji watenzi uwe, "Talira, nokuda kangu tenzi wangu haafungi zwiri mungumba, asi ukayesa zwose zwaanazwo mumavhoko angu. 9Hakuna ukugwane kandiri mungumba heyi.Haana kundi jivhisa tshinhu asi imwi moga, nokuti muli ukaji uwe.Zwino nditshayeta senivho tshinhu iyetshi tshakayipa zwikugwane nditshinyira Mwali?"10Unolevhereka na Jesefa zuvha ne zuvha, asi iye hawuyingiri kuti avhate naye kana kuvha anaye. 11Nezuvha yero ukapinda mungumba kuti ayete basa lire.Manga musina vhamwe vhanhulume vhengumba yeyo. 12Ukawubata nenhumbijije akati, "Vhatayi nemi."Ukasiya nhumbi jije muluvhoko gugwe, akatiza, akabuda kuze.13Zwino, ukati atshivhona kuti wasiya nhumbi iye muluvhoko gugwe watiza wayenda, 14ukadana vhanhulume vhengumba iye akalevhereka navho, "Talani, Potifari ukavhuyisa uHebheru pakati pedu kuti atidadire.Ukapinda kandiri kuti avhate nemi, ndikatavha ukosi. 15Zwino ukati atshihwa kuti ndino davhijirisa, ukasiya nhumbi jije, akatiza, akabuda paze."16Ukavhiga nhumbi jije kuswikira tenzi uwe avhuya kanyi. 17Ukauvhuja mamhungo iyawo, ulanda u Hebheru wawakayesa pakati pedu, ukavhuya kandiri kuti andidadire. 18Zwakadlalo ndikadanijira, akasiya nhumbi jije nemi akatizira kuze."19Zwakadlalo, tenzi uwe ukati atshihwa mamhungo aakavhujiwa noukaji uwe, "Ndizwo zwandakayetegwa noulanda uwo,"ukatshamwa zwimwevho. 20Tenzi wa Jesefa ukautola akawuyesa mutshitokisi, payisungwa vhasungwa na ishe.Ukavhamo mutshitokisi.21Asi Yahweh wanga ana Jesefa ukauyetera shemu. Kuti ahwigwe vhusiwana noutaliri wetshitokisi. 22Utaliri wetshitokisi ukapa mumavhoko aJesefa vhasungwa vhose vhanga vhali mutshitokisi.Zwose zwayiyehwamo, Jesefa wanga ali uyeti wazwo. 23Utaliri wetshitokisi wanga asindnadavha netshinhu tshanga tshiri pamavhoko awe, nokuti Yahweh wanga anaye.Zwose zwaayiyeta,Yahweh ukazwi lulamisa.
401Sule kayezwo, udiri wa ishe we Ijipitha noubiki uwe vhakatshinyira hweta wavho, ishe we Ijipitha. 2Farawo ukatshamwira tshayizwo vhalanda vhavhe vhavhiri, ivho ukugwane wamahweta noukugwane wavhabiki. 3Ukavhasunga kuti vhatshengetiwe mungumba moukugwane wavhalindi, mutshitokisi panga pakasungwa Josefa.4Ukugwane wavhalindi ukalayijira Jesefa kuvhatshengeti, iye akavhabatatira.Vhakayeta tshikati vhatshitshengetiwa. 5Zwino vhose vhavhiri vhakalota hope vhusiku umwe noumwe kulota kuke kulota kumwe nokumwe kune dujiro iyo ivho hweta noubiki wayi ishe we Ijipitha, vhanga vhakasungwa mutshitokisi.6Zwino tshifume mangwana Jesefa ukapinda kavhali akavhatalira.Talira, akavho kuti havhafali. 7Akabuzwa vhalanda vha Farawo vhanga vhatshengetiwa pamwepeji naye mungumba yatenzi, akati, "Nasi makasungupala seni?" 8Vhakati kaali, "Talota hope asi hakuna unhu anokona kujidujira." Jesefa akati kavhali, "Kudujira hakusi ka Mwali na?Mundivhujeni, zwenu."9Zwino ukugwane wamahweta ukalondejera kulota kuke kuna Jesefa.Akati kaali, "Pakulota kangu, zwino, ndakavhona uzambiringa panda pangu pauzambiringa panga pane matavhi matatu. 10Akayeta sokutumbuka.Ukabudisa maluvha, masumbu awo akabeba mazambiringa akayibva. 11Ukombe wa Farawo wangu uli muluvhoko gwangu.Zwino ndikatola mazambiringa ndikama swinira muukombe wa Farawo, ndiko yesa mukombe wa Farawo muluvhoko gwa Farawo."12Jesefa akati kaali, "Kudujigwa kajo ndiwo matavhi matatu mazuvha matatu. 13Mazuvha matatu agere kupela Farawo utshamuluja usolo uwo.Nokukujosera kubasa liro, utshayesa ukombe.14Asi undilangalire izwo kana woyetegwa zwakanaka, undiyete tsitsi.Undilevherere kuna Farawo kuti ndibudisiwe pangumba yeyi. 15Nokuti zwinhu kazwo ndakabiwa kunyika yavha Hebheru.Hapana kuyeta tshinhu tshakafanira kuti vhandiyese mugomba yero."16Zwino ukugwane wavhabiki ukati wavhona kuti dujiro yakanaka, akati kuna Jesefa, "Nemivho ndanga ndiri pakulota kangu,futhi, zwino, ndikavhona zwitengu zwitatu zwevhuroto vhutshena tshanga tshiri panyezulu pangu. 17Patshitengu tshapanyezulu manga mune zwokudla zwamaluji ose zwakabikwa zwa Farawo, zwinyoni zwakadla mutshitengu tshanga tshiri panyezulu."18Yapo Jesefa ukapindula akati, "Kudujigwa kajo ndiko.Zwitengu zwitatu mazuvha matatu. 19Mazuvha matatu agere kupera Farawo utshamuluja usolo uwo akabvisa panyezulu papo akusungirire pauti.Zwinyoni zwitshadla nyama iyo zwitshibva kauli."20Zwino nousi wetatu usi woku behwa ka Farawo.Iye ukayetera vhalanda vhavhe vhose utambo.Akamuluja usolo wokugwane wamahweta nousolo wavha biki, pakati pavhalanda vhavhe. 21Ukajosera ukugwane mahweta kubasa lire lovhuhweta kuke, akapa ukombe muluvhoko gwa Farawo. 22Asi akasungirira ukugwane wavha biki, sezwavhanga vhadujigwa na Jesefa. 23Asi ukugwane mahweta hana kulangalira Jesefa, asi ukakangamwa.
411Makole mavhiri akati apera, Farawo ukalota hope akazwivhona amire pagwizi. 2Ukavhona, ngombe shanu nambiri jitshikwira jitshibuda mugwizi, janga jakanaka, jitshipinda pakati peutate. 3Zwino ukavhana jimwe jehaji shanu nambiri jitshikwira sule kalo, jitshibva mugwizi janga jakaipa jakaonda jakamira nejimwe hjipaugumo pegwizi.4Zwino haji jakaipa jakaonda jikadla haji jiya shanu nambiri.Jakanaka jikakola Farawo akapepuka. 5Ukavhata akalota gwavhuvhiri.Talira, avhona hula shanu nambiri jamavher janga jatumbuka pajinde limwepeji, janga jakakola jakanaka. 6Ukavhona, hula shanu nambiri, janga jikasekena janga japisiwa nemhepo yokumabvazuvha, jitshibuda sulekajo.7Zwino hula jakasekena jakadla hula shanu nambili jakakola, janga jizere.Farawo akapepuka akavhana, kuti, walota. 8Zwino fume mangwana mwiya uwe ukatambula.Ukatuma vhanhu kundodana ngaga jose je Ijipitha navhakatanya vhose vhavho, Farawo akavhavhuja kulota kuke, asi kanga kusina unhu waikona kuzwidujira kuna Farawo.9Iyapo ukugwane wakatitshini akavhaja Farawo akati, "Nhasi ndinolangalira kutshinya kangu. 10Farawo wanga akatshamwira vhalanda vhavhe, mukundisunga ndaka tshengetiwa mungumba moukugwane wavhalanda, imi noukugwane wavhabiki. 11Takalota hope vhusiku vhumwapeji, imi naiye.Takalota umwe noumwe hope jino levha zwajo.12Zwino yapo panga panesu jaya lomu Hebheru, ulanda wavha kugwane wavhalindi.Takauvhuja iye akatidujira kulota kedu akadujira umwe noumwe zwaakalota. 13Zwakahoeta zwakadujigwa imi ndakajosegwa kubasa langu, asi iye ukasundirigwa."14Yapo Farawo ukatuma unhu kundodana Jesefa.Akatavhanya kuubudisa mugomba.Vhakatesera ndebvu jije nokuufukija jimwe nhumbi, akapinda kuna Farawo. 15Farawo ukati kuna Jesefa, "Ndalota hope, asi hakuna unhu anokona kundidujira izwo.Zwino ndahwa kuti iwe, kana wakahwa kulota, unokona kuzwidujira ." 16Jesefa ukapindula Farawo, atshiti, "Hayi asimi. Mwali ndiye angapa Farawo dujiro yolugale."17Farawo ukalondejera kuna Jesfa akati, "Pakulota kangu, ndakazwivhona, ndimire paugumo wegwizi. 18Ndikavhona mugwizi mutshibuda haji shanu nambiri, janga jikakola jakanaka, jikatutshiwa pakati peutate19Ndakavhona jimwe haji shanu nambiri jitshikwira sule kajo jine zala jakaipa tshaizwo, jakaonda handina kumbovhona jakaipa jakadlali panyika yose ye Ijipitha. 20Zwino mboho yeji jikaonnda jakaipa jikadla mboho jiya jakakola jokutanga. 21Jakati jajidla, hajina kuzikamwa kuti jajidla, janga jangoipa sapakutanga.Zwino ndakamuka.22Ndakavhona futhi pakulota kangu, hula shanu nambiri, janga jatumbuka pajinde limwepeji lizere jakanaka. 23Ndakavhona futhi jimwe hula shanu nambiri jakaoma, jakasekena jakapisiwa namhepo yokumabvazuvha jitshibuda sule kajo. 24Hula yejo jakasekena jakadla hula shanu nambiri jakanaka.Ndikavhavhuja , asi wanga kusina unhu unokona kundidujira yezwo."25Iyapo Jesefa ukati kuna Farawo, "Kulota ka Farawo ndikokumwe.Izwo Mwali zwaanoda kuti, ndizwo zwaakazivhisa Farawo. 26Haji shanu nambiri jakanaka makole mashanu namavhiri, nehula shanu nambiri jakanaka makole mashanu namavhiri.Kulota ndiko kumwepeji.27Haji shanu nambiri jikaonda jakaipa jakakwira sule kayejo makole mashanu namavhiri nehula shanu nambiri jakaputa, jakapisiwa nemhepo yokumabvazuvha atshivha makole mashanu namavhiri izala. 28Ndiro ihwi landalevha kuna Farawo.Izwo Mwali zwaanoda kueta ndizwo zwakasumbijiwamFarawo. 29Talirayi, kuno vhuya makole mashanu namavhiri padhorobho kazwo panyika yose ye Ijipitha.30Sule kayezwo kutshatevhera makole mashanu namavhiri ezala, yapo madhorobho ose atshakamwika panyika ye Ijipitha, zala itshapeja nyika. 31Madhorobho hangazikamwi munyika nokuda kezala yeyo inohotevhera, nokuti itshanyanya tshaizwo. 32Kulota uku kukadovha kuna Farawo luvhiri, nokuti yezwo zwakalongwa na Mwali vhuye na Mwali utshatavhanya kuzwiyeta.33Nayezwo Farawo ngaatswake unhu ukatanya, auete ubati wenyika ye Ijipitha. 34Farawo ngaete yezwo ngaese vhataliri panyika yose, atole tshishanu tshezwikafu zwenyika ye Ijipitha pamakole mashanu namavhiri emadhorobho.35Ngakuvhanganye zwokudla zwose zwamakole iyawo akanaka anovhuya, avhige zwikafu noulayo wa Farawo, zwivhe zwokudla.Mumadhorobho vhazwitshengete. 36Zwokudla yezwo zwitshangetegwa nyika makole mashanu namavhiri ezara itshavhapo panyika ye Ijipitha.Kuti nyika ilege kupalajiwa nezala."37Tshinhu itshi tshanga tshikanaka kuna Farawo navhalanda vhavhe vhose. 38Farawo ukati kuvhalanda vhavhe, "Na tingawana umwe unhu ukafanana nauyu, unomwiya wa Mwali maali na?"39Farawo ukati kuna Jesefa, "Mwali zwaakasumbija yezwo zwose, hapana akatanya sewe. 40Ndiwe utshavha ubati wengumba yangu, vhanhu vhangu vhose vhatsha laijigwa nehwi liro.Patshigalo tshangu tshovhushe ndipo panditshavha ukugwane kauli." 41Zwino Farawo ukati kuna Jesefa, "Talira, ndakueta ubati panyika ye Ijipitha yose."42Farawo ukabvisa ringi iye paluvhoko gugwe akatshiesa paluvhoko gwa Jesefa.Akaufukija nguvho jemwenda wakanaka, akausongeja tshitshayini tshendalama pautshiba uwe. 43Ukayendesa negariki yavhuvhiri yaanga anayo.Vhakadavhijira pandda kuke vhatshiti, "Gwadamani."Akauyeta ubati wenyika yose ye Ijipitha.44Farawo ukati kuna Jesefa, "Ndimi Farawo, asi kuze kuko, hapana unhu utshamuluja luvhoko gugwe kana lusoka gugwe panyika yose ye Ijipitha." 45Farawo ukatumija Jesefa zina linohwi "Zaphenath-Paneah."Akaupa Asenati, usikana wa Potiphera mupirisiti we Oni, kuti avhe ukaji uwe.Jesefa ukabuda akayenda nenyika yose ye Ijipitha.46Zwino Jesefa anga ana makole makumi namavhiri na limwapeji nguvho yaakamira pandda pa Farawo. ishe we Ijipitha.Jesefa ukabuda pandda pa Farawo, akaenda akamona nenyika yose ye Ijipitha. 47Nyika ikabeba zwikawanda wanda makole mashanu namavhiri amadhorobho.48Ukakuvhanganyija zwokudla zwose zwamakole mashanu namavhiri anga alipo panyika ye Ijipitha ikavhiga zwokudla muma dhorobho.Zwokudla zweminda yanga yakakombereja dhorobho limwe nelimwe akazwivhigama. 49Jesefa ukavhiga zwikafu zwikaeta seutavha wegungwa, zwakawanda wanda kuswikira alega kuzwivhala, nokuti zwanga zwisingakoni kuvhagwa.50Zwino gole lezala lisanhu laswika Jesefa ukabebegwa vhanatukana vhavhiri, vhabebegwa na Asenathi, usikana wa Potiphera upirisiti wakakotama we Oni. 51Jesefa ukatumija wedanje zina linohwi Manasa, akati, "Nokuti Mwali ukandikangamwisa kutambula kangu kose nengumba ya bhabha vhangu yose." 52Zina lamavhuri ukalitumija Efuremu, akati, "Nokuti Mwali wandibebisa vhana panyika yokutambula kangu."53Zwino makole mashanu namavhiri amadhorobho avhapo panyika ye Ijipitha. 54Makole mashanu namavhiri ezala akatanga kuswika sezwakalehwa na Jesefa.Zala ikavhapo panyika jose, asi panyika yose ye Ijipitha panga pane zwokudla.55Zwino vhanhu vhose vhe Ijipitha vhofa nezala vhatshilirira kudla kuna Farawo.Farawo ukati kuna vhose vhe Ijipitha, "Enda kuna Jesefa etani zwaunolevha kamuli." 56Zala ikavhapo panyika jose.Jesefa ukavula zwitula zwose akatengesera vha Ijipitha.Nokuthi zala yanga yakanyanya panyika ye Ijipitha. 57Vhanhu vhenyika jose vhakaenda Ijipitha kuna Jesefa kundotenga zwifafu, nokuti zala yanga yakanyanya panyika jose.
421Zwino Jacob wakavhona kuti mbewu zwayavhako ku Egypt.Jacob wakati kuvhanatukana vhavhe, "Munotalirana neni vho?" 2Wakati, "Talirani hangeyi, ndahwa kuti mavhere aliko ku Egypt.Jikitiraniko mundotitengera tipire tilege kufa." 3Iyapo vhakulu vha Joseph vhane gumi vhaka jikita kundotenga mavhere Egypt. 4Asi Benjamini, unukuna wa Joseph, Jacob haana kuutuma navhakulu vhavhe, nokuti wakati, "Zwimwe angawigwa nenjoji."5Zwino vhanatukana vha Israel vhaka vhuya kundotenga pakati pavhamwe vhaivhuya, nokuti zala uanga iripo panyika ye Canaan. 6Zwino Joseph wanga ali ubati wenyika.Ndiye waitengesera vhanhu vhose vhenyika.Vhakulu vha Joseph vhakavhuya vhaka ugwadamira kumeso kavho kakatalira pasi.7Joseph wakavhona vhakulu vhavhe akavhazivha, asi akaeta saasingavhazivhi akalevhereka neswiri navho.Akati kavhali, "Mabvapi vho?" Ivho vhakati, "Tabva kunyika ye Canaan kundotenga zwokudla." 8Joseph wakazivha vhakulu vhavhe, asi ivho havhana kuuzivha.9Iyapo Joseph wakafunga kulota kuke kukadlali kulota panyezulu pavho, akati kaali, "Muli vhasoli! Mavhuya kundovhona kuti nyika yakasama api." 10Ivho vhakati kavhali, "Hazwieti, ishe wedu.Asi vhalanda vhenu vhavhuya kundotenga zwokudla. 11Tiri vhanatukana vhounhu.Umwe peji tose tiri vhanhu vhakatenda.Vhalanda vhenu havhasi vhasoli."12Iye wakati kaali, "Ndalamba, mavhuya kundovhona nyika kuti yakavulika api." 13Ivho vhakati, "Isu vhalanda vhenu tiri vhanatukana vhane gumi navhavhiri, vho unhu umwepeji panyika ye Canaan.Talira, zwino wolukoxhwe ali kuna bhabha vhedu, nasi umwe haasisipo."14Joseph wakati kavhali, "Ndizwo zwandanga nditshilevhereka kamuli nditshiti, muli vhasoli. 15Hetshi tshinhu tshamueja natsho.Novhupenyu hwa Pharao, hamungabudi pano, kana unukuna wenu wolukohwa asina kuvhuya pano. 16Tumani umwe wenu kuti andotola unukuna wenu.Asi imwi mutshafanira kugala makasungwa, kuti mahwi enu aejiwa, kana makatenda kana zwisina kudlalo.Zwinukazwo novhupenyu hwa Pharaoh, shuwa muli vhasoli." 17Iyapo waka vhayesa pamwepeji vhose mujere kuti vhatshengete mazuvha matatu.18Joseph wakati kavhali nezuvha letshitatu, "Etani tshinhu atshi mupire, imi ndinohla Mwali. 19Kana muli vhanhu vhakatenda , umwe wavhanu vhenu ngaagale akasungwa mujer yenu, asi imwi endani, makamuluja mavhere kundopa vhana vhenu vhane zala. 20Mukovhuya nounukuna wenu woluhoxhwe kandiri naizwo mahwi enu atsha kwathisiwa mulege kufa."Vhakaeta sayezwo.21Vhakalavhereka vhatshiti, "Zwikanakavho tine mhaka nokuda kounukuna wedu nokuti takavhona kutambujiwankomwiya uwe usiuya waakatinyengetera. Tikalamba kuungira nayezwo tawigwa nokutambula." 22Iyapo Reuben wakapindula akati, "Handina kukuvhuja naa, 'nditshati legani kutshinyira mwana,' asi mukalamba kundi ingira? Nayezwo, talirani, lopa lire lotswakwa."23Zwino vhanga vhasingazivhi kuti Joseph unohwisisa, nokuti kanga kune upinduli pakati pavho. 24Iyapo Joseph wakabva kuvhali, akalira akajokera kavhali akalevhereka navho akatola Simeon pakati pavho akausunga vhatshizwivhona. 25Iyapo wakalaira kuti mijiyo yavho izajiwe nemavhere, kuti umwe noumwe ajosegwe mali iye mutshikwama tshitshe, futi kuti vhapiwevho mbuvha yokuenda nayo.Vhakaetegwa sayezwo.26Iyapo vhakakwija dhongi javho mavhere avho vhakaenda. 27Zwino umwe wavho wakati atshisunungula tshikwama tshitshe, kuti ape dhongi iye zwokudla pavhakavhata vhusiku.Zwino, akawana mali iye heyo yanga iri muulomo wetshikwama tshitshe. 28Wakati kuhama jije, "Mali yangu yajosiwa heyi iri mutshikwama tshangu iyapo vhakavhola moyo. Vhakatalira; vhatshitetemera vhatshiti, "Tshinivho itshi tshataetegwa na Mwali?"29Jakobo wakaswika, kuna bhabha vhavho panyika ye Canaani vhaka vhavhuja zwose zwanga zwavhawira.Vhakati, 30"Ulume uya, Ishe wenyika yeyo, wakalevhereka nesu neswiri akati tiri vhasoli vhenyika. 31Tikati kaali, 'Tiri vhanhu vhakatendeka.Hatisi vhasoli. 32Tiri vhanatukana vhane gumi navhavhiri, vho unhu umwepeji vhanatukana vhabhabha vhedu. Umwe haatshipo, wolikohwe vhali kuna bhabha vhedu nasi panyika ye Canaani.'33Zwino ulume uya, Ishe wenyika, akati katiri, 'Hetshi tshinhu tshanditshazivha natsho kuti muli vhakatendeka.Siyani umwe wenu kandiri mutole mavhere mundopa vhana vhenu vhane zala, muende. 34Mukovhuyavho kandiri nowunukuna wenu wolukohwe.Iyapo nditshazivha kuti hamusi vhasoli, asi kuti muli vhanhu vhakatendeka iyapo nditshakupa unukuna wenu mukotenga panyika ino."35Zwino vhakati vhatshidulula zwikwama zwavho,izwo, talira, tshiputu tshemali youmwe tshanga tshiri mutshikwama tshitshe.Vhakati vhatshivhona zwiputu zwemali yavho, vhakahla ivho nabhabha vhavho. 36Zwino Jacobo wakati kavhali, "Manditolera vhana.Joseph haatshipo, na Simeon haatshipo, zwino moda kutola na Benjamin.Zwinhu zwose izwi zwandiwira."37Iyapo Reubeni wakalevhereka na bhabha vhavhe akati, "Mungavhulaya zwenu vhanatukana vhangu vhavhiri kana ndisingajoki naye kamuli.Tshiwuesani zwenu mumavhoko angu, ini nditshavhuya naye kamuli." 38Vhakati, "Mwanatukana wangu haangajikiti nemi. Nokuti ukulu uwe wakafa iye asiyiwa ali oga.Akawigwa nenjoji pagwendo, gwamuno enda mutshajikitisira vuji langu jena kutshivhundo nokulira."
431Zala yanga irihugwane munyika iyeyo. 2Vhakati vhapeja mavhere avhakabva nawo Ijiphitha, bhabha vhavho vhakati kaali, "Endani futhi; mutitengere zwokudla zwituku."3Judha ukalevhereka naye akati, "Ulume uyu ukandisevha tshaizwo akati, 'Hamunga vhoni kumeso kangu kana musina kuvhuya noukulu wenu.' 4Kana mukati tuma nou kulu wedu, tino jikita kunomutengera zwokudla. 5Asi kana musingawu tumi, hatinga jikiti.Nokuti ulume uya ukati katiri, 'Hamunga vhoni kumeso kangu kana ukulu musinaye."6Isirael akati, "Mandietereni zwakaipa sezwi kuti ndine umwe ukulu wangu?" 7Ivho vhakati, "Ulume uya ukati buzwisisa panyezulu pedu ne mhuli jedu.Akati, 'Bhabha vhenu vhatshambo pira?Mune umwe ukulu naa?'Takapindula zwaenderana newubuzwo uwe.Tangatitshiho zivha seni kuti utshati, 'Vhuyani neukulu wenu?"8Judha wakati kuna Isirael bhabha vhavhe, "Tumani untukana nemi.Timuluke tiende tipire tirege kufa, isu, nemwi, navhana vhedu. 9Imi nditshavha wavhukuma uyo mungaulevha paluvhoko gwangu. Kana ndisinga vhuyi naye ndikawuyesa panda kenu, imi nditshavha nouwulandu pandda kenu. 10Nokuti dleni ndisina kunonoka, shuwa ndai dleni ndajoka gwetshipiri."11Bhabha vhavho Isiraeli akati kaali, "Kana zwakadlalo, etani tshinu hetshi.Tolani mitshero yakanaka yenyika mumijiyo yenu. Mujikite netshipo unhu uyu tshebhasami nhukutuku , nezwinonuhwira nemula, nemitshero youti we pisitakio naamanda. 12Mutole mali yakadovholisiwa kavhali mumavhoko enu.Neyiya mali yakanga yojosegwa mimilomo yezwikwama zwenu, muende makabata mumavhoko enu. Vhaka khakhisa.13Mutole noukulu wenu.Mumuluke mujokere kulume uya. 14Mwali wamasimba ose ngamukombolele pandda poulume uyu, amusunungule kamuli nokulu wenu Benjamin.Kana ndatolera vhana vhangu, ndatolera zwangu." 15Iyapo ulume ukatolanzwipo, mumavhoko mune mali yakawejeregwa, vhana iye Benjamini.Vhaka bva iyapo vhaka enda pasi Ijiphitha vhakandomira pandda ka Jesefa.16Zwino Jesefa akavhona Benjamini vhanaye, akati kuushumri wengumba iye, "Mupindiseni mungumba, vhulayani mhuka futhi muyigajire zwakanaka, nokuti nditshadla navho masikati." 17Ushumi wakaeta sezwakalehwa na Jesefa.Atola ulume akoesa mungumba ya Jesefa.18Vhalume vhakatshuhwa vhatshivhona vhapindisiwa mungumba ya Jesefa.Vhakati, "Zwayehwa neheyiya mali yatakajoka nayo iri muma saga edu gwendo gwapera, ndipo pakatipa luvhengo katiri.Angangoti sunga akati eta vhalanda vhavhe, okotola ne dongi jedu." 19Vhakaendera ushumi wa Jesefa womungumba, vhakaenda kunolevhereka naye vhaali paukovha we ngumba, 20vhakati, "Ishe wangu, zwinhu kazwo patshikati tshokutanga takavhuya kuno tenga zwokudla.21Tikati titshiswika patakavhaka vhusiku, tikasunungula masaga edu,and,talira, tikawana mali yedu yose irimo, sezwayanga ikaeta.Zwino tajoka nayo mumavhoko enu. 22Tavhuya tineimwe mali futhi mumavhoko edu yokuti titenge zwokudla nayo.Hatizivhi kuti mali yakaesiwa nani." 23Iye wakati, "Falani zwenu, musahla.Mwali wenu Mwali wabhabha vhenu wakamupa fuma muzwikwama zwenu.Mali yenu yakaswika kandiri."Akavhabudisira Simioni.24Ulume uyu wakaesa vhalume avha mungumba ya Jesefa.Akavhapa vula, vhaka gula soka javho.Akavhapa dongi javho zwokudla. 25Vhakagajira tshipo kuswikira kuvhuya ka Jesefa masikati, nokuti vhahwa kuti vhatshadla zwokudla iyapo.26Josefa ukati aswika kungumba, vhakapinda mungumba netshipo tshanga tshiri mumavhoko avho, vhakakotamira pasi pandha kuke. 27Iye wavhabuzwa ufalo wavho akati, "Bhabha vhenu vhakafa na, ulume wamayilevha? utshambopira na?"28Vhakati, "Ulanda uwo bhabha vhedu. Utshambo pira." Futi vhakatotamisa vhakarabhira. 29Ukati atshimuluja meso awe akavhona Bhejamini ukulu uwe, mwana wamayi vhavhe, akati, "uyu ndiye lugohwe gwamai revhereka nezwago?" Futi akati, " Mwali ngavhe nemkombolero newe mwana wangu."30Josefa wakabuda nokutavhanyeja akayenda mungumba iye, sezwo iye angaabudisiwa navhakulu vhavhe.Wakatswaka bhulege yokundolirira.Ukayenda mungumba iye akandolira. 31Waka ngula kumeso akabhudira kuze. Wakasada kuzwisumbijira, akati," Mutipeni kudla."32Vhakau pakulira iye oga navhakulu vhavho vhoga. Ma Ijipita havhana kutengegwa kudla navha Hebheru, nokuti zwinotswenya kuna vha Ijipita. 33Vhaka gala panda kuke, wokutoma pavhu danje huhwe, noutuku pane vhose pavhutuku huhwe, vhalume vhakatalirana vhakamangala. 34Wakavha kovhera zwokudla zwanga zwiri panda kuke. Asi ukovhe wa Benjamini wakalingana nawa shanhu wavho. Vhakamwa vhaka fala naye.
441Jesefa ukalayijira utaliri wengumba iye, atshiti, "Zajayi zwikwama zwavhalumene zwekudla, sezwavhanokono kumuluja uyesevho mali yeumwe neumwe paulomo wetshikwama tshitshe. 2Esayi bhigiri yangu, bhigiri yesiliver, uyese paulomo wetshikwama utuku, pamwe peji nemali yemavhere awe."Iye akayeta sezwa aka vhujiwa na Jesefa.3Zwino tshifume mangwana, kayeja vhalume vhakatendegwa kuyenda, ivho ne dongi javho. 4Vhakati vhabuda mudhorobha vhasanhu vhayenda kule, Jesefa avhuja utaliri uwe akati, "Mulukayi utavhere vhalume, kana wavhabata uti kavhali, 'Seni wajosera tshivhi kune zwakanaka? 5Hakomitshi inonwira tenzi wangu, tshaano tunguja natsho?Mayeta tshivhi, tshinu tshamayeta."'6Utaliri ukandovhabata akazuwa mamungo iyawo kavhali. 7Vhakati kaali, "Seni Mwali wedu unozuwireni mamungo akadlali?Kule nevhalanda vhenu havhangayeti tshinu tshakadlali.8Talirai, mali yatakawana pamilomo yetshikwame tshedu, takalaka nayo kamuli titshibva kunyika ye Kenani.Tayihoba seni siliva kana ndalama mungumba ya Mwali wenu? 9Aninani wavhalanda vhenu anowanika anavho, ngafe, nesu titshavha vhasungwa vha Mwali wedu." 10Utaliri ukati, "Zwino ngazwivhe semahwi enu.Iye anowanika ane komitshi ndiye atshavha usungwa wangu, inwi vhanwe hamungavhi nowulandu."11Iyapo vhakakulumija umwene umwe kujikithisa tshikwama tshitshe pasi, umwe no umwe akasunungula tshikwana tshitshe. 12Utaliri akatswaka.Akatanga kuukugwane akaguma kuutuku, komitshi ikawanika mutshikwama tsha Bhenjamini. 13Iyapo vhaka pazula nhumbi javho. Umwe no umwe akahxwija dongi iye akajokera kudhorobha.14Judha nevhana vhabhabha vhavhe vhaka jokera kungumba ya Jesefa.Iye utshambovhamo, vhakawira pasi panda kuke. 15Zwino Jesefa akati kavhali, "'Tshini iyetshi tshamaka yeta?Hamuzivhi kuti unhu akayeta seni unokona kuthungula?"16Judha akati, "Tingati tshini kuna Mwali wangu?Tinga zuweni?Tingazwinyepunula seni?Mwali akawana kutshinya ka vhalanda vhenu.Talirani, tiri vhasungwa vha mwali wedu, isu naiye akawanika ane komitshi." 17Jesefa akati, "Zwiri kule handingayeti sayezwo.Unhu hoyo ukawaniwa ane komitshi muluvhoko, ndiye atshavha usungwa wangu, asi panemwi vhamwe, endani zwenu zezulu nelugale kana bhabha vhenu."'18Iyapo Judha akaswedera kaali akati, "Mwali wangu, etani ulanda wenu alevhereke ihwi muzevhe ja mwali wangu, futhi kutshamwa kenu kulege kumukira ulanda wenu, nokuti imwi makayezana na Farawo. 19Mwali wangu akabuzwa vhalanda vhavhe, atshiti, 'Muna bhabha kana vhanukuna?'20Isu tikati kuna mwali wedu, 'Tina bhabha, vhakegulu, vhane mwana wevhukeguliro hwuhwe, neumwe utuku uwe.Asi bhudi vhavhe vhakafa, kasala iye oga kuna mayi vhavhe, bhabha vhavhe vhano uda.' 21Vhakati kuvha landa vhavho, 'Jikitani naye kandiri ndiuvhone nemeso angu.' 22Sule kayezwo, tikati kuna mwali wedu, 'Utukana hangasiyi bhabha vhavhe.Nokuti akasiya bhabha vhavhe bhabha vhavhe vhanohofa.'23Zwino makati kuvhalanda vhenu, kana unukuna wenu welukohxwe asingajikiti nemi, hamungavhoni kumeso kangu futhi.' 24Zwino tikati takwira zezulu kuulanda wenu bhabha vhedu, tikavhavhuja mamungo amwali wedu. 25Bhabha vhedu vhakati, 'Endani futhi, mundotitengera zwekudla.' 26Zwino isu tikati, 'Hatingajikiti.Kana unukuna wedu asi ngajikiti nesu, nokuti hatingavhoni kumeso keulume uya, kana unukuna wedu anesu.'27Ulanda wenu bhabha vhedu vhakati katiri, 'Munozivha kuti ukaji wangu akandibhebhera vhatukana vhavhiri. 28Umwe akabva kandiri ndikati, "Nayezwo ukadambugwa akayehwa mapisi, futhi handanhu ndawuvhona kubva." 29Iyezwino kana mukanditolera hoyu, njaji itshawira kaali, mutshajikitisa vuji langu jena kutshivhundo nokulira Sheol.'30Zwino, nayezwo, kana zwino ndika ndoswika kuulanda wenu bhabha vhangu, tisinaye utukana, mwiya uwe zwaukabatanijiwa nemwiya woutukana, 31vhatshati, kana vhatshivhona kuti utukana hatisinaye, utshafa.Vhatshajikitisa vuji jena loulanda wenu bhabha vhedu kutshivhundo vhatshilira Sheol. 32Nokuti ulanda wenu akazwiyeta utusi wemwanatukana kuna bhabha vhangu akati, 'Kana ndisingavhuyi naye kamuli, imi nditshavha newulanda bhabha vhangu nekusinga peri.'33Nayezwo zwino, ndinokumbira kuti ulanda wenu agale izwe ali usungwa wa mwali wangu, patshigalo tshoutukana asi utukana akwire izwe navhana vha bhabha vhavhe. 34Nokuti ndingakwira seni ka bhabha vhangu ndisina utukana?Ndinohla kuvhona tshivhi tshawira bhabha vhangu."
451Zwino Jesefa hana kukona kuzwijosa phanda kavhose vhanga vhamire naye.Wakati atshidavhijira ngamanda, "Umwe noumwe unofanira kubva pandiri."Saka hapana ulanda ukamira naye Jesefa atshizwizivhisa kuvhana vha bhabha vhavhe. 2Akadavhijira zezulu, navha Ijiphithi vhaka uhwa, futhi nevhengumba ya Faro vhaka zwihwa. 3Jesefa akati kuvhakulu vhavhe, "Ndimi Jesefa.Bhabha vhangu vhatshambovha upenyu naa?"Vhakulu vhavhe vhasingaupinduli, nokuti vhanga vhatshihla zwanga alevha.4Zwino Jesefa akati kuvhakulu vhavhe, "Sederani paduze nemi, shuwa."Vhakahwedera.Akati, "Ndimi Jesefa ukulu wenu wamaka tengisira Ijiphithi. 5Zwino musazwidla moyo kana kutshamwa kuti makanditengesera pano, nokuti Mwali wakandituma phanda kenu kuti nditshengete vhupenyu. 6Nokuti kavha nemakole mavhiri kunezala munyika yeyi, futhi kutshambovha namakole mashanu kusina kulima kana kutsheka.7Mwali wakandituma kamuli kuti ndimutshengete muvhe navhamwe vhatshasala panyika, kuti ndimulalamise kuti musunungugwe nokusunungula kukugwane. 8Zwino hasi iwe wakandituma hapa asi ndi Mwali, futhi akandiyeta bhabha vha Faro, tenzi wengumba iye yose, futhi noutongi wenyika ye Ijiphithi.9Tavhanyayi zezulu kuna bhabha futhi undoti kavhali, 'Izwi ndizwo zwino lehwa nemwanantukana uwo Jesefa unoti, "Mwali wandiyeta tenzi wevhose Ijiphithi.Vhuyani pasi kandiri, musanonoka. 10Mutshagala munyika ya Gosheni, futhi munenge muli paduze nemi, iwe ne vhana vhavho ne vhana vhevhana vhavho, nemakwayi enu ne ngombe jenu, ne zwose zwamunazwo. 11Nditshamutshengetapo yapo, nokuti kutshambovha namakole mashanu ezala, kuti mulege kuhovha vhalombo, iwe, nevhengumba iyo, nezwose zwaunazwo."'12Talira, nemeso awo anovhona, futhi nemeso owukulu uwo Benjamini, kuti ulomo wangu unolevhereka kawuli. 13Utshahovhuja bhabha vhangu ne kose kukujiwa kandinoyehwa Ijiphitha nezwose zwamavhona.Mutshatavhanya kujikitisa bhabha vhangu muvhavhuyise yapo.14Akakwira pautshiba wa Benjamini aka lira, futhi Benjamini akalira akabata utshiba uwe. 15Akakhisa vhakulu vhavhe vhose akalira pazezulu pavho.Sule kayezwo vhakulu vhavhe vhakalevhereka naye.16Zwino ukulumbira wazwo wakahwika mungumba ya Faro:"Vhakulu vha Jesefa vhavhuya."Faro navhalanda vhavhe vhakafala tshaiko. 17Faro akati kuna Jesefa, "Uti kuvhakulu vhavho, 'Vhayete hezwi:Kwijani zwipfuwo zwenu muyende kunyika ye Khenani. 18Wanani bhabha vhenu nevhengumba yenu muvhuye kandiri.Nditshamupa nyika yakanaka ya Ijiphithi, futhi mutshadla zwakanona zwenyika.'19Iyezwino malayijigwa, 'Etani hezwi, tolani gariki muyende kuze kenyika ye Ijiphitha nevhana vhenu nevhakaji vhenu.Uwane bhabha uvhuye. 20Musafunga nhumbi jenu, nokuti kunaka kose kenyika ye Ijiphitha ndikenu."21Vhanantukana vha Izirayeri vhakayeta sayezwo.Jesefa akavhapa gariki, nokuda keulayo wa Faro, akavhapa mbuvha yokuyenda nayo mugwendo. 22Kuna vhose wakavhapa umwe noumwe nhumbi jokutshija, asi kuna Benjamini wakaupa mazana matatu zwiphisi zwe siliva ne zwokutshija zwishanu jenhumbi jekutshija. 23Kuna bhabha vhavhe akatumira hezwi: madhongi gumi akaxhwala zwinhu zwakanaka zwa Ijiphitha; nehaji gumi jemadhongi jenhukaji janga jitshixhwala mavhere, nevhuroto, nembuvha jabhabha vhavhe jegwendo.24Zwino akatumira vhakulu vhavhe kule vhakayenda.Akati kavhali, "Muvhone kuti hamutukani mugwendo." 25Vhakabva Ijiphitha vhakakwira vhakaswika Khenani, kuna Jakopo bhabha vhavho. 26Vhakauvhuja vhatshiti "Jesefa upenyu, futhi utongi pose panyika ye Ijiphitha."Moyo uwe wangawati rukhu, nokuti anga asingatendi zwavhanga vhaumbuja.27Vhakauvhuja mahwi ose anga alehwa na Jesefa kavhali.Zwino Jakopo atshivhona gariki janga jatumigwa na Jesefa kuti jiuxhwalire, mwiya wa Jakopo bhabha vhavho ukaphijiwa. 28Izirayeri akati, "Zwakwana.Jesefa mwanantukana wangu upenyu.Nditshayenda ndikandouvhona ndisanhu ndafa."
461Zwino Izirayele akabva nezwose zwaanga anazwo akaswika Beesheba. Akabayira Mwali wa Bhabha vhavhe Isaka zwibairo. 2Mwali akalevhereka na Izirayele nezwisumbijo vhusiku,akati," Jakopo, Jakopo."Iye akati,"Ndiri phano zwangu." 3Akati," ndimi Mwali iye Mwali wa Bhabha vhavho. Usingotshuhwa izwo kujikitira Egipita, nokuti nditshakueta luji lukugwane yoko. 4Nditshajikitira Egipita, newe ndikohokuhwisafuthi zwovhukuma Josefa ndiye utshavala meso awo noluvhoko,"5Jakobho akamuluka akabva Beersheba.Vhanavhatukana vha Izirayele vhakayenda Jakobho bhabha vhavho, vhavho, vhatuku navhakaji vhavho, negariki janga jatumwa na Farawo kuti jivha hwale. 6Vhakatola ngombe javho nenhumbi javho javhanga vhawana munyika ye Kenani.Vhakaswika Ijipitha, Jakobho navhana vhavhatukana vhavhe vhose pamwepeji naye. 7Vhana vhavhatukana vhavhe, navhana vhavhana vhavhe, pamwepeji naye navhazukulu vhavhe, navhasikana navhazukulu vhavhatukana vhavhe navhose vholuji gugwe vhakaenda navho Ijipitha.8Ndiwo mazina avhana vha Izirayele vhakaswika Ijipitha:Jakobho navhana vhavhatukana vhavhe, vhanoti Rubeni, danje la Jakobho; 9navha vhavhatukana vha Rubeni, Hanok, Pallu, Hezron, na Karmi; 10navhana vhavhatukana vha Simioni, Jemuel, Jamin, Ohad, Jakin, Zohar, na Shaul waivha mwanantukana wokaji wa Kanaanite; 11navhana vhavhatukana vha Levi, Gershon, Kohath, na Merari.12Navhana vhavhatukana vha Judha Eri, Onani, Shelah, Perez, na Zerah(asi Eri na Onani vhakafira panyika ye Kenani). Vhana vhavhatukana vha Perezi anga ali Hezron na Hamul. 13Navhanatukana vha Issachar ndi Tola, Puah, Jashub, na Shimron. 14Navhana vhatukana vha Zebulunnn ndi Sered, Elon, na Jahleel. 15Ndivho vhana vhavhatukana vha Leya vhakabebera Jakobho Paddan Aram, no mwanauwe wounhukaji uwe Dinah.Vhanavhavhatukana vhavhe navhavhasikana vhavhe vhose vhanga vhali vhanhu makumi matatu navhatatu.16Navhana vhavhatukana vha Gadi ndi Zefoni, Haggi, Shuni, Ezbon, Eli, Arodi, na Areli. 17Navhana vhavhatukana vha Asher ndi Imnah, Ishvah, Ishvi, na Beriah; na Serah zwaji yavho. Navhana vhavhatukana kana vha Beriah vhaivha Heberi na Malkiel. 18Ndivho vhana vhavhatukana vha Zilpah, Labani vhakapa Leya mwana uwe wousikana.Akabebera Jakobho vhanhu avha vhanegumi navhashanu noumwepeji.19Vhana vhavhatukana vha Rachele unkaji wa Jakopo vhaivha Jesefa na Benjamin. 20Jesefa akabehwegwa Manase na Efuremu munyika ye Ijipitha ndivho vhakabehwegwa na Asinathi, mwanawousikana wa Potifira upirisiti we Oni. 21Navhana vhavhatukana vha Benjamini ndi Bela, Beker, Ashibel, Gera, Naaman, Ehi, Roshi, Muppim, Huppim, na Ardi. 22Ndivho vhana vhavhatukana vha Rachele vhakabebegwa Jakobho vhose vhanga vhali gumi navhanna.23Navhana vhavhatukana vha Dani anga ali Hushim. 24Navhana vhavhatukana vha Naftari ndi Jahziel, Guni, Jezer, na Shillem. 25Ndivho vhanavhatukana vha Bilhah, Laban wakapa Rachele mwanawousikana uwe ndivho vhakabebera Jakobho vhose vhaivha vha shanu navhavhiri.26Zwino vhanhu vhose vhaka vhuya na Jakobho, Ejipitha vhakanga vhabva pakungu jije, vhakaji vhavhana vhavhatukana vha Jakobho vhasingavhaliwi, vhose vhaivha vhanhu makumi matatu namatatu. 27Vhana vhavhatukana vha Jesefa vhaakanga abebegwa Ejipitha, vhaivha vhanhu vhavhiri vhose vhengumba ya Jakobh vhakavhuya Ejipitha vhanha vhanhu makumi mashanu namavhiri.28Jakobho akatuma Judha phanda pape kuna Jesefa, kuti ausumbije zira inoenda Gosheni. 29Iyapo Jesefa akalugisa gariki iye akakwira Gosheni kundosanga na Izirayele bhabha vhavhe.Akauvhona, akazwiwisira kaali akawira pawutshiba wavho, akalira ali pawutshiba wavho tshikathi tshikugwane. 30Izirayele akati kuna Jesefa, "Zwino nditshafa zwangu, nokuti ndavhona tshiso tshitsho, kuti utshambovha upenyu."31Zwino Jesefa akati kuvhana vha bhabha vhavhe navhe ngumbu ya bhabha vhavhe, "Imi nditshakwira kundovhuja Farawo, nditshiti, 'Vhana vha bhabha vhangu nengumba ya bhabha vhangu, vhaigala kunyika ya Kenani, vhakaswika kandiri. 32Vhalume avha vhalisa, nokuti vhapfuwa zwipfuwo.Vhavhuya nemakwayi avho, nengombe javho, nezwose zwavhanga vhanazwo.'33Zwino kana modanwa, na Farawo akati, 'Basa lenu ndileni?' 34muti, 'Vhalanda vhenu vhaivha vha pfuwi vhezwipfuwo kubva pavhusiyenhwedu kuswikira zwino, tose isu, namazibhabha edu.' Kuti mugale munyika ye Gosheni, nokuti vhalisa vhose vhanosiringisa vha Ejipitha."
471Eyizwino Jesefa ukaenda ando vhuja Farawo, "Bhabha vhangu navhana vhabhabha vhangu, vhaswika, vhatshibva, kunyika ye Kenani.Vhanga vhane makwai avho nengombe javho nezwose zwavhanawo,talirani, vhalimunyika ye Goshemi." 2Ukatola vhakulu vhashanu kuna vhana vha bhabha vhavhe akavhaesa panda ka Farawo.3Farawo akati kuvhakulu vhavhe, "Basa lenu ndileni?"Vhakati kuna Farawo, "Vhalanda vhenu vhalisa, isu navhana bhabha vhedu tose." 4Nayezwo vhakati kuna Farawo, "Tavhuya kunogala tiri vhatogwa munyika iyeyi.Nokuti hakuna mafulo amakwayi avhalanda vhenu, nokuti kune zala kunyika ye Kenani.Zwino iyezwi, tinokumbira vhalanda vhenu vhagale munyika ya Goshen."5Iyapo Farawo waka levhereka na Jesefa, akati, "Bhabha vhavho navhana vhabhabha vhavho vhavhuye kauli. 6Nyika ye Ijipitha iri panda kuko.Bhabha vhavho vhana vhana vha bhabha ngavhagale pabhulege isina kunaka panyika heyi, ngavhagale pa nyika ye Gosheni.Kana utshizivha kuti pakati pavho pane vhalume vhakatanya, uvhaete vhatalili vhengombe jangu."7Jesefa akapinda na Jakhobho bhabha vhavhe avhaesa panda ka Farawo.Jakhobho uka kombolera Farawo. 8Farawo ukati kuna Jakhobho, "Mangana mazuvha avhupenyu hwenu?" 9Jakhobho akati kuna Farawo, "Mazuvha amakole ovhutogwa hwangu makole ane zana namakumi matatu.Namazuvha amakole ovhupenyu hwangu anga ali matuku zwawo ayigwaja hana kuswika pama zuvha amakole ovhupenyu hwangu.Navhana bhabha vhangu napamazuvha ovhutogwa hwavho." 10Jakhobho akakombolera Farawo akabuda panda kuke.11Nayiyezwo Jesefa wakapa bhabha vhavhe navhana vha bhabha vhavhe pokugala.Akavhapa pabhulege yepanyika ye Ijipitha, kuti ivhe yavho panga pasina kunaka panyika iyeyo, panyika ye Rameses, sezwaa layijigwa na Farawo. 12Jesefa wakavhapa tshikafu bhabha vhavhe, navhana vhabhabha vhavhe, navhose vhengumba yabhabha, akavhapa zwokudla atshivhala navhana vhavho.13Panga pasina zwokudla munyika; nokuti zala yanga iri hugwane.Nyika ye Ijipitha ne nyika ye Kenani jakaziya nezala. 14Jesefa wakakuvhanganija mali yose yanga iri panyika ye Ijipitha ne nyika ye Kenani, yavhaka tenga nayo tshikafu.Jesefa mali iyeyo wakayi esa mungumba ya Farawo.15Mali yose ikati yapera munyika ye Ijipitha nepanyika ye Kenani, vhose vha Ijipitha vhakavhuya kuna Jesefa vhakati, "Tipeyi zwokudla! Tingafa seni iwe ulipo nokuti mali yedu yapera?" 16Jesefa akati, "Vhuyani nengombe jenu ndimupe zwokudla panyezulu pezwipfuwo zwenu, kana mali yapera." 17Vhakavhuya kuna Jesefa nezwipfuwo zwavho, Jesefa akavhapa zwokudla vhatshi tshijana mabhiza, namakwayi, nengombe, nedongi.Vhakalalamisa nezwo kudla vhatshitshijana nezwi pfuwo zwavho zwose gole iyero.18Gole iyero likati lapera, vhakavhuya kaali negole letshipiri vhakati, "Hatinga jumbiri ukugwane wedu kuti mali yose yedu yapera, zwipfuwo zwedu zwose zwavha zwa she wedu.Asi mimbiri yedu neminda. 19Tingafa seni panda penu, isu nenyika yedu? Tivhe vhalanda vha Farawo.Tipeyi mbewu tipire tirege kufa nenyika irege kusanduka liete sango."20Jesefa akatengera nyika yose ye Ijipitha atshitengera Farawo.Ijipitha yose wakatengesa minda, nokuti zala yanga yakanyanya.Naizwo, nyika ikavha ya Farawo. 21Kana vhali vhanhu, vhaka vhafulusa kumaguta kubva kuganu imwe we Ijipitha kuswika kuno umwe uganu wayo. 22Asi nyika yavha Pirisita yoga ndiyo yasina kutenga Jesefa, nokuti vha Pirisita vhakanga vhakaganuligwa ukovhe wavho na Farawo.Vhaida ukovhe wavho wavhaka piwa na Farawo.Ndizwo havhana kutengesa nyika yavho.23Ndizwo Jesefa akati kuvhanhu, "Talirani, ndatengera Farawo imwi nenyika yenu nasi.Heji mbewu mudzwale, panyika. 24Netshikati tshoku tsheka, munofanira kupa Farawo tsheshanu , nazwino zwitshavha zwenu, zwivhe mbewu jeminda nokudla kenu nezwavhali mujingumba jenu nokudla kezixhwere zwenu."25Ivho vhakati, "Ndimwi makati tshengeta.Makati wanira makombolero pana she wedu.Tivhe vhalanda vha Farawo." 26Jesefa ukaeta utemo panyika ye Ijipitha ulipo nanasi, kuti Farawo apiwe tsheshanu.Asi nyika yavha pirisita yoga haina kuvha ya Farawo.27Isirael wakagala munyika ye Ijipitha, panyika ye Gosheni.Waka wana fuma iyomo.Aka beba vhana vhakawanda nga manda. 28Jakhobho wakagala munyika ye Ijipitha makole ane gumi namashanu namavhiri, iye makole awe langa lizana namakumi mashanu nambiri.29Tshikati tshaswika tshikati tsha Isirael tshokufa, wakadana mwanawotukana uwe Jesefa akati kaali, "Kana ndawana makombolero kawuli, tshiesa izwo luvhoko gugo pasi patshidzwa tshangu, undi sumbije vhusiwana ne shuwa .Legayi kundivhiga panyika ye Ijipitha. 30Asi kana ndavhata navhana bhabha vhangu, undibvise pa Ijipitha undondiviga kutshivhundo izwo."Jesefa akati, "Nditsha eta sezwamalevha." 31Isirael akati, "Ndipikire,"na Jesefa akavhapikira.Iyapo Isirael akakotamira pasoka yovhulo huhwe.
481Sule kayezwo, Jesefa kutshihwi, "Talira, bhabha vhavho vhano gwala."'Iye akatola vhanatukana vhavhe vhavhiri, Manasseh na Efuremu. 2Jakobho ukavhujiwa, "Talirayi, mwanatukana wenu Jesefa wavhuya kundomuvhona,"Izirayele ikazwisimbisa pavhuvhato.3Zwino Jakobho ukati kuna Jesefa, "Mwali wamasimba ose ukazwisumbija pa Luzi panyika ye Kenani.Akandilopafaja 4akati kandiri, 'Talira, nditshakubebesa, nditshakuwanjisa.Nditshakuyeta maluji manji.Nditshapa vhana vhavho vhanokutevhera nyika iyeyi ivhe yavho nokusingaperi.'5Zwino vhanatukana vhavho vhavhiri, vhauka bebegwa panyika ye Ijipitha ndisanhu ndaswika kauli Ijipitha, ndivhangu.Efuremu na Manasseh vhatshavha vhangu, sa Simion na Rubheni. 6Asi vhana vhawakabeba sule kavho vhatshavha vhana vhavho; panhaka yavho. 7Kana ndirimi, pakubva kangu pa Padhani, ndaka figwa na Rasheli panyika ye Kenani, muzira ndaswika pedlo ne Ephrath.Ndikauvhigapo pa zira inoyenda Ephrath" (limwe zina ndi, Bethlehem).8Izirayeli ukavhona vhanatukana vha Jesefa, akati, "Ndivhanani na?" 9Jesefa akati kuna bhabha vhavhe, "Ndivho vhana tukana vhangu, vhandakapiwa yapa na Mwali."Izirayele akati, "Vhuya navho kandiri, ndivhalopafaje." 10Zwino meso a Izirayele anga avhona majiyerere nokukegula, anga asingatshavhona.Jesefa akavha sedeja kavhali, Izirayele akavha kisser akavha mbundikira.11Izirayele ukati kuna Jesefa, "Handina kufunga kuti nditsha vhona tshiso tshitsho kana, asi talira Mwali ukandivhonisa navhana vhavho." 12Jesefa ukavhabvisa pakati pamagona avho akakotamira pasi, netshiso tshitshe. 13Jesefa ukavhabata vhali vhavhiri, Efuremu noluji gugwe kulumose gwa Izirayele, na Manase nolumose gugwe kuludli gwa Izirayeli ukavhasedeja pedlo naye.14Izirayele ukatambanuja luvhoko gugwe goludli akaluyesa panyezulu pa Efuremu, wayivha utuku, noluvhoko gugwe golumose panyezulu pa Manase.Akapambanisa mavhoko awe atshizwizivha, nokuti Manase anga ali wedanje. 15Ukalopafaja Jesefa , akati, "Mwali uya ukayenda mazitategulu angu panda pape, vhana Abhurahama na Isaka, Mwali ukandilisa pavhupenyu hwangu hwose kuswikira zuvha lanasi, 16utumwa wakandijikunula pane zwakayipa zwose, ngalopafajiwe vhanatukana avha.Zina langu ngali tumijiwe kavhali namazina amazitategulu angu, Abhurahana na Isaka.Vhawande tshaizwo panyika."17Zwino Jesefa akati atshivhona kuti bhabha vhavhe vhayesa luvhoko gwavho goludli panyezulu pa Efuremu, aluyese panyezulu pousolo wa Manasa. 18Jesefa ukati kuna bhabha vhavhe, "Legani kudlalo, bhabha vhangu, ndivho vhedanje.Esani luvhoko gwenu panyezulu pavho."19Bhabha vhavhe vhakalamba vhakati, "Ndinozivha, mwana wangu, ndinozivha.Nayiyevho utshavha luji, naiye utshavha ukugwane.Asi unukuna uwe utshavha ukugwane kayali vhana vhavhe vhatshavha nduji jakawanda." 20Ukavhalopafaja nousi yoyo akati, "Newe vha Izirayele vhatshalopafaja vhatshiti, 'Mwali ngakuyete sa Efuremu na Manase'."Sayezwo, Izirayele akayesa Efuremu panda pa Manase.21Zwino Izirayele ukati kuna Jesefa, "Talira, ndofa, asi Mwali utshavha nemi, ytshakujosera kunyika yamazitategulu edu. 22Newe, ndinokupa ukovhe umwe kupinda vhamwe vhana vhabhabha vhavho, uya wandakatalera vha Amori nepfumo langu novhuta hwangu."
491Zwino Jakopo ukadana vhanavhavhatukana vhavhe, akati: "vhungani ndimuvhuje, zwamutshayetegwa nemazuvha anotevhera. 2Vhunganani muhwe, vhanatukana vha Jakopo. Ingirani Izirayele, bhabha vhenu.3Rubheni, iwe uli danje langu,simba langu, nokutanga kesimba langu, ukugwane hwokukujiwa, novhukugwane hwe simba. 4Unotutuma se vula, haungavhi ne vhukugwane, nekuti ukakwira kuvhuvhato hwa bhabha vhavho. Ukavhuswibisa, wakakwira ku bete wangu.5Simion na Levi vhana vho unu umwapeji. Mpfumo awo inumbi jokugwa ne simba. 6Mwiyawangu, legakupinda pakulangana kavho kukujiwe kangu, legakusangana ne guvhangano lavho.Nokuti pakutshamwa kavho vhakavhulaya unulume. Nokuda kavho vhaka tusula vhaka kuvhaja phulu.7Kutshamwa kavho ngakutukwe, nokuti kanga kulikukugwane ne swiri javho, nokuti janga jakavhipa.Nditshavha balanganyisa pakati pa Jakopo nokuvha palajira pakati pa Izirayele.8Iwe Judha, utshalumbijiwa ne hama jijo. Luvhoko gugo gutshavha pa mitshiba ya vhavhengi vhavho. Vhana vha bhabha vhavho vhatshaku kotamira phandapapo.9Judha mwana we ndawu. Iwe mwana tukana wangu, wakwira utshibva panezwa vhulayiwa. Waka kotama, wakanyanga ndawu, se ndawu ye haji. Ndiyani utshamu musa?10Tonga ye vhushe haingabvi kuna Juda, kana udonzwo woubati pakati pe soka jije, kuswikira Shilo avhuya. Luji gose gwa vhanu gutshauhwa iye.11Unosungira dongi iye pauzambiringa, nemwana we dongi iwe pau zambiringa ukanyanya ku naka, wakakuvha gemenzi lile ne waini, nozwoku fuka zwizwe mu lopa lama zambiringa. 12Meso awe atsha tswuka ne waini, Meno awe atsha tshane se ukaka.13Zebhuroni utsha gala pau gumo we gungwa. Iye utshavha pau gumo panopinda ne zwikepe, Ugano uwe utshaswika pa Sidoni.14Isaca idongi ine simba, inovhata pasi pakati pamathanga a makwayi. 15Ukavhona zololo kuti lakanaka ne nyika kuti inofaja. Ukalelekera pfuji lire kuti a muluje akavha ubatiri we tshibalo.16Dhani utshatonga maka ja vhanu vhavhe so lunwe gwama luji a Izirail. 17Dheni utshavha se nyoka muzira, se mvumbi mu gwala inoluma zwirete zwe bere,kuti ugadi walo awire pasi na sule. 18Ndakamirira vhupenyu wenhu imwi, Yahweh.19Gadi utshavhambwa ne hondo, asi iwe utshavhavhamba pa zwirete zwavho. 20Asher utshavha ne zwekudla zwakakola, iye utshavhuya ne zwino tapira nezwino fanira ma Jishe. 21Naphtali isheche ye mhembwe yakasununguka; unolevha mahwi aka naka.22Jesefa i davhi lino beba, patshisenya, mathavhi awe ano pinda guda. 23Vhabai ne usevhe vhakou tambija tshaizwo vhakou tutsha vhakauvhenga.24Asi usevhe uwe ukalamba une simba, zwisasa zwa mavhoko awe zwaka simbisiwa na mavhoko a wamasimba ose Jakobo, ndipo panobva ma pfuji ne iwe la izirayel.25Mwali wa bhabha vhavho utshakutusa wamasimba ose utshakukombolera, akaku kombolera, anobva kumakole kusolo makombolero amazamu ne tumbu.26Makombolero abhabha vhavho anopinda makombolero amatategulu vhangu kuswikira kuugumo we tavha isingaperi.Jitshagala pausolo wa Jesefa, pausolo waiye wanga ali atshinda pakati pehama jije.27Bhanjamini ibere linopalaja.Mangwanana atshidla tshakavhulawa madekwe, utshakovhera zwaukapamba."28Avha vhose ndiwo maluji ane gumi namavhiri aIzirayele.Ndizwo zwaakalevha bhabha vhavho kavhali ukavhakombolera.Akavha makombolera umwe noumwe noku kombolegwa kuke. 29Ukavhalayijira akati kavhali, "Imi ndobva ndasanganisiwa navhanu vhangu.Mundondivhiga kana vhana bhabha vhangu mubako liri muminda wa Ephron mu Hittite, 30bako iri muminda we Machpelah, pakatalisana ne Mamre panyika ye Kanani, tiyi yakatengwa na Abhurahama pamwapeji neminda kana Ephron mu Hittite.31Ndipo pavhakavhiga Abhurahama na Sara ukaji uwe; ndipo pavhakavhiga Isaka na Ravheka ukaji uwe; ndipo pandakavhiga Leah. 32Minda uyu nebako iri mukati malo zwikatengwa kuvhanhu vha Hethi." 33Zwino Jakobho ukati apeja kulaijira vhanatukana vhavhe, ajosere soka jije panhovho, mwiya uwe ukabuda, ukasanganisa navhanhu vhavhe.
501Zwino Joseph wakawira panyezulu pemeso abhabha vhavhe, akalira panyezulu pape, akaukisa. 2Joseph wakalaira vhalanda vhavhe kuti jivhe nyanga kuti vhatate bhabha vhavhe.Nyanga jisingatati vha Izirayeri. 3Vhakapeja mazuvha makumi mana naye, nokuti ndiwo aivha mazuvha okutata.Navha Ijipitha vhaka ulire mazuvha makumi mashanu namavhiri.4Zwino mazuvha okulira akati apera, Joseph wakalevhereka navhengumba ya Pharaoh, akati, "Zwino kana ndawana makombolero kamuli, ndolevhera muzevhe ja Pharaoh, atshit, 5'Bhabha vhangu vhakandipikisa, vhatshiti, "Talirani, ndofa.Mutshitshengete mulinda landa zwitshira munyika ye Canaani.Ndimo maunofanira kundivhigamo."Nayezwo zwino munditendereni zwenu kuti ndikwire ndindovhiga bhabha vhangu, ndikhojoka."' 6Pharaoh wakati, "Endayi undovhiga bhabha vhavho, sezwavhaka kupikisa."7Iyapo Joseph wakakwira kundovhiga bhabha vhavhe.Navhalanda nhose vha Pharaoh vhakakwira naye-vhakugwane vhengumba iye, navha kugwane vhenyika ye Egypt, 8navhengumba yose ya Joseph, navhana vha bhabha vhavhe navhengumba yabhabha vhavhe.Asi vhanana vhavho, vhanga vhanamakwayi avho, nengombe javho vhakazwisiya panyika ye Gosheni. 9Gariki na vhagadhi vhedhongi vhakakwiravho naye.Likavha boka gugwane lavhanhu.10Vhakaswika pabhulege la Atad iri seri ke Jorodani, vhaka ulira nokulira kukugwane vhukuma.Joseph akalira bhabha vhavhe mazuvha mashanu namavhiri. 11Zwino vhanhu vhaigala panyika, ye Canaanites, vhakati vhatshivhona kutshena iyoko pabuliro la Atad,vhakati, "Kulira uku kukugwane ndika vha Ijipita."Nayezwo bhulege iyo ikatumijiwa Abel Mizraim, iri seri ka Jorodani.12Vhanatukana vhavhe vhaka uyetara sezwavhanga vhalayijigwa na Jacobo. 13Nokuti vhanatukana vhavhe vhaka ndouyesa kunyika ye Cannani vhakauvhiga mubako lounda we Machpelah, pedlo ne Mamre.Abhurahama wakatenga pamwepeji neminda kuna Ephron mu Hittite, pakatalisana ne Mamre kuti zwivhe zwizwe ivhe bhulege iye yokuvhiga. 14Zwino Joseph wakati avhiga bhabha vhavhe, akajokera Ijipita, iye vavhakulu vhavhe, navhose vhanga vhakwira naye kundovhiga bhabha vhavhe.15Zwino vhakulu vha Joseph vhakati vhatshivhona kuti bhabha vhavho vhafa, vhakati, "Zwimwe Joseph utshativhenga nokuti tshivha vhukuma zwakaipa zwose zwataka kuetera?" 16Nayezwo vhakatuma ihwi kuna Joseph, atshit, "Bhabha vhenu vhakalaira vhasanhu vhafa, vhatshiti, 17'Levherekani na Joseph, "Zwino ndikangamwireni zwenu kukhakha kavhakhulu vhenu ne zwivhi zwavho." Nokuti vhakaetera zwakaipa zwino ndokanganwira kutshinya kavhalanda vha Mwali wabhabha vhenu."Joseph wakalira pakulevhereka kavho naye.18Vhakugwane vhavhe vhaka endavho vhakawira pasi pandda pape.Vhakati, "Talirani, tiri vhalanda vhenu." 19Joseph wakati kavhali, "Musahla.Nokuti imi ndiri patshigalo tsha Mwali naa? 20Kana mulimwi, makandifingira zwakaipa, asi Mwali wakafunga kuti zwivhe zwakanaka kuti zwietiwe sezwino etiwa nasi, kuti vhanhu vhanji vhalala misiwe, sezwamuno vhona nasi. 21Nayezwo zwino musahla.Nditshakutshengeta nevhana vhenu."Vhakanyalaja vhakalevhereka navho nomoyo wakanaka.22Joseph wakagala Ijipita, iye navhengumba ya bhabha vhavhe.Joseph wakagala makole ane zana negumi. 23Joseph wakavhona vhana vha Ephraim vholuji gwe tshitatu.Navhana vha Makir mwanatukana wa Manasseh, vhakabehwegwa pamagonha a Joseph.24Joseph wakati kuvhakulu, "Ndofa; asi Mwali utshakumusa zweshuwa nokubudisa panyika ino muende kunyika yaakapikira Abhurahama, Isaka, na Jacob." 25Joseph wakapikisa vhana vhe Israel.Vhakati, "Mwali utshamu musa zwovhukuma.Nemwi mumuluje mapfupa angu abve yapa." 26Iyapo Joseph wakafa, avha namakole ane zana negumi.Vhakautata akaesiwa mubhogisi pa Ijipita.